< 詩篇 65 >

1 聖歌隊の指揮者によってうたわせたダビデの歌、さんび 神よ、シオンにて、あなたをほめたたえることはふさわしいことである。人はあなたに誓いを果すであろう。
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.
2
Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.
3 祈を聞かれる方よ、すべての肉なる者は罪のゆえにあなたに来る。われらのとががわれらに打ち勝つとき、あなたはこれをゆるされる。
Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.
4 あなたに選ばれ、あなたに近づけられて、あなたの大庭に住む人はさいわいである。われらはあなたの家、あなたの聖なる宮の恵みによって飽くことができる。
Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.
5 われらの救の神よ、地のもろもろのはてと、遠き海の望みであるあなたは恐るべきわざにより、救をもってわれらに答えられる。
Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure,
6 あなたは大能を帯び、そのみ力によって、もろもろの山を堅く立たせられる。
iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba,
7 あなたは海の響き、大波の響き、もろもろの民の騒ぎを静められる。
iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.
8 それゆえ、地のはてに住む人々も、あなたのもろもろのしるしを見て恐れる。あなたは朝と夕の出る所をして喜び歌わせられる。
Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.
9 あなたは地に臨んで、これに水をそそぎ、これを大いに豊かにされる。神の川は水で満ちている。あなたはそのように備えして彼らに穀物を与えられる。
Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.
10 あなたはその田みぞを豊かにうるおし、そのうねを整え、夕立ちをもってそれを柔らかにし、そのもえ出るのを祝福し、
Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.
11 またその恵みをもって年の冠とされる。あなたの道にはあぶらがしたたる。
Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.
12 野の牧場はしたたり、小山は喜びをまとい、
Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.
13 牧場は羊の群れを着、もろもろの谷は穀物をもっておおわれ、彼らは喜び呼ばわって共に歌う。
Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

< 詩篇 65 >