< 伝道者の書 5 >
1 神の宮に行く時には、その足を慎むがよい。近よって聞くのは愚かな者の犠牲をささげるのにまさる。彼らは悪を行っていることを知らないからである。
Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.
2 神の前で軽々しく口をひらき、また言葉を出そうと、心にあせってはならない。神は天にいまし、あなたは地におるからである。それゆえ、あなたは言葉を少なくせよ。
Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.
3 夢は仕事の多いことによってきたり、愚かなる者の声は言葉の多いことによって知られる。
Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
4 あなたは神に誓いをなすとき、それを果すことを延ばしてはならない。神は愚かな者を喜ばれないからである。あなたの誓ったことを必ず果せ。
Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako.
5 あなたが誓いをして、それを果さないよりは、むしろ誓いをしないほうがよい。
Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa.
6 あなたの口が、あなたに罪を犯させないようにせよ。また使者の前にそれは誤りであったと言ってはならない。どうして、神があなたの言葉を怒り、あなたの手のわざを滅ぼしてよかろうか。
Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?
7 夢が多ければ空なる言葉も多い。しかし、あなたは神を恐れよ。
Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.
8 あなたは国のうちに貧しい者をしえたげ、公道と正義を曲げることのあるのを見ても、その事を怪しんではならない。それは位の高い人よりも、さらに高い者があって、その人をうかがうからである。そしてそれらよりもなお高い者がある。
Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo.
9 しかし、要するに耕作した田畑をもつ国には王は利益である。
Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.
10 金銭を好む者は金銭をもって満足しない。富を好む者は富を得て満足しない。これもまた空である。
Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana; ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana. Naizvozviwo hazvina maturo.
11 財産が増せば、これを食う者も増す。その持ち主は目にそれを見るだけで、なんの益があるか。
Nokuwanda kunoita pfuma, ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya. Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo kunze kwokungogutsa meso ake nayo?
12 働く者は食べることが少なくても多くても、快く眠る。しかし飽き足りるほどの富は、彼に眠ることをゆるさない。
Hope dzomushandi dzakanaka, hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji, asi kuwanda kwezvinhu zvomupfumi hakumuwanisi hope.
13 わたしは日の下に悲しむべき悪のあるのを見た。すなわち、富はこれをたくわえるその持ち主に害を及ぼすことである。
Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva: pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,
14 またその富は不幸な出来事によってうせ行くことである。それで、その人が子をもうけても、彼の手には何も残らない。
kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira, kuti kana abereka mwana mukomana anoshaya chaanomusiyira.
15 彼は母の胎から出てきたように、すなわち裸で出てきたように帰って行く。彼はその労苦によって得た何物をもその手に携え行くことができない。
Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake, uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda. Haana chaanotakura chinobva pabasa rake, chaangaenda nacho muruoko rwake.
16 人は全くその来たように、また去って行かなければならない。これもまた悲しむべき悪である。風のために労する者になんの益があるか。
Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo: Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda, uye chii chaangawana, iye achishandira mhepo?
17 人は一生、暗やみと、悲しみと、多くの悩みと、病と、憤りの中にある。
Pamazuva ake ose anodyira murima, nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.
18 見よ、わたしが見たところの善かつ美なる事は、神から賜わった短い一生の間、食い、飲み、かつ日の下で労するすべての労苦によって、楽しみを得る事である。これがその分だからである。
Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.
19 また神はすべての人に富と宝と、それを楽しむ力を与え、またその分を取らせ、その労苦によって楽しみを得させられる。これが神の賜物である。
Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari.
20 このような人は自分の生きる日のことを多く思わない。神は喜びをもって彼の心を満たされるからである。
Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.