< 1 Abhakorintho 12 >
1 Ingulu ye ebhiyanwa bhye emyoyo, bhamula na bhayala bhasu nitakwenda mubhulwe okusombokelwa.
Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
2 Omumenya lwa kutyo ao mwaliga muli bhapagani mwatangasibhwaga ne ebhisusano bhinu bhitakuloma, munjila jona jona jabhatangashaga.
Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa.
3 Kulwejo, enenda mumenye kutya ataliwo wonawona unu kaika kwo Omwoyo gwa Nyamuanga naika ati, “Yesu afumilisibhwe.” Ataliwo wonawona unu alyaika ati, “Yesu ni Mukama,”atali okusokelela Mwoyo Mwelu.
Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene.
4 Mbe bhiliwo ebhiyanwa bhya bhuli mbaga, tali Mwoyo Mwelu ni ulya ulya.
Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
5 Okufurubhenda kulio kwa bhuli mbaga, tali Omukama ni ulya ulya.
Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe.
6 Kajilio emilimo ja bhuli mbaga, nawe Nyamuanga unu kakola emilimo jona mubhanu bhona niwoyo oyo ela.
Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese.
7 Mbe bhuli munu kayabhwa okuswelulilwa kwo Mwoyo kulwo omugaso gwa bhanu bhona.
Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira.
8 Kulwokubha omunu umwi ayabhilwe no Mwoyo omusango gwo obhwengeso, koundi nayabhwa omusango gwo obhumenyi okusoka ku Mwoyo ogwo gwo ela.
Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu;
9 Ku undi Mwoyo namuyana elikilisha, ku undi Mwoyo namuyana echiyanwa echokuosha.
nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu;
10 Oundi namuyana ebhikolwa bhya amanaga, no oundi okusosha obhulagi. Koundi namuyana obhutulo bhwo okugajula emyoyo, oundi namuyana obhutulo bhwokumenya jindimi, koundi okubhutabhuta jindimi.
nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
11 Nawe Mwoyo niwe unu kakola emilimu jona jinu, okuyana bhuli munu echiyanwa okwingana lwakutyo kasola omwene enyele.
asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda.
12 Kunsonga lwakutyo omubhili ni gumwi, ka gugwatene ne ebhilungo bhyafu, ebhilungo bhyona bhili kumubhili gumwi, na nikwo kutyo jili na ku Kristo.
Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu.
13 Kunsonga mu Mwoyo umwi eswe bhona chabhatijibhwe okubha mubhili gumwi, bhabhe Abhayaudi amo Abhayunani, chibhe bha bhagaya amo abhatwale, na bhona chanywesibhwe Mwoyo umwi.
Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe.
14 Kunsonga omubhili gutali ebhala limwi, tali ni bhyafu.
Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
15 Labha okugulu kukaika ati, “kulwokubha anye nitali kubhoko, anye nitali ebhala elyo omubhili,” okwaika kutyo kutakuganya okubha ebhala lyo omubhili.
Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here?
16 Ka labha okutwi kukaika ati, okubha anye nitali liso, mbe anye nitali ebhala lyo okubhili,” obhwaiki obhwo bhutakuganya kusige okubha ebhala elyo omubhili.
Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here?
17 Labha omubhili gwona gukabha liso, mbe okungwa kwakabeye aki? Labha omubhili gwona gukabha kutwi, mbe okuunyilisha kwakabeye aki?
Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
18 Nawe Nyamuanga amogele bhuli chungo echo omubhili nachitula ao endele omwene.
Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada.
19 Na chisanga bhyona bhili chungo chimwi, omubhili gwakabheye aki?
Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
20 Kulwejo oli ebhyungo ni bhyafu, nawe omubhili ni gumwi.
Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
21 Mbe eliso litakutula okubhwila okubhoko ati,”nitali na mulimo nawe.” Nolwo omutwe gutakutula okubhwila amagulu ati, “nitali na mulimo nemwe.”
Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe.
22 Nawe ebhungo bhyo omubhili bhinu ebhibhonekana okubha ne echibhalo chitoto bhili nemilimo minene.
Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa;
23 Ne ebhungo ebhyo omubhili bhinu echitoga ati bhili ne echibhalo chitoto, echibhiyana echibhalo chafu.
naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa;
24 Na ebhungo bhye ekisi mumeso bhitakusubha kuyabhwa echibhalo, kulwokubha bhyamalile okubha ne echibhalo. Nawe Nyamuanga abhitee amwi ebhungo bhyona, nokubhiyana echibhalo chafu bhinu bhitali na chibhalo.
asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa,
25 Akolele kutyo koleleki bhwasiga kubhao obhutagani mumubhili, koleleki ebhyungo bhyona bhibhike kulwokwenda kwo omunu omwi.
kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
26 Akatungu echungo chimwi chikautala, ebhungo bhyona nibhyasha.
Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo.
27 Mbe emwe olyanu muli mubhili gwa Kristo, ne ebhungo bhuli chimwi chwimwi kulubhala lwacho chigwatene na Kristo.
Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe.
28 Mbe Nyamuanga mwikanisa ateyeo echokwamba jintumwa, echakabhili abhalagi, echakasatu abhalimu, okwiya bhanu bhona abhakola ebhikolwa ebhikulu, okwiya echiyanwa ebhyo okuosha, bhanu abhasakila, bhanu abhakola omulimu gwo ukutangasha, na bhona bhanu abhamenya jindimi eja bhuli mbaga.
Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
29 Mbe eswe bhona chili ntumwa? Eswe bhona chili bhalagi? Eswe bhona chili bhalimu, Mbe eswe bhona echikola ebhikolwa ebhyo okulugusha?
Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here?
30 Enibhusya, eswe bhona chili ne chiyanwa echo okuwosha? Eswe bhona echisimula kunyaika? Eswe bhona echigajula inyaika?
Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here?
31 Munomuno nimulonde ebhiyanwa ebhinene. Anyone nilibholesha injila eyobwana kukila jona.
Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru.