< エゼキエル書 40 >

1 われわれが捕え移されてから二十五年、都が打ち破られて後十四年、その年の初めの月の十日、その日に主の手がわたしに臨み、わたしをかの所に携えて行った。
Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, mushure kwokukundwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu uye akandiendesako.
2 すなわち神は幻のうちに、わたしをイスラエルの地に携えて行って、非常に高い山の上におろされた。その山の上に、わたしと相対して、一つの町のような建物があった。
Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yeIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta.
3 神がわたしをそこに携えて行かれると、見よ、ひとりの人がいた。その姿は青銅の形のようで、手に麻のなわと、測りざおとを持って門に立っていた。
Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake.
4 その人はわたしに言った、「人の子よ、目で見、耳で聞き、わたしがあなたに示す、すべての事を心にとめよ。あなたをここに携えて来たのは、これをあなたに示すためである。あなたの見ることを、ことごとくイスラエルの家に告げよ」。
Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”
5 見よ、宮の外の周囲に、かきがあり、その人の手に六キュビトの測りざおがあった。そのキュビトは、おのおの一キュビトと一手幅とである。彼が、そのかきの厚さを測ると、一さおあり、高さも一さおあった。
Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatu, rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanza. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.
6 彼が東向きの門に行き、その階段を上って、門の敷居を測ると、その厚さは一さおあり、
Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvaro ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika.
7 その詰め所は長さ一さお、幅一さお、詰め所と、詰め所との間は五キュビトあり、内の門の廊のかたわらの門の敷居は一さおあった。
Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.
8 門の廊を測ると八キュビトあり、
Ipapo akayera biravira resuo;
9 その脇柱は二キュビト、門の廊は内側にあった。
rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.
10 東向きの門の詰め所は、こなたに三つ、かなたに三つあり、三つとも同じ寸法である。脇柱もまた、こなたかなたともに同じ寸法である。
Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana.
11 門の入口の広さを測ると十キュビトあり、門の長さは十三キュビトあった。
Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu.
12 詰め所の前の境は一キュビト、かなたの境も一キュビトで、詰め所は、こなたかなたともに六キュビトあった。
Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pane madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana.
13 彼がまたこの詰め所の裏から、かの詰め所の裏まで、門を測ると、入口から入口まで二十五キュビトあった。
Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.
14 彼がまた廊を測ると二十キュビトあり、門の廊の周囲は、すべて庭である。
Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredza nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe.
15 入口の門の前から内の門の廊の前まで五十キュビトあり、
Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.
16 詰め所と、門の内側の周囲の脇柱とに窓があり、廊の内側の周囲にも、同様に窓があり、脇柱には、しゅろがあった。
Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.
17 彼がまたわたしを外庭に携え入れると、見よ、庭の周囲に設けた室と、敷石とがあり、敷石の上に三十の室があった。
Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.
18 敷石は門のわきにあり、門と同じ長さで、これは下の敷石である。
Yakanga yakaganhurana norutivi rwamasuo uye yakaenzana paupamhi sokureba kwadzakanga dzakaita; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi.
19 彼が下の門の内の前から、内庭の外の前までの距離を測ると、百キュビトあった。
Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.
20 また彼はわたしに先だって北へ行った。見よ、そこに外庭に属する北向きの門があった。彼はその長さと幅とを測った。
Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvazhe rwokunze.
21 その詰め所が、こなたに三つ、かなたに三つあり、また脇柱と廊とがあった。これらは初めの門と同じ寸法で、長さは五十キュビト、幅は二十五キュビトである。
Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.
22 その窓と、廊と、しゅろとは、東向きの門にあるものと同じ寸法である。そして七段の階段を経て、それに上ると、廊は内側にあった。
Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho.
23 内庭の門は北と東の門に向かっていた。彼が門から門までを測ると、百キュビトあった。
Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.
24 彼がまたわたしを南へ行かせると、見よ、南向きの門があった。その脇柱と廊を測ると、他と同じ寸法であった。
Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera.
25 これと、その廊の周囲とに、他の窓のような窓があって、その長さは五十キュビト、幅は二十五キュビトあった。
Suo nebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu.
26 これを上るのに七段の階段があり、その廊は内側にあった。その脇柱の上には、こなたに一つ、かなたに一つのしゅろがあった。
Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe.
27 内庭には南向きの門があり、門から門まで南の方へ測ると、百キュビトあった。
Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana.
28 彼がわたしを南の門から内庭にはいらせ、南の門を測ると、さきのものと、同じ寸法であった。
Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rakanga rakaenzana namamwe pakuyera.
29 その詰め所と、脇柱と、廊とは、他のものと同じ寸法で、その門と、廊の周囲とには窓があり、門の長さは五十キュビト、幅は二十五キュビトであった。
Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu.
30 周囲に廊があって、その長さは二十五キュビト、幅は五キュビトである。
Mabiravira emasuo akanga akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika.
31 その廊は外庭に面して、脇柱の上にしゅろがあり、その階段は八段であった。
Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
32 彼はまたわたしを内庭の東の方に携えて行って、門を測った。それは他と同じ寸法であった。
Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera.
33 その詰め所と、脇柱と、廊とは、他と同じ寸法で、その門と、その廊の周囲とに窓があり、門の長さは五十キュビト、幅は二十五キュビトである。
Makamuri aro namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.
34 その廊は外庭に面し、その脇柱の上には、こなたかなたに、しゅろがあり、その階段は八段であった。
Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
35 彼がまたわたしを北の門に携えて行って、これを測ると、それは他と同じ寸法であった。
Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera,
36 その詰め所と、脇柱と、廊とは、他と同じ寸法で、その周囲に窓があり、門の長さは五十キュビト、幅は二十五キュビトである。
sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.
37 その廊は外庭に面し、その脇柱の上には、こなたかなたに、しゅろがあり、その階段は八段であった。
Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
38 門の廊に戸のある室があって、そこは燔祭の物を洗う所である。
Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa.
39 門の廊に、こなたに二つの台、かなたに二つの台があり、その上で、燔祭、罪祭、愆祭の物をほふるのであった。
Mubiravira rapasuo makanga muna matafura maviri pamativi ose, paiurayirwa zvibayiro zvinopiswa, zvezvivi nezvemhosva.
40 北の門の入口にある廊の外の片側に、二つの台があり、門の廊の他の側にも、二つの台があり、
Kurutivi rwokunze rworusvingo rwebiravira repasuo, pedyo nezvikwiriso zvapamukova nechokumusoro kwesuo rokumusoro kwakanga kune matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwezvikwiriso kwaivawo namatafura maviri.
41 門のかたわら、内側に四つの台、外側に四つの台があって、合わせて八つの台である。その上で、犠牲の物をほふるのである。
Saka kwakanga kuna matafura mana parutivi rwesuo uye mamwezve mana kuno rumwe rutivi, matafura masere munzvimbo dzose, pakanga pachiurayirwa zvibayiro.
42 そこにまた燔祭のために四つの切り石の台があり、その長さは一キュビト半、幅は一キュビト半、高さは一キュビト、その上に燔祭および犠牲をほふる器を置くのである。
Kwakanga kuna mamwezve matafura mana amabwe akashongedzwa ezvibayiro zvinopiswa, rimwe nerimwe rine kubhiti rimwe nehafu paurefu, kubhiti nehafu paupamhi uye kubhiti rimwe chete pakukwirira. Pamusoro pawo pakanga pakaiswa midziyo yavaibayira nayo zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro.
43 内の周囲に、一手幅の折り釘が打ちつけてあって、供え物の肉は、台の上に置かれるのである。
Uye zvikokovono zvaiva nemhanda mbiri, chimwe nechimwe chakanga chine upamhi hwechanza chomunhu pakureba, zvakanga zvakasungirirwa pamadziro ose. Matafura akanga ari enyama yezvipiriso.
44 彼はまたわたしを、外から内庭に連れてはいった。見よ、内庭に二つの室があり、一つは北の門のかたわらにあって南に向かい、一つは南の門のかたわらにあって、北に向かっていた。
Kunze kwesuo romukati, nechomukati moruvazhe rwomukati, makanga muna makamuri maviri, rimwe kurutivi rwesuo rokumusoro uye rakatarisa kumusoro.
45 彼はわたしに言った、この南向きの室は、宮を守る祭司のためのもの、
Iye akati kwandiri, “Kamuri rakatarisa zasi, nderavaprista vanochengeta temberi,
46 また北向きの室は、祭壇を守る祭司のためのものである。その人たちは、レビの子孫のうちのザドクの子孫であって、主に近く仕える者たちである。
Uye kamuri rakatarisa kumusoro nderavaprista vanochengeta aritari. Ava ndivo vana vaZadhoki, vanova ndivo vaRevhi chete vangaswedera pedyo naJehovha kuti vashumire pamberi pake.”
47 そして彼が庭を測ると、その長さは百キュビト、幅も百キュビトで四角である。宮の前には祭壇があった。
Ipapo akayera ruvazhe: Rwakanga rwakaenzana mativi ose, makubhiti zana pakureba, uye makubhiti zana paupamhi. Uye aritari yakanga iri pamberi petemberi.
48 彼がわたしを宮の廊に連れて行って、廊の脇柱を測ると、こなたも五キュビト、かなたも五キュビトであり、門の幅は十四キュビトである。門の壁は、こなたも三キュビト、かなたも三キュビトである。
Akandiendesa kubiravira retemberi ndokuyera mbiru dzebiravira, dzakanga dzina makubhiti mashanu kumativi ose. Upamhi hwesuo hwaiva makubhiti gumi namana uye madziro acho aionekera akanga ana makubhiti matatu paupamhi kumativi ose.
49 廊の長さは二十キュビト、幅は十二キュビトであり、十の階段によって上るのである。脇柱に沿って、こなたに一つ、かなたに一つの柱があった。
Biravira rakanga rina makubhiti makumi maviri paupamhi, uye makubhiti gumi namaviri kubva mberi kusvika shure. Ikoko kwaisvikwa nezvikwiriso, uye kwakanga kune mbiru parutivi rumwe norumwe rwedzimwe mbiru.

< エゼキエル書 40 >