< 詩篇 72 >

1 ソロモンの歌 神よ、あなたの公平を王に与え、あなたの義を王の子に与えてください。
Pisarema raSoromoni. Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
2 彼は義をもってあなたの民をさばき、公平をもってあなたの貧しい者をさばくように。
Achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.
3 もろもろの山と丘とは義によって民に平和を与えるように。
Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
4 彼は民の貧しい者の訴えを弁護し、乏しい者に救を与え、しえたげる者を打ち砕くように。
Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
5 彼は日と月とのあらんかぎり、世々生きながらえるように。
Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
6 彼は刈り取った牧草の上に降る雨のごとく、地を潤す夕立ちのごとく臨むように。
achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
7 彼の世に義は栄え、平和は月のなくなるまで豊かであるように。
Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.
8 彼は海から海まで治め、川から地のはてまで治めるように。
Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
9 彼のあだは彼の前にかがみ、彼の敵はちりをなめるように。
Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.
10 タルシシおよび島々の王たちはみつぎを納め、シバとセバの王たちは贈り物を携えて来るように。
Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.
11 もろもろの王は彼の前にひれ伏し、もろもろの国民は彼に仕えるように。
Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.
12 彼は乏しい者をその呼ばわる時に救い、貧しい者と、助けなき者とを救う。
Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.
13 彼は弱い者と乏しい者とをあわれみ、乏しい者のいのちを救い、
Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
14 彼らのいのちを、しえたげと暴力とからあがなう。彼らの血は彼の目に尊い。
Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.
15 彼は生きながらえ、シバの黄金が彼にささげられ、彼のために絶えず祈がささげられ、ひねもす彼のために祝福が求められるように。
Iye ngaararame upenyu hurefu! Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.
16 国のうちには穀物が豊かにみのり、その実はレバノンのように山々の頂に波打ち、人々は野の草のごとく町々に栄えるように。
Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.
17 彼の名はとこしえに続き、その名声は日のあらん限り、絶えることのないように。人々は彼によって祝福を得、もろもろの国民は彼をさいわいなる者ととなえるように。
Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.
18 イスラエルの神、主はほむべきかな。ただ主のみ、くすしきみわざをなされる。
Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa.
19 その光栄ある名はとこしえにほむべきかな。全地はその栄光をもって満たされるように。アァメン、アァメン。
Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.
20 エッサイの子ダビデの祈は終った。
Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.

< 詩篇 72 >