< 詩篇 144 >
1 ダビデの歌 わが岩なる主はほむべきかな。主は、いくさすることをわが手に教え、戦うことをわが指に教えられます。
Pisarema raDhavhidhi. Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa.
2 主はわが岩、わが城、わが高きやぐら、わが救主、わが盾、わが寄り頼む者です。主はもろもろの民をおのれに従わせられます。
Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu.
3 主よ、人は何ものなので、あなたはこれをかえりみ、人の子は何ものなので、これをみこころに、とめられるのですか。
Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?
4 人は息にひとしく、その日は過ぎゆく影にひとしいのです。
Munhu akafanana nomweya wokufema; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.
5 主よ、あなたの天を垂れてくだり、山に触れて煙を出させてください。
Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi.
6 いなずまを放って彼らを散らし、矢を放って彼らを打ち敗ってください。
Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza.
7 高い所からみ手を伸べて、わたしを救い、大水から、異邦人の手からわたしを助け出してください。
Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa
8 彼らの口は偽りを言い、その右の手は偽りの右の手です。
vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera.
9 神よ、わたしは新しい歌をあなたにむかって歌い、十弦の立琴にあわせてあなたをほめ歌います。
Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,
10 あなたは王たちに勝利を与え、そのしもべダビデを救われます。
iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.
11 わたしを残忍なつるぎから救い、異邦人の手から助け出してください。彼らの口は偽りを言い、その右の手は偽りの右の手です。
Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera.
12 われらのむすこたちはその若い時、よく育った草木のようです。われらの娘たちは宮の建物のために刻まれたすみの柱のようです。
Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo.
13 われらの倉は満ちて様々の物を備え、われらの羊は野でちよろずの子を産み、
Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu;
14 われらの家畜はみごもって子を産むに誤ることなく、われらのちまたには悩みの叫びがありません。
nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazova nokuputswa kwamasvingo, hapachazova nokuenda kuutapwa, hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.
15 このような祝福をもつ民はさいわいです。主をおのが神とする民はさいわいです。
Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.