< 詩篇 104 >
1 わがたましいよ、主をほめよ。わが神、主よ、あなたはいとも大いにして誉と威厳とを着、
Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende
3 水の上におのが高殿のうつばりをおき、雲をおのれのいくさ車とし、風の翼に乗りあるき、
uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.
4 風をおのれの使者とし、火と炎をおのれのしもべとされる。
Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.
5 あなたは地をその基の上にすえて、とこしえに動くことのないようにされた。
Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.
6 あなたはこれを衣でおおうように大水でおおわれた。水はたたえて山々の上を越えた。
Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.
7 あなたのとがめによって水は退き、あなたの雷の声によって水は逃げ去った。
Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza;
8 山は立ちあがり、谷はあなたが定められた所に沈んだ。
yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.
9 あなたは水に境を定めて、これを越えさせず、再び地をおおうことのないようにされた。
Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.
10 あなたは泉を谷にわき出させ、それを山々の間に流れさせ、
Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo.
11 野のもろもろの獣に飲ませられる。野のろばもそのかわきをいやす。
Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.
12 空の鳥もそのほとりに住み、こずえの間にさえずり歌う。
Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.
13 あなたはその高殿からもろもろの山に水を注がれる。地はあなたのみわざの実をもって満たされる。
Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.
14 あなたは家畜のために草をはえさせ、また人のためにその栽培する植物を与えて、地から食物を出させられる。
Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:
15 すなわち人の心を喜ばすぶどう酒、その顔をつややかにする油、人の心を強くするパンなどである。
iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.
16 主の木と、主がお植えになったレバノンの香柏とは豊かに潤され、
Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.
17 鳥はその中に巣をつくり、こうのとりはもみの木をそのすまいとする。
Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.
18 高き山はやぎのすまい、岩は岩だぬきの隠れる所である。
Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.
19 あなたは月を造って季節を定められた。日はその入る時を知っている。
Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
20 あなたは暗やみを造って夜とされた。その時、林の獣は皆忍び出る。
Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.
21 若きししはほえてえさを求め、神に食物を求める。
Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.
Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.
Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.
24 主よ、あなたのみわざはいかに多いことであろう。あなたはこれらをみな知恵をもって造られた。地はあなたの造られたもので満ちている。
Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.
25 かしこに大いなる広い海がある。その中に無数のもの、大小の生き物が満ちている。
Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.
26 そこに舟が走り、あなたが造られたレビヤタンはその中に戯れる。
Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.
27 彼らは皆あなたが時にしたがって食物をお与えになるのを期待している。
Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
28 あなたがお与えになると、彼らはそれを集める。あなたが手を開かれると、彼らは良い物で満たされる。
Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.
29 あなたがみ顔を隠されると、彼らはあわてふためく。あなたが彼らの息を取り去られると、彼らは死んでちりに帰る。
Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.
30 あなたが霊を送られると、彼らは造られる。あなたは地のおもてを新たにされる。
Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.
31 どうか、主の栄光がとこしえにあるように。主がそのみわざを喜ばれるように。
Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,
32 主が地を見られると、地は震い、山に触れられると、煙をいだす。
iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.
33 わたしは生きるかぎり、主にむかって歌い、ながらえる間はわが神をほめ歌おう。
Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
34 どうか、わたしの思いが主に喜ばれるように。わたしは主によって喜ぶ。
Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.
35 どうか、罪びとが地から断ち滅ぼされ、悪しき者が、もはや、いなくなるように。わがたましいよ、主をほめよ。主をほめたたえよ。
Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.