< ヨブ 記 18 >

1 そこでシュヒびとビルダデは答えて言った、
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2 「あなたはいつまで言葉にわなを設けるのか。あなたはまず悟るがよい、それからわれわれは論じよう。
“Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.
3 なぜ、われわれは獣のように思われるのか。なぜ、あなたの目に愚かな者と見えるのか。
Tinobatirweiko semombe uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?
4 怒っておのが身を裂く者よ、あなたのために地は捨てられるだろうか。岩はその所から移されるだろうか。
Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
5 悪しき者の光は消え、その火の炎は光を放たず、
“Mwenje weakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.
6 その天幕のうちの光は暗く、彼の上のともしびは消える。
Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi pake unodzima.
7 その力ある歩みはせばめられ、その計りごとは彼を倒す。
Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.
8 彼は自分の足で網にかかり、また落し穴の上を歩む。
Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.
9 わなは彼のかかとを捕え、網わなは彼を捕える。
Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.
10 輪なわは彼を捕えるために地に隠され、張り網は彼を捕えるために道に設けられる。
Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.
11 恐ろしい事が四方にあって彼を恐れさせ、その歩みにしたがって彼を追う。
Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.
12 その力は飢え、災は彼をつまずかすために備わっている。
Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.
13 その皮膚は病によって食いつくされ、死のういごは彼の手足を食いつくす。
Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.
14 彼はその頼む所の天幕から引き離されて、恐れの王のもとに追いやられる。
Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.
15 彼に属さない者が彼の天幕に住み、硫黄が彼のすまいの上にまき散らされる。
Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.
16 下ではその根が枯れ、上ではその枝が切られる。
Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.
17 彼の形見は地から滅び、彼の名はちまたに消える。
Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.
18 彼は光からやみに追いやられ、世の中から追い出される。
Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.
19 彼はその民の中に子もなく、孫もなく、彼のすみかには、ひとりも生き残る者はない。
Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.
20 西の者は彼の日について驚き、東の者はおじ恐れる。
Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.
21 まことに、悪しき者のすまいはこのようであり、神を知らない者の所はこのようである」。
Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”

< ヨブ 記 18 >