< マタイの福音書 7 >
1 人を是非すること勿れ、然らば汝等も是非せられじ、
“Usatonga kuti newewo urege kutongwa.
2 其は人を是非したる如くに是非せられ、量りたる量にて亦量らるべければなり。
Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.
3 汝何ぞ兄弟の目に塵を見て、己が目に梁を見ざるや。
“Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?
4 或は汝の目に梁あるに、何ぞ兄弟に向ひて、我をして汝の目より塵を除かしめよと云ふや。
Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?
5 僞善者よ、先己の目より梁を除け、然らば明に見えて、兄弟の目より塵をも除くべし。
Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
6 聖物を犬に與ふること勿れ、又汝等の眞珠を豚の前に投ぐること勿れ、恐らくは足にて之を踏み、且顧みて汝等を噛まん。
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.
7 願へ、然らば與へられん、探せ、然らば見出さん、叩け、然らば[戸を]開かれん、
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.
8 其は総て願ふ人は受け、探す人は見出し、叩く人は[戸を]開かるべければなり。
Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
9 或は汝等の中、誰か其子麪を乞はんに石を與へんや、
“Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?
Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?
11 然れば汝等惡き者ながらも、善き賜を其子等に與ふるを知れば、况や天に在す汝等の父は、己に願ふ人々に善き物を賜ふべきをや。
Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
12 然れば総て人に為されんと欲する事を、汝等も人に為せ、蓋律法と預言者とは其なり。
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
13 汝等窄き門より入れ、蓋亡に至る門は濶く、其路も広くして、是より入る人多し。
“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.
14 嗚呼生命に至る門窄く、其路も狭くして、之を見出す人少き哉。
Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.
15 汝等僞預言者を警戒せよ、彼等は羊の衣服を着て汝等に至れども、内は暴き狼なり、
“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.
16 其結ぶ果によりて彼等を知るべし。豈茨より葡萄を採り、薊より無花果を採る事あらんや。
Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?
17 斯の如く、総て善き樹は善き果を結び、惡き樹は惡き果を結ぶ、
Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
18 善き樹は惡き果を結ぶ能はず、惡き樹は善き果を結ぶ能はず。
Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
19 総て善き果を結ばざる樹は、伐られて火に投入れらるべし。
Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.
Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
21 我に主よ主よと云ふ人皆天國に入るには非ず、天に在す我父の御旨を行ふ人こそ天國に入るべきなれ。
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22 彼日には、多くの人我に向ひて、主よ主よ、我等は、御名によりて預言し、且御名によりて惡魔を逐払い、且御名によりて多くの奇蹟を行ひしに非ずや、と云はんとす。
Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’
23 其時我彼等に宣言せん、我曾て汝等を知らず、惡を為す者よ我を去れ、と。
Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’
24 然れば総て我此言を聞き且之を行ふ人は、磐の上に其家を建てたる賢き人に比せられん、
“Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.
25 雨降り河溢れ風吹きて其家を衝きたれども、倒れざりき、其は磐の上に基したればなり。
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.
26 又総て我此言を聞きて之を行はざる人は、砂の上に其家を建てたる愚なる人に似ん、
Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.
27 雨降り河溢れ風吹きて其家を衝きたれば、倒れて其壊甚しかりき、と[教へ給へり。]
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”
28 イエズス是等の言を宣畢り給ひければ、群衆其教に感嘆し居たり。
Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,
29 其は彼等の律法學士とファリザイ人との如くせずして、権威ある者の如くに教へ給へばなり。
nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.