< 1 Petro 2 >

1 Kulwejo mubhute ku mbali obhunyake bhwona, obhujigi-jigi, olulimi, lifuwa na inyaika mbibhi.
Naizvozvo bvisai uipi hwese nemano-mano ese neunyepedzeri negodo neucheri hwese,
2 Lwa bhana abhalela omuligila amata ganu gali ge kisi age chinyamwoyo, koleleki ati mutule okukula mu Mwel,
savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo;
3 alabha mwalojishe ati Latabhugenyi ni wa bhwana.
zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro.
4 Nimuje ku mwene unu ali ebhui eyanga linu lilamile linu lyalemelwe na bhanu, mbe nawe elyo lyasolelwe na Nyamuanga na ni lya bhugusi bhulabhu mu mwene.
Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha,
5 Emwe one muli lwa mabhui ganu gali maanga ganu agombwakwa ingulu kubha nyumba je chinyamwoyo, koleleki ati obhugabhisi obhwelu bhunu obhusosha echogo che chinyamwoyo chinu echikilisibhwa na Nyamuanga okulabha ku Yesu Kristo.
imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
6 Amaandiko agaika kutya, “Lola, niteyeko ku Sayuni Libhui elya kukona, ingulu na linu lyasolelwe elyo bhugusi bhunene. wona wona unu kekilisha mu mwene atakwaika.”
Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi.
7 Kwibhyo echibhalo ni chemwe kwimwe emwe bhanu omwikilisha. Mbe nawe, “Libhui linu lyalemelwe na bhombaki, linu nilyo lyabhee ebhui ekulu Lya kukona”-
Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona,
8 ne, ebhui elyo kwikujula no olutale lyo kwikujula.” Bhenene abhekujula, bhanu abhagulema omusango, ku gulya gunu one bhaliga bhasolelwe kwijo.
uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.
9 Mbe nawe emwe ni luganda lunu kwaliga lusolelwe, obhugabhisi bhwe chikayo, liyanga elyelu, abhanu bho bhutunge bhwa Nyamuanga, koleleki ati mutule okulasha ebhikolwa bhye bhilugusho ebhya uliya unu abhabhilikiye okusoka mu chisute no kuja mu bhwelu bhwaye obhwo kulugusha.
Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa;
10 Emwe okwamba mwaliga mutali bhanu, Mbe nawe woli emwe muli bhanu bha Nyamuanga. Emwe mutalamiye chigongo, mbe nawe woli mwalamiye echigongo.
imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi.
11 Abhendwa, nibhabhilikiye kuti bhagenyi na bhanu bhanu abhayega-yengala no kwiima kwemwe okwa inamba mbibhi eye chibhibhi, jinu ejilwanana ne Mioyo jemwe.
Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya;
12 Kubheile mubhe na ntungwa je kisi mu maanga, koleleki ati, alabha bhakabhaika kuti ati mukolele misango mibhibhi, mbe bhakajilola emilimu jemwe jili jekisi no kumukuya Nyamuanga mu nsiku jo kuja kwaye.
mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.
13 Nuwolobhele bhuli bhutungi bhwo mwanamunu ingulu ya Latabhugenyi, akabha ali mukama kuti mukulu,
Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga;
14 akabha bhali bhatungi bhanu bhatumilwe okuja okubhanyasha bhanu abhakola amabhibhi no kubhakuya bhanu abhakola ejo bhwima.
kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka.
15 Kulwo kubha ni kwenda kwa Nyamuanga, ati kulwo kukola ebhye kisi omujibhisha jinyaika ja abhanu bhamumu bhanu bhali bhafila.
Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi;
16 Kuti bhanu bhanu bhasulumuywe, mwasiga kukolela obhusulumuywe bhwemwe kuti chinu cho kubhisamo amabhibhi, nawe mubhe kuti bhakosi bha Nyamuanga.
sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari.
17 Nimubholobhele abhanu bhona. Nimubhendega abhasu. Nimumubhayega Nyamuanga. Nimumwolobhelega omukama.
Kudzai vese. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
18 Emwe abhagaya, nimubholobhelega bheso-bhugenyi bhemwe kwe bhibhalo bhyona, atali-la ati bheso-bhugenyi bhanu bhali bhekisi na bhololo, mbe nawe one bhanu bhali bhabhibhi.
Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama.
19 Kulwo kubha ni chibhalo kuti wona wona akegumilisha ku bhwasibhwa mu mwanya gunu kanyaka kenuchitaliwo chimali ku nsonga yo mutima gwaye ku Nyamuanga.
Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira.
20 Ni mabhona-ki ganu galiwo mukabha nimugendelelala okukola ebhibhibhi okumala mugendelele okusimagisibhwa? Mbe nawe mukakola ebhye kisi ka niwo munyake kwo oulamula, chinu ni chibhalo che kisi mu Nyamuanga.
Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari.
21 Ku linu mubhilikiywe, ku nsonga Kristo one anyasibhwe ingulu yeswe, abhasigiye echijejekanyo ingulu yemwe okulubha ebhigele bhyaye.
Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake;
22 Omwene atakolele chibhibhi, nolwo bhutabhonekene bhujigi-jigi bhwona bhwona ku munwa gwaye.
iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make;
23 Mu mwanya gunu mwenene afumilwe, atabhasubhisishe bhifumo, ejile anyaka, atakangilwe nawe esosishe mwenene ewaye omwene kalamula kwe chimali.
iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama;
24 Mwenene omwene etwikile ebhibhibhi bhyeswe ku mubhili gwaye kwiti, koleleki ati chasiga kubha ne ebhala lindi mu chibhibhi, na ati chilame ingulu yo bhulengelesi. Kwo kubhumwa kwaye emwe NIMWIULILA.
iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake.
25 Bhona bhanu mwaliga nimuyege-yenga lwa inyabhalega inu yabhulile, mbe nawe wolyanu mwasubhile ku mulefi na mulindilie we Mioyo jemwe.
Nokuti makange makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yenyu.

< 1 Petro 2 >