< ヨブ 記 39 >

1 あなたは岩間のやぎが子を産むときを知っているか。あなたは雌じかが子を産むのを見たことがあるか。
“Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?
2 これらの妊娠の月を数えることができるか。これらが産む時を知っているか。
Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?
3 これらは身をかがめて子を産み、そのはらみ子を産みいだす。
Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.
4 その子は強くなって、野に育ち、出て行って、その親のもとに帰らない。
Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.
5 だれが野ろばを放って、自由にしたか。だれが野ろばのつなぎを解いたか。
“Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?
6 わたしは荒野をその家として与え、荒れ地をそのすみかとして与えた。
Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.
7 これは町の騒ぎをいやしめ、御者の呼ぶ声を聞きいれず、
Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.
8 山を牧場としてはせまわり、もろもろの青物を尋ね求める。
Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.
9 野牛は快くあなたに仕え、あなたの飼葉おけのかたわらにとどまるだろうか。
“Ko, nyati ingabvuma kukushandira here? Ko, ingagara mudanga rako usiku here?
10 あなたは野牛に手綱をつけてうねを歩かせることができるか、これはあなたに従って谷を耕すであろうか。
Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here? Ko, ingarima mipata mushure mako here?
11 その力が強いからとて、あなたはこれに頼むであろうか。またあなたの仕事をこれに任せるであろうか。
Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?
12 あなたはこれにたよって、あなたの穀物を打ち場に運び帰らせるであろうか。
Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako uye igozviunza paburiro rako here?
13 だちょうは威勢よくその翼をふるう。しかしこれにはきれいな羽と羽毛があるか。
“Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru, asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.
14 これはその卵を土の中に捨て置き、これを砂のなかで暖め、
Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu igoarega achidziyirwa mujecha,
15 足でつぶされることも、野の獣に踏まれることも忘れている。
isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.
16 これはその子に無情であって、あたかも自分の子でないようにし、その苦労のむなしくなるをも恐れない。
Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,
17 これは神がこれに知恵を授けず、悟りを与えなかったゆえである。
nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.
18 これがその身を起して走る時には、馬をも、その乗り手をもあざける。
Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi waro.
19 あなたは馬にその力を与えることができるか。力をもってその首を装うことができるか。
“Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
20 あなたはこれをいなごのように、とばせることができるか。その鼻あらしの威力は恐ろしい。
Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?
21 これは谷であがき、その力に誇り、みずから出ていって武器に向かう。
Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.
22 これは恐れをあざ笑って、驚くことなく、つるぎをさけて退くことがない。
Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.
23 矢筒はその上に鳴り、やりと投げやりと、あいきらめく。
Goba remiseve rinorira parutivi paro, pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.
24 これはたけりつ、狂いつ、地をひとのみにし、ラッパの音が鳴り渡っても、立ちどまることがない。
Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.
25 これはラッパの鳴るごとにハアハアと言い、遠くから戦いをかぎつけ、隊長の大声およびときの声を聞き知る。
Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.
26 たかが舞いあがり、その翼をのべて南に向かうのは、あなたの知恵によるのか、
“Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?
27 わしがかけのぼり、その巣を高い所につくるのは、あなたの命令によるのか。
Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?
28 これは岩の上にすみかを構え、岩のとがり、または険しい所におり、
Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.
29 そこから獲物をうかがう。その目の及ぶところは遠い。
Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.
30 そのひなもまた血を吸う。おおよそ殺された者のある所には、これもそこにいる」。
Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”

< ヨブ 記 39 >