< イザヤ書 22 >

1 幻の谷についての託宣。あなたがたはなぜ、みな屋根にのぼったのか。
Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo: Chii chinokutambudzai zvino, zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba?
2 叫び声で満ちている者、騒がしい都、喜びに酔っている町よ。あなたのうちの殺された者はつるぎで殺されたのではなく、また戦いに倒れたのでもない。
Haiwa guta rizere nemheremhere, haiwa guta renyonganyonga nokupembera? Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo, kana kufira muhondo.
3 あなたのつかさたちは皆共にのがれて行ったが、弓を捨てて捕えられた。彼らは遠く逃げて行ったが、あなたのうちの見つかった者はみな捕えられた。
Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete; vabatwa pasina kushandiswa uta. Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete, kunyange makanga matiza muvengi achiri kure.
4 それゆえ、わたしは言った、「わたしを顧みてくれるな、わたしはいたく泣き悲しむ。わが民の娘の滅びのために、わたしを慰めようと努めてはならない」。
Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni; regai ndicheme kwazvo. Musaedza kundinyaradza pamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.”
5 万軍の神、主は幻の谷に騒ぎと、踏みにじりと、混乱の日をこさせられる。城壁はくずれ落ち、叫び声は山に聞える。
Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, ane zuva renyonganyonga nerokutsikira pasi nokutyisa muMupata woKuratidza, zuva rokukoromorera masvingo pasi nerokudanidzira kumakomo.
6 エラムは箙を負い、戦車と騎兵とをもってきたり、キルは盾をあらわした。
Eramu anotora goba, pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro; Kiri anofudugura nhoo.
7 あなたの最も美しい谷は戦車で満ち、騎兵はもろもろの門にむかって立った。
Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro, uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta;
8 ユダを守るおおいは取り除かれた。その日あなたは林の家の武具を仰ぎ望んだ。
kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa. Uye pazuva iro makatarira, kuzvombo muMuzinda weSango;
9 またあなたがたはダビデの町の破れの多いのを見、下の池の水を集め、
makaona kuti Guta raDhavhidhi raiva napakakoromoka pakawanda munzvimbo dzokudzivirira; makazvichengetera mvura muDziva reZasi.
10 エルサレムの家を数え、またその家をこわして城壁を築き、
Makaverenga dzimba muJerusarema, mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo.
11 一つの貯水池を二つの城壁の間に造って古池の水をひいた。しかしあなたがたはこの事をなされた者を仰ぎ望まず、この事を昔から計画された者を顧みなかった。
Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri, kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare, asi hamuna kutarira kuna Iye akariita, kana kuva nehanya naIye akazvironga kare.
12 その日、万軍の神、主は泣き悲しみ、頭をかぶろにし、荒布をまとうことを命じられたが、
Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, akakudaidzai pazuva iro kuti mucheme uye muungudze, kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga.
13 見よ、あなたがたは喜び楽しみ、牛をほふり、羊を殺し、肉を食い、酒を飲んで言う、「われわれは食い、かつ飲もう、明日は死ぬのだから」。
Asi tarirai, kune mufaro nokupembera, kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai, kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini! Munoti, “Ngatidyei uye tinwe, nokuti mangwana tichafa!”
14 万軍の主はみずからわたしの耳に示された、「まことに、この不義はあなたがたが死ぬまで、ゆるされることはない」と万軍の神、主は言われる。
Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
15 万軍の神、主はこう言われる、「さあ、王の家をつかさどるこの執事セブナに行って言いなさい、
Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose: “Enda, undoti kumutariri uyu, kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari:
16 『あなたはここになんの係わりがありますか。あなたはだれの縁故でここに自分のために墓を掘ったのですか。あなたは高い所に墓を掘り、岩をうがって自分のためにすみかを造った。
Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumo yokuti uzvicherere rinda pano, uchizvivezera rinda rako pakakwirira nokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo?
17 強い人よ、見よ、主はあなたを激しくなげ倒される。主はあなたを堅くつかまえ、
“Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi, agokurasira kure, iwe murume wesimba.
18 ぐるぐるまわして、まりのように広々した地に投げられる。主人の家の恥となる者よ、あなたはそこで死に、あなたの華麗な車はそこに残る。
Achakupomba-pomba sebhora agokukanda munyika yakakura. Ndimo mauchafira, uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo, iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako!
19 わたしは、あなたをその職から追い、その地位から引きおろす。
Ndichakudzinga pabasa rako, uye uchatandaniswa panzvimbo yako.
20 その日、わたしは、わがしもべヒルキヤの子エリアキムを呼んで、
“Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia.
21 あなたの衣を着せ、あなたの帯をしめさせ、あなたの権力を彼の手にゆだねる。彼はエルサレムの民とユダの家との父となる。
Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanhire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha.
22 わたしはまたダビデの家のかぎを彼の肩に置く。彼が開けば閉じる者なく、彼が閉じれば開く者はない。
Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura.
23 わたしは彼を堅い所に打ったくぎのようにする。そして彼はその父の家の誉の座となり、
Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake.
24 その父の家のすべての重さは彼の上にかかる。すなわちその子、その孫およびすべての小さい器、鉢からすべてのびんにいたるまでみな、彼の上にかかる』」。
Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose.
25 万軍の主は言われる、「その日、堅い所に打ったくぎは抜け、切られて落ちる。その上にかかっている荷もまた取り去られる」と主は語られた。
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.

< イザヤ書 22 >