< 箴言 知恵の泉 19 >

1 正しく歩む貧しい者は、曲ったことを言う愚かな者にまさる。
Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.
2 人が知識のないのは良くない、足で急ぐ者は道に迷う。
Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.
3 人は自分の愚かさによって道につまずき、かえって心のうちに主をうらむ。
Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
4 富は多くの新しい友を作る、しかし貧しい人はその友に捨てられる。
Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
5 偽りの証人は罰を免れない、偽りをいう者はのがれることができない。
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.
6 気前のよい人にこびる者は多い、人はみな贈り物をする人の友となる。
Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.
7 貧しい者はその兄弟すらもみなこれを憎む、ましてその友はこれに遠ざからないであろうか。言葉をかけてこれを呼んでも、去って帰らないのである。
Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.
8 知恵を得る者は自分の魂を愛し、悟りを保つ者は幸を得る。
Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
9 偽りの証人は罰を免れない、偽りをいう者は滅びる。
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.
10 愚かな者が、ぜいたくな暮しをするのは、ふさわしいことではない、しもべたる者が、君たる者を治めるなどは、なおさらである。
Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!
11 悟りは人に怒りを忍ばせる、あやまちをゆるすのは人の誉である。
Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
12 王の怒りは、ししのほえるようであり、その恵みは草の上におく露のようである。
Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.
13 愚かな子はその父の災である、妻の争うのは、雨漏りの絶えないのとひとしい。
Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.
14 家と富とは先祖からうけつぐもの、賢い妻は主から賜わるものである。
Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
15 怠りは人を熟睡させる、なまけ者は飢える。
Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.
16 戒めを守る者は自分の魂を守る、み言葉を軽んじる者は死ぬ。
Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.
17 貧しい者をあわれむ者は主に貸すのだ、その施しは主が償われる。
Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.
18 望みのあるうちに、自分の子を懲らせ、これを滅ぼす心を起してはならない。
Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.
19 怒ることの激しい者は罰をうける、たとい彼を救ってやっても、さらにくり返さねばならない。
Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.
20 勧めを聞き、教訓をうけよ、そうすれば、ついには知恵ある者となる。
Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.
21 人の心には多くの計画がある、しかしただ主の、み旨だけが堅く立つ。
Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.
22 人に望ましいのは、いつくしみ深いことである、貧しい人は偽りをいう人にまさる。
Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
23 主を恐れることは人を命に至らせ、常に飽き足りて、災にあうことはない。
Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.
24 なまけ者は、手を皿に入れても、それを口に持ってゆくことをしない。
Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!
25 あざける者を打て、そうすれば思慮のない者も慎む。さとき者を戒めよ、そうすれば彼は知識を得る。
Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.
26 父に乱暴をはたらき、母を追い出す者は、恥をきたらし、はずかしめをまねく子である。
Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa.
27 わが子よ、知識の言葉をはなれて人を迷わせる教訓を聞くことをやめよ。
Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.
28 悪い証人はさばきをあざけり、悪しき者の口は悪をむさぼり食う。
Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.
29 さばきはあざける者のために備えられ、むちは愚かな者の背のために備えられる。
Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.

< 箴言 知恵の泉 19 >