< 哀歌 2 >

1 ああ、主は怒りを起し、黒雲をもってシオンの娘をおおわれた。主はイスラエルの栄光を天から地に投げ落し、その怒りの日に、おのれの足台を心にとめられなかった。
Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake muzuva rokutsamwa kwake.
2 主はヤコブのすべてのすまいを滅ぼして、あわれまず、その怒りによって、ユダの娘のとりでをこわし、これを地に倒して、その国とそのつかさたちをはずかしめられた。
Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; mukutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa.
3 主は激しい怒りをもって、イスラエルのすべての力を断ち、敵の前で、おのれの右の手を引きもどし、周囲を焼きつくす燃える火のように、ヤコブを焼かれた。
Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. Akadzosa ruoko rwake rworudyi pakasvika muvengi. Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unoparadza zvose zviri kumativi ose.
4 主は敵のように弓を張り、あだのように右の手を伸べて立ち、シオンの娘の天幕におるわれわれの目に誇る者を、ことごとく殺し、火のようにその怒りを注がれた。
Akawembura uta hwake somuvengi; ruoko rwake rworudyi rwagadzirira. Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona; akadurura hasha dzake semoto patende roMwanasikana weZioni.
5 主は敵のようになって、イスラエルを滅ぼし、そのすべての宮殿を滅ぼし、そのとりでをこわし、ユダの娘の上に憂いと悲しみとを増し加えられた。
Ishe akafanana nomuvengi; akamedza Israeri. Akamedza mizinda yake yose uye akaparadza mhare dzake. Akawedzera kuungudza nokuchema kwoMwanasikana weJudha.
6 主は園の小屋のようにおのれの幕屋を倒し、その祭の場所をこわされた。主は祭と安息日とをシオンに忘れさせ、激しい怒りによって、王と祭司とを捨てられた。
Akaparadza ugaro hwake sebindu; akaparadza nzvimbo yake yokusanganira. Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro; mukutsamwa kwake kunotyisa, akaramba vose mambo nomuprista.
7 主はその祭壇を忌み、その聖所をきらって、もろもろの宮殿の石がきを敵の手に渡された。彼らは祭の日のように、主の宮で声をあげた。
Ishe akaramba aritari yake uye akasiya nzvimbo yake tsvene. Akaisa mumaoko omuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha mumba maJehovha sapazuva romutambo wakatarwa.
8 主はシオンの娘の城壁を破壊しようと思い定めて、なわを張り、打ちこわして、その手をひかず、城壁と石がきとを悲しませられた。これらは共に衰える。
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni. Akatambanudza rwodzi rwokuyera uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza. Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze; zvose zvakaparara pamwe chete.
9 その門は地にうずもれ、主はその貫の木をこわし砕かれた。その王と君たちはもろもろの国民の中におり、もはや律法はなく、またその預言者は主から幻を得ない。
Masuo aro anyura muvhu, akavhuna mazariro aro ndokuaparadza. Mambo waro namachinda aro vakaenda kuutapwa pakati pendudzi, murayiro hapachina, uye vaprofita varo havachawanizve zviratidzo zvinobva kuna Jehovha.
10 シオンの娘の長老たちは地に座して黙し、頭にちりをかぶり、身に荒布をまとった。エルサレムのおとめたちはこうべを地にたれた。
Vakuru voMwanasikana weZioni vagere pasi vanyerere; vamwaya guruva pamisoro yavo ndokupfeka masaga. Vakadzi vechidiki veJerusarema vakotamisa misoro yavo pasi.
11 わが目は涙のためにつぶれ、わがはらわたはわきかえり、わが肝はわが民の娘の滅びのために、地に注ぎ出される。幼な子や乳のみ子が町のちまたに息も絶えようとしているからである。
Meso angu aneta nokuchema, ndiri kurwadziwa mukati mangu, mwoyo wangu wadururirwa pasi nokuti vanhu vangu vaparadzwa, nokuti vana navacheche voziya munzira dzomuguta.
12 彼らが、傷ついた者のように町のちまたで息も絶えようとするとき、その母のふところにその命を注ぎ出そうとするとき、母にむかって、「パンとぶどう酒とはどこにありますか」と叫ぶ。
Vanoti kuna vanamai vavo, “Zvokudya newaini zviripiko?” pavanoziya somurume akuvadzwa munzira dzomuguta, panodururwa upenyu hwavo. Mumaoko avanamai vavo.
13 エルサレムの娘よ、わたしは何をあなたに言い、何にあなたを比べることができようか。シオンの娘なるおとめよ、わたしは何をもってあなたになぞらえて、あなたを慰めることができようか。あなたの破れは海のように大きい、だれがあなたをいやすことができようか。
Ndingareveiko pamusoro pako? Ndingakuenzanisa neiko, iwe Mwanasikana weJerusarema? Ndingakufananidze neiko, kuti zvimwe ndikunyaradze, iwe Mhandara Mwanasikana weZioni? Vanga rako rakadzika segungwa. Ndianiko achakuporesa?
14 あなたの預言者たちはあなたのために人を欺く偽りの幻を見た。彼らはあなたの不義をあらわして捕われを免れさせようとはせず、あなたのために人を迷わす偽りの託宣を見た。
Zviratidzo zvavaprofita vako zvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo; havana kubudisa zvivi zvako pachena kuti vabvise kutapwa kwako, zvirevo zvavakakupa zvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa.
15 すべて道行く人は、あなたにむかって手を打ち、エルサレムの娘にむかって、あざ笑い、かつ頭を振って言う、「麗しさのきわみ、全地の喜びととなえられた町はこれなのか」と。
Vose vanopfuura nepauri vacharova maoko vachikuseka; vanoseka uye vanodzungudza misoro yavo pamusoro peMhandara yeJerusarema vachiti: “Ko, ndiro here guta rainzi kukwana kworunako, mufaro wenyika yose?”
16 あなたのもろもろの敵は、あなたをののしり、あざ笑い、歯がみして言う、「われわれはこれを滅ぼした、ああ、これはわれわれが望んだ日だ、今われわれはこれにあい、これを見た」と。
Vavengi vako vose vanoshama miromo yavo pamusoro pako; vanoseka uye vanorumanya meno avo vachiti, “Tarimedza. Iri ndiro zuva ratanga takamirira; takararama kuti tirione.”
17 主はその計画されたことを行い、警告されたことをなし遂げ、いにしえから命じておかれたように、滅ぼして、あわれむことをせず、あなたについて敵を喜ばせ、あなたのあだの力を高められた。
Jehovha aita zvaakaronga; azadzisa shoko rake, raakatema kare. Akakukoromora asina tsitsi, akarega muvengi achifara pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavavengi vako.
18 シオンの娘よ、声高らかに主に呼ばわれ、夜も昼も川のように涙を流せ。みずから安んじることをせず、あなたのひとみを休ませるな。
Mwoyo yavanhu inodana kuna She. Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni, rega misodzi yako iyerere sorwizi masikati nousiku; usazvipa zororo, meso ako asazorora.
19 夜、初更に起きて叫べ。主の前にあなたの心を水のように注ぎ出せ。町のかどで、飢えて息も絶えようとする幼な子の命のために、主にむかって両手をあげよ。
Simuka, danidzira usiku, panotanga varindi vousiku; durura mwoyo wako semvura pamberi paShe. Simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pamavambo enzira dzose.
20 主よ、みそなわして、顧みてください。あなたはだれにむかってこのように行われたのですか。女は自分の産んだ子、その大事に育てた幼な子を食べるでしょうか。祭司と預言者が主の聖所で殺されていいでしょうか。
“Tarirai, imi Jehovha, murangarire kuti: Ndiani wamakamboitira zvakadai? Ko, vakadzi vanofanira kudya vana vavo, ivo vana vavakarera here? Ko, vaprista navaprofita vangaurayirwa munzvimbo tsvene yaShe here?
21 老いも若きも、ちまたのちりに伏し、わがおとめも、若人も、つるぎで倒されてしまった。あなたは、その怒りの日にこれを殺し、これをほふって、あわれむことをされなかった。
“Majaya navatana vavata pamwe chete muguruva romunzira; majaya angu navarandakadzi vangu vaurayiwa nomunondo. Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu; makavabaya musina tsitsi.
22 あなたは、わたしの恐れるものを、祭の日のように四方から呼び集められた。主の怒りの日には、のがれた者も残った者もなかった。わたしが、いだき育てた者をわたしの敵は滅ぼし尽した。
“Sokukokera kwamunoita zuva romutambo, saizvozvo makandikokera kutyisa kumativi ose. Pazuva rokutsamwa kwaJehovha hakuna akapunyuka kana kurarama; vaya vandakachengeta uye ndikarera, vaparadzwa navavengi vangu.”

< 哀歌 2 >