< ヨブ 記 27 >

1 ヨブはまた言葉をついで言った、
Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:
2 「神は生きておられる。彼はわたしの義を奪い去られた。全能者はわたしの魂を悩まされた。
“Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
3 わたしの息がわたしのうちにあり、神の息がわたしの鼻にある間、
chero ndichine upenyu mandiri, ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
4 わたしのくちびるは不義を言わない、わたしの舌は偽りを語らない。
miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
5 わたしは断じて、あなたがたを正しいとは認めない。わたしは死ぬまで、潔白を主張してやめない。
Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
6 わたしは堅くわが義を保って捨てない。わたしは今まで一日も心に責められた事がない。
Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.
7 どうか、わたしの敵は悪人のようになり、わたしに逆らう者は不義なる者のようになるように。
“Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!
8 神が彼を断ち、その魂を抜きとられるとき、神を信じない者になんの望みがあろう。
Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?
9 災が彼に臨むとき、神はその叫びを聞かれるであろうか。
Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?
10 彼は全能者を喜ぶであろうか、常に神を呼ぶであろうか。
Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
11 わたしは神のみ手についてあなたがたに教え、全能者と共にあるものを隠すことをしない。
“Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
12 見よ、あなたがたは皆みずからこれを見た、それなのに、どうしてむなしい者となったのか。
Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
13 これは悪人の神から受ける分、圧制者の全能者から受ける嗣業である。
“Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
14 その子らがふえればつるぎに渡され、その子孫は食物に飽きることがない。
Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
15 その生き残った者は疫病で死んで埋められ、そのやもめらは泣き悲しむことをしない。
Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
16 たとい彼は銀をちりのように積み、衣服を土のように備えても、
Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
17 その備えるものは正しい人がこれを着、その銀は罪なき者が分かち取るであろう。
zvaanowana zvichapfekwa navakarurama, uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
18 彼の建てる家は、くもの巣のようであり、番人の造る小屋のようである。
Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.
19 彼は富める身で寝ても、再び富むことがなく、目を開けばその富はない。
Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
20 恐ろしい事が大水のように彼を襲い、夜はつむじ風が彼を奪い去る。
Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
21 東風が彼を揚げると、彼は去り、彼をその所から吹き払う。
Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose. Inomukukura kubva panzvimbo yake.
22 それは彼を投げつけて、あわれむことなく、彼はその力からのがれようと、もがく。
Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
23 それは彼に向かって手を鳴らし、あざけり笑って、その所から出て行かせる。
Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.

< ヨブ 記 27 >