< ユダの手紙 1 +

1 イエス・キリストの召使い,またヤコブの兄弟であるユダから,父なる神によって聖別されており,イエス・キリストのために守られている,召された者たちへ。
Judha muranda waJesu Kristu, uye munin'ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:
2 あわれみと平和と愛があなた方に増し加えられますように。
Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
3 愛する者たちよ,わたしたちの共通の救いについてあなた方に書き送ろうと切望していましたが,かつて聖徒たちに伝えられた信仰のために真剣に戦うよう勧めるため,あなた方に書き送る必要が生じました。
Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
4 というのは,ひそかに忍び込んできたある者たち,それも以下に述べるような裁きを受けるとずっと前から書かれていた者たち,また不信心な者たち,わたしたちの神の恵みをみだらな楽しみに変え,わたしたちの唯一の主人,神,また主であるイエス・キリストを否認している者たちがいるからです。
Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe wega Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
5 あなた方がすでに知っていることですが,わたしは次のことをあなた方に思い出させたいと思っています。それは,主が,民をエジプトの地から救い出し,のちに信じなかった者たちを滅ぼされたということです。
Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakange vasingatendi.
6 また,自分たちの最初の領分を守らずに,その住みかを捨て去ったみ使いたちを,大いなる日の裁きのために,永遠の鎖をもって闇のもとに留め置いておられるということです。 (aïdios g126)
Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima. (aïdios g126)
7 それは,これらの者と同じように淫行にふけり,異常な肉欲を追い求めたソドムとゴモラ,またその周辺の町々が,永遠の火の刑罰を受けて,見せしめにされているのと同様です。 (aiōnios g166)
SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi. (aiōnios g166)
8 それなのに,あの夢を見ている者たちも同じように,肉を汚し,権威をさげすみ,天にいる者たちを中傷しています。
Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.
9 しかし,み使いのかしらミカエルは,悪魔と言い争い,モーセの体について論じ合っていた時,ののしって裁きをもたらすことはあえてせず,「主があなたをとがめてくださるように!」と言いました。
Asi Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
10 しかし,これらの者たちは自分が知ってもいない事柄について悪く言います。彼らは,理性のない動物と同じく生まれつき理解している事柄において,自分をだめにしています。
Asi ava vanotuka zvese zvavasingazivi; asi zvese zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.
11 彼らは災いです! 彼らはカインの道を行き,報酬のためにバラムの迷いに突き進み,コラの反抗によって滅びたからです。
Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.
12 これらの者たちは,あなた方と一緒に食事をするとはいえ,あなた方の親ぼくの食事における隠れた岩礁であり,恐れもなく自らを養う羊飼い,風に吹きまわされる水のない雲,実を結ばずに二度死んで根こそぎにされた秋の木,
Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;
13 自分の恥を泡立たせる海の荒波,さまよう星であって,彼らのためには闇の暗黒がいつまでも用意されています。 (aiōn g165)
mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi. (aiōn g165)
14 これらの者たちについては,アダムから七代目のエノクも預言してこう言いました。「見よ,主はご自分の幾万もの聖なる者たちを率いて来られた。
NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,
15 すべての者に裁きを執行するため,そして,すべての不信心な者を,彼らが不信心な仕方で行なったあらゆる不信心な業について,また不信心な罪人たちがご自分に対して語ったあらゆるひどい言葉について,有罪を宣告するためだ」。
kuzoita mutongo unopikisa vese, nekupa mhosva vese vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvese vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.
16 これらの者たちは,つぶやく者また不平を言う者であり,自分の欲望のままに歩んでおり(そして彼らの口は横柄な事柄を語ります),利益のために人にへつらって見せています。
Ava van'un'uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.
17 しかし,愛する者たちよ,あなた方は,わたしたちの主イエス・キリストの使徒たちによって前もって語られていた言葉を思い出しなさい。
Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
18 彼らはあなた方にこう言いました。「終わりの時には,自分自身の不信心な欲望のままに歩む,あざける者たちが現われるだろう」。
kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.
19 これらの者たちは分裂を引き起こす者であり,肉欲的で,霊を持っていません。
Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.
20 しかし,愛する者たちよ,あなた方は,自分の極めて聖なる信仰の上に自らを築き上げ,聖霊のうちにあって祈り続けなさい。
Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
21 永遠の命へと導くわたしたちの主イエス・キリストのあわれみを待ち望みつつ,神の愛のうちに自らを保ちなさい。 (aiōnios g166)
muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
22 相違を作り出す人たちを哀れみ,
Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,
23 肉によって汚された衣さえ憎みつつ,恐れをもって彼らを火の中からつかみ出して救いなさい。
asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.
24 それでは,つまずきから彼らを守り,あなた方を欠点のない者として大きな喜びのうちにご自分の栄光のみ前に立たせることがおできになる方,
Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,
25 わたしたちの救い主なる神,ただおひとり賢い方に,栄光と尊厳と支配権と力が,今も,そして永久にありますように。アーメン。 (aiōn g165)
kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni. (aiōn g165)

< ユダの手紙 1 +