< 歴代誌Ⅰ 7 >
1 イッサカルの子らはトラ、プワ、ヤシュブ、シムロムの四人。
Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.
2 トラの子らはウジ、レパヤ、エリエル、ヤマイ、エブサム、サムエル。これは皆トラの子で、その氏族の長である。その子孫の大勇士たる者はダビデの世にはその数二万二千六百人であった。
Vanakomana vaTora vaiva: Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.
3 ウジの子はイズラヒヤ、イズラヒヤの子らはミカエル、オバデヤ、ヨエル、イシアの五人で、みな長たる者であった。
Mwanakomana waUzi aiva: Izirahia. Vanakomana vaIzirahia vaiva: Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe.
4 その子孫のうちに、その氏族に従えば軍勢の士卒三万六千人あった。これは彼らが妻子を多くもっていたからである。
Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.
5 イッサカルのすべての氏族のうちの兄弟たちで系図によって数えられた大勇士は合わせて八万七千人あった。
Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.
6 ベニヤミンの子らはベラ、ベケル、エデアエルの三人。
Vanakomana vaBhenjamini vatatu vaiva: Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.
7 ベラの子らはエヅボン、ウジ、ウジエル、エレモテ、イリの五人で、皆その氏族の長である。その系図によって数えられた大勇士は二万二千三十四人あった。
Vanakomana vaBhera vaiva: Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vose vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.
8 ベケルの子らはゼミラ、ヨアシ、エリエゼル、エリオエナイ、オムリ、エレモテ、アビヤ、アナトテ、アラメテで皆ベケルの子らである。
Vanakomana vaBhekeri vaiva: Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri.
9 その子孫のうち、その氏族の長として系図によって数えられた大勇士は二万二百人あった。
Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.
10 エデアエルの子はビルハン。ビルハンの子らはエウシ、ベニヤミン、エホデ、ケナアナ、ゼタン、タルシシ、アヒシャハル。
Mwanakomana waJedhiaeri ainzi Bhirihani. Vanakomana vaBhirihani vaiva: Jehushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari.
11 皆エデアエルの子らで氏族の長であった。その子孫のうちには、いくさに出てよく戦う大勇士が一万七千二百人あった。
Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.
12 またイルの子らはシュパムとホパム。アヘルの子はホシムである。
VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.
13 ナフタリの子らはヤハジエル、グニ、エゼル、シャルムで皆ビルハの産んだ子である。
Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.
14 マナセの子らはそのそばめであるスリヤの女の産んだアスリエル。彼女はまたギレアデの父マキルを産んだ。
Zvizvarwa zvaManase zvaiva: Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi.
15 マキルはホパムとシュパムの妹マアカという者を妻にめとった。二番目の子はゼロペハデという。ゼロペハデには女の子だけがあった。
Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete.
16 マキルの妻マアカは男の子を産んで名をペレシと名づけた。その弟の名はシャレシ。シャレシの子らはウラムとラケムである。
Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Mununʼuna wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.
17 ウラムの子はベダン。これらはマナセの子マキルの子であるギレアデの子らである。
Mwanakomana waUramu ainzi Bhedhani. Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.
18 その妹ハンモレケテはイシホデ、アビエゼル、マヘラを産んだ。
Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.
19 セミダの子らはアヒアン、シケム、リキ、アニアムである。
Vanakomana vaShimidha vaiva: Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.
20 エフライムの子はシュテラ、その子はベレデ、その子はタハテ、その子はエラダ、その子はタハテ、
Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva: Shutera, Bheredhi mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake, Tahati mwanakomana wake,
21 その子はザバデ、その子はシュテラである。エゼルとエレアデはガテの土人らに殺された。これは彼らが下って行ってその家畜を奪おうとしたからである。
Zabhadhi mwanakomana wake naShutera mwanakomana wake. (Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburukira kundopamba zvipfuwo zvavo.
22 父エフライムが日久しくこのために悲しんだので、その兄弟たちが来て彼を慰めた。
Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza.
23 そののち、エフライムは妻のところにはいった。妻ははらんで男の子を産み、その名をベリアと名づけた。その家に災があったからである。
Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko.
24 エフライムの娘セラは上と下のベテホロンおよびウゼン・セラを建てた。
Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.)
25 ベリアの子はレパ、その子はレセフ、その子はテラ、その子はタハン、
Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake, Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,
26 その子はラダン、その子はアミホデ、その子はエリシャマ、
Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake, Erishama mwanakomana wake,
Nuni mwanakomana wake naJoshua mwanakomana wake.
28 エフライムの子孫の領地と住所はベテルとその村々、また東の方ではナアラン、西の方ではゲゼルとその村々、またシケムとその村々、アワとその村々。
Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro.
29 またマナセの子孫の国境に沿って、ベテシャンとその村々、タアナクとその村々、メギドンとその村々、ドルとその村々で、イスラエルの子ヨセフの子孫はこれらの所に住んだ。
Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.
30 アセルの子らはイムナ、イシワ、エスイ、ベリアおよびその姉妹セラ。
Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.
31 ベリアの子らはヘベルとマルキエル。マルキエルはビルザヒテの父である。
Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.
32 ヘベルはヤフレテ、ショメル、ホタムおよびその姉妹シュアを生んだ。
Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.
33 ヤフレテの子らはパサク、ビムハル、アシワテ。これらはヤレフテの子らである。
Vanakomana vaJafireti vaiva: Pasaki, Bhimari naAshivhati. Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.
34 彼の兄弟ショメルの子らはロガ、ホバおよびアラム。
Vanakomana vaShomeri vaiva: Ahi, Roga, Hubhai naAramu.
35 ショメルの兄弟ヘレムの子らはゾパ、イムナ、シレシ、アマル。
Vanakomana vomununʼuna wake Heremu vaiva: Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.
36 ゾパの子らはスア、ハルネペル、シュアル、ベリ、イムラ、
Vanakomana vaZofa vaiva: Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira,
37 ベゼル、ホド、シャンマ、シルシャ、イテラン、ベエラ。
Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.
Vanakomana vaJeteri vaiva: Jefune, Pisipa naAra.
Vanakomana vaUra vaiva: Ara, Hanieri, naRizia.
40 これらは皆アセルの子孫であって、その氏族の長、えりぬきの大勇士、つかさたちのかしらであった。その系図によって数えられた者で、いくさに出てよく戦う者の数は二万六千人であった。
Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri, vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.