< ヨブ 記 37 >
1 これがためにわが心もまたわななき、その所からとび離れる。
“Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo.
2 聞け、神の声のとどろきを、またその口から出るささやきを。
Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake.
3 彼はこれを天が下に放ち、その光を地のすみずみまで至らせられる。
Anoregedzera mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika.
4 その後、声とどろき、彼はそのいかめしい声をもって鳴り渡られる。その声の聞える時、彼はいなずまを引きとめられない。
Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake.
5 神はその驚くべき声をもって鳴り渡り、われわれの悟りえない大いなる事を行われる。
Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura kunzwisisa kwedu.
6 彼は雪に向かって『地に降れ』と命じ、夕立ちおよび雨に向かって『強く降れ』と命じられる。
Anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’ nokumvura inonaya, ‘Naya nesimba.’
7 彼はすべての人の手を封じられる。これはすべての人にみわざを知らせるためである。
Kuitira kuti vanhu vose vaakasika vazive basa rake, anoita kuti munhu mumwe nomumwe ambomira kushanda.
Mhuka dzinovanda; dzinoramba dziri mumapako adzo.
Dutu rinobuda pakamuri yaro, chando chinobva pakuvhuvhuta kwemhepo.
10 神のいぶきによって氷が張り、広々とした水は凍る。
Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando.
11 彼は濃い雲に水気を負わせ、雲はそのいなずまを散らす。
Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore.
12 これは彼の導きによってめぐる。彼の命じるところをことごとく世界のおもてに行うためである。
Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira.
13 神がこれらをこさせるのは、懲しめのため、あるいはその地のため、あるいはいつくしみのためである。
Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake.
14 ヨブよ、これを聞け、立って神のくすしきみわざを考えよ。
“Teerera izvi, Jobho; imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari.
15 あなたは知っているか、神がいかにこれらに命じて、その雲の光を輝かされるかを。
Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake?
16 あなたは知っているか、雲のつりあいと、知識の全き者のくすしきみわざを。
Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo?
17 南風によって地が穏やかになる時、あなたの着物が熱くなることを。
Iyewe unopiswa nenguo dzako nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi,
18 あなたは鋳た鏡のように堅い大空を、彼のように張ることができるか。
ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa.
19 われわれが彼に言うべき事をわれわれに教えよ、われわれは暗くて、言葉をつらねることはできない。
“Tiudze zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu.
20 わたしは語ることがあると彼に告げることができようか、人は滅ぼされることを望むであろうか。
Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here?
21 光が空に輝いているとき、風過ぎて空を清めると、人々はその光を見ることができない。
Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa.
22 北から黄金のような輝きがでてくる。神には恐るべき威光がある。
Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa.
23 全能者はわれわれはこれを見いだすことができない。彼は力と公義とにすぐれ、正義に満ちて、これを曲げることはない。
Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba; mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri.
24 それゆえ、人々は彼を恐れる。彼はみずから賢いと思う者を顧みられない」。
Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”