< 1 Timotheo 3 >
1 Obhwaiki bhunu ni bhwo kwiikanyibhwa: Labha omunu kenda kubha Mutangasha, kenda milimu je kisi.
Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.
2 Kulwejo omutangasha jimwiile asige okulomwa kubhibhi. Jimwiile abhe mulume wo mugasi umwi. Jimwiile abhe wo kwibhalila omwengeso, abhe wo bhwitondo, mufula. Jiile abhe no bhutulo bhwo kwiigisha.
Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,
3 Asige okunywa obhwalwa, asige kulwana, nawe abhe mwololo, abhe wo mulembe. Jimwiile asige kubha wo kwenda jimpilya.
asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;
4 Jimwiile emelegululu abhanu bha munyumba yaye omwene, na abhana bhaye bheile bhamungwe mu chibhalo chone.
anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwese,
5 Kulwo kubha omunu akabha atakumenya okwimelegululu abhanu bha mu nyumba yaye omwene, katula kutiki okwimelegululu likanisa lya Nyamuanga?
nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?
6 Asige kubha mwikilisha muyaya, koleleki asiga kwikuya no kugwa mu ndamu lwo mujabhi uliya.
Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.
7 Jiile abhe na jintungwa je kisi ku bhona bha anja, kuleleki ataja kugwa mu nswalo na mu njilo jo mujabhi.
Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.
8 Abhafurubhendi, kutyo kutyo jibheile kubha bhanu bhe chibhalo, bhasiga kubha bha nyaika ebhili. Bhasige okunywa obhwalwa kwo kusagilila amwi okubha na inamba.
Saizvozvo vadhikoni ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,
9 Bhatule okubhika kwo mwoyo omwelu echimali che likilisha chinu chafundukuywe.
vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.
10 Bhabhe bhekelisibhwa kwamba, nio bhatule okufulubhenda kulwo kubha bhatana chikujulo.
Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.
11 Abhagasi one bhabhe bhe chibhalo. Bhasige kubha bhabheelesha. Bhabhe no kwibhalila na bhalengelesi mu misango jone.
Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvese.
12 Abhafulubhendi jibheile bhabhe bhalume bho mugasi umwi umwi. Jibheile bhemelegululu kisi abhana bhebhwe na bha mu nyumba yebhwe.
Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.
13 Kulwo kubha bhanu abhatangasha kisi abhabhona obhwima bhwekisi no bhubhasi bhunene mu likilisha linu lili mu Kristo Yesu.
Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.
14 Enandika emisango jinu kwawe, na eniikanya okuja kwawe woli wolyanu.
Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;
15 Mbe nawe labha nikakola, enandika koleleki ubhone okumenya akalibhatiye ka mu nyumba ya Nyamuanga, inu ili likanisa lya Nyamuanga unu ali muanga, ng'ingi no musakisi we chimali.
asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.
16 Nolwo kutaliwo kubhambala ati echimali cho Bhuungu chinu chasuluywe ni chikulu: “Abhonekene mu mubhili, nelesibhwa no Mwoyo Omwelu, nabhonekana na malaika, nalasibhwa agati ya maanga, nekilisibhwa ne chalo, nagegwa ingulu mwi kusho.”
Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.