< 箴言 知恵の泉 15 >
1 柔かい答は憤りをとどめ、激しい言葉は怒りをひきおこす。
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
2 知恵ある者の舌は知識をわかち与え、愚かな者の口は愚かを吐き出す。
Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi.
3 主の目はどこにでもあって、悪人と善人とを見張っている。
Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.
4 優しい舌は命の木である、乱暴な言葉は魂を傷つける。
Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
5 愚かな者は父の教訓を軽んじる、戒めを守る者は賢い者である。
Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
6 正しい者の家には多くの宝がある、悪しき者の所得には煩いがある。
Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.
7 知恵ある者のくちびるは知識をひろめる、愚かな者の心はそうでない。
Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.
8 悪しき者の供え物は主に憎まれ、正しい者の祈は彼に喜ばれる。
Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza.
9 悪しき者の道は主に憎まれ、正義を求める者は彼に愛せられる。
Jehovha anovenga nzira yeakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.
10 道を捨てる者には、きびしい懲しめがあり、戒めを憎む者は死に至る。
Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.
11 陰府と滅びとは主の目の前にあり、人の心はなおさらである。 (Sheol )
Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! (Sheol )
12 あざける者は戒められることを好まない、また知恵ある者に近づかない。
Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.
13 心に楽しみがあれば顔色も喜ばしい、心に憂いがあれば気はふさぐ。
Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.
14 さとき者の心は知識をたずね、愚かな者の口は愚かさを食物とする。
Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.
15 悩んでいる者の日々はことごとくつらく、心の楽しい人は常に宴会をもつ。
Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.
16 少しの物を所有して主を恐れるのは、多くの宝をもって苦労するのにまさる。
Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.
17 野菜を食べて互に愛するのは、肥えた牛を食べて互に憎むのにまさる。
Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
18 憤りやすい者は争いをおこし、怒りをおそくする者は争いをとどめる。
Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.
19 なまけ者の道には、いばらがはえしげり、正しい者の道は平らかである。
Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
20 知恵ある子は父を喜ばせる、愚かな人はその母を軽んじる。
Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.
21 無知な者は愚かなことを喜び、さとき者はまっすぐに歩む。
Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.
22 相はかることがなければ、計画は破れる、はかる者が多ければ、それは必ず成る。
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
23 人は口から出る好ましい答によって喜びを得る、時にかなった言葉は、いかにも良いものだ。
Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
24 知恵ある人の道は上って命に至る、こうしてその人は下にある陰府を離れる。 (Sheol )
Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. (Sheol )
25 主は高ぶる者の家を滅ぼし、やもめの地境を定められる。
Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
26 悪人の計りごとは主に憎まれ、潔白な人の言葉は彼に喜ばれる。
Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.
27 不正な利をむさぼる者はその家を煩らわせる、まいないを憎む者は生きながらえる。
Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.
28 正しい者の心は答えるべきことを考える、悪しき者の口は悪を吐き出す。
Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
29 主は悪しき者に遠ざかり、正しい者の祈を聞かれる。
Jehovha ari kure neakaipa, asi anonzwa munyengetero weakarurama.
Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.
31 ためになる戒めを聞く耳をもつ者は、知恵ある者の中にとどまる。
Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.
32 教訓を捨てる者はおのれの命を軽んじ、戒めを重んじる者は悟りを得る。
Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.
33 主を恐れることは知恵の教訓である、謙遜は、栄誉に先だつ。
Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.