< ヨシュア記 13 >

1 さてヨシュアは年が進んで老いたが、主は彼に言われた、「あなたは年が進んで老いたが、取るべき地は、なお多く残っている。
Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa.
2 その残っている地は、次のとおりである。ペリシテびとの全地域、ゲシュルびとの全土、
“Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri:
3 エジプトの東のシホルから北にのびて、カナンびとに属するといわれるエクロンの境までの地、ペリシテびとの五人の君たちの地、すなわち、ガザ、アシドド、アシケロン、ガテ、およびエクロン。
“Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi yavaAvhiti);
4 南のアビびとの地、カナンびとの全地、シドンびとに属するメアラからアモリびとの境にあるアペクまでの部分。
kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAra yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori,
5 またヘルモン山のふもとのバアルガデからハマテの入口に至るゲバルびとの地、およびレバノンの東の全土。
nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati.
6 レバノンからミスレポテ・マイムまでの山地のすべての民、すなわちシドンびとの全土。わたしはみずから彼らをイスラエルの人々の前から追い払うであろう。わたしが命じたように、あなたはその地をイスラエルに分け与えて、嗣業とさせなければならない。
“Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira,
7 すなわち、その地を九つの部族と、マナセの半部族とに分け与えて、嗣業とさせなければならない」。
uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.”
8 マナセの他の半部族と共に、ルベンびとと、ガドびととは、ヨルダンの向こう側、東の方で、その嗣業をモーセから受けた。主のしもべモーセが、彼らに与えたのは、
Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha.
9 アルノンの谷のほとりにあるアロエル、および谷の中にある町から、デボンとメデバの間にある高原のすべての地。
Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhebha kusvikira kuDhibhoni,
10 ヘシボンで世を治めた、アモリびとの王シホンのすべての町々を含めて、アンモンの人々の境までの地。
uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni.
11 ギレアデと、ゲシュルびと、ならびにマアカびとの領地、ヘルモン山の全土、サルカまでのバシャン全体。
Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka,
12 アシタロテとエデレイで世を治めたバシャンの王オグの全国。オグはレパイムの生き残りであった。モーセはこれらを撃って、追い払った。
zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdhirei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo.
13 ただし、イスラエルの人々は、ゲシュルびとと、マアカびとを追い払わなかった。ゲシュルびとと、マアカびとは、今日までイスラエルのうちに住んでいる。
Asi vaIsraeri havana kudzinga vanhu veGeshuri neMaaka, naizvozvo vagere pakati pavaIsraeri kusvikira nhasi.
14 ただレビの部族には、ヨシュアはなんの嗣業をも与えなかった。イスラエルの神、主の火祭が彼らの嗣業であるからである。主がヨシュアに言われたとおりである。
Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaiitwa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.
15 モーセはルベンびとの部族に、その家族にしたがって嗣業を与えたが、
Iyi ndiyo nhaka yakanga yapiwa rudzi rwaRubheni naMozisi, mhuri nemhuri:
16 その領域はアルノンの谷のほとりにあるアロエル、および谷の中にある町からメデバのほとりのすべての高原、
Nyika yose kubva kuAroeri, nechokumucheto kwoMupata weArinoni, uye kubva muguta pakati pomupata, bani rose kupfuura Medhebha
17 ヘシボンおよびその高原のすべての町々、デボン、バモテ・バアル、ベテ・バアル・メオン、
kusvikira kuHeshibhoni namaguta ose ari mubani, kusanganisa Dhibhoni, Bhamoti Bhaari, Bheti Bhaari Meoni,
18 ヤハヅ、ケデモテ、メパアテ、
Jahazi, Kedhemoti, Mefaati,
19 キリアタイム、シブマ、谷の中の山にあるゼレテ・シャハル、
Kiriataimi, Sibhima Zereti Shahari pachikomo chiri mumupata,
20 ベテペオル、ピスガの山腹、ベテエシモテ、
Bheti-Peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti Jeshimoti,
21 すなわち高原のすべての町々と、ヘシボンで世を治めたアモリびとの王シホンの全国に及んだ。モーセはシホンを、ミデアンのつかさたちエビ、レケム、ツル、ホルおよびレバと共に撃ち殺した。これらはみなシホンの諸侯であって、その地に住んでいた者である。
anova maguta ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, uyo aitonga paHeshibhoni. Mozisi akanga amukunda pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo.
22 イスラエルの人々はまたベオルの子、占い師バラムをもつるぎにかけて、そのほかに殺した者どもと共に殺した。
Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori uyo aiita zvokuvuka.
23 ルベンびとの領域はヨルダンを境とした。これはルベンびとが、その家族にしたがって獲た嗣業であって、その町々と村々とを含む。
Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni mhuri nemhuri.
24 モーセはまたガドの部族、ガドの子孫にも、その家族にしたがって、嗣業を与えたが、
Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, mhuri nemhuri:
25 その領域はヤゼル、ギレアデのすべての町々、アンモンびとの地の半ばで、ラバの東のアロエルまでの地。
Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha;
26 ヘシボンからラマテ・ミゾパまでの地、およびベトニム、マハナイムからデビルの境までの地。
nokubva kuHeshibhoni, kusvikira kuRamati Mizipa neBhetonimu, uye kubva kuMabhanaimu kusvika kunyika yeDhebhiri;
27 谷の中ではベテハラム、ベテニムラ、スコテ、およびザポンなど、ヘシボンの王シホンの国の残りの部分。ヨルダンを境として、ヨルダンの東側、キンネレテの湖の南の端までの地。
nomumupata, Bheti Haramu, Bheti Nimura, Sukoti neZafoni nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshibhoni, (kumabvazuva kweJorodhani nenyika inosvika panogumira Gungwa reKinereti).
28 これはガドびとが、その家族にしたがって獲た嗣業であって、その町々と村々とを含む。
Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yavaGadhi, mhuri nemhuri.
29 モーセはまたマナセの半部族にも、嗣業を与えたが、それはマナセの半部族が、その家族にしたがって与えられたものである。
Izvi ndizvo zvakanga zvapiwa hafu yorudzi rwaManase naMozisi, ndiko kuti, kuhafu yemhuri yezvizvarwa zvaManase, mhuri nemhuri:
30 その領域はマハナイムからバシャンの全土に及び、バシャンの王オグの全国、バシャンにあるヤイルのすべての町々、すなわちその六十の町。
Nyika yavo yaibva paMahanaimi, ichibatanidzira neBhashani yose, noushe hwose hwaOgi mambo weBhashani nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
31 またギレアデの半ば、バシャンのオグの国の町であるアシタロテとエデレイ。これらはマナセの子マキルの子孫に与えられた。すなわちマキルの子孫の半ばが、その家族にしたがって、それを獲た。
hafu yeGireadhi, neAshitaroti neEdhirei, (maguta oushe hwaOgi muBhashani). Iyi ndiyo yaiva nhaka yezvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase, zvehafu yavanakomana vaMakiri, mhuri nemhuri.
32 これらはヨルダンの向こう側、エリコの東のモアブの平野で、モーセが分け与えた嗣業である。
Ndiyo nhaka yakagoverwa naMozisi pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva kweJeriko.
33 ただし、レビの部族には、モーセはなんの嗣業をも与えなかった。イスラエルの神、主がその嗣業だからである。主がモーセに言われたとおりである。
Asi rudzi rwaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha, Mwari wavaIsraeri, ndiye nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.

< ヨシュア記 13 >