< ヘブル人への手紙 9 >

1 ところで,最初の契約にも,神的な奉仕の法令と地上の聖所とがありました。
Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika.
2 すなわち,幕屋が設けられたのです。第一の区画には,燭台と食卓と供えのパンがあり,聖なる場所と呼ばれていました。
Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene.
3 第二の垂れ幕の後ろには至聖所と呼ばれる幕屋がありました。
Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene,
4 そこには金の香の祭壇と,全面を金で覆われた契約の箱があり,その箱の中にはマンナを入れた金のつぼ,芽を出したアロンのつえ,そして契約の書き板がありました。
yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatungira, uye namahwendefa esungano.
5 また,その上には,あわれみの座を影で覆っている栄光のケルビムがありました。しかしわたしたちは今,こうしたことの詳細を述べるわけにはゆきません。
Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino.
6 さて,これらの物がこのように設けられると,第一の幕屋の中には,祭司たちが務めを果たすために絶えず入って行きますが,
Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo.
7 第二の区画には年に一度,大祭司だけが入って行くのであり,それも,自分自身のため,また民の過失のためにささげる血を携えないで行くことはありません。
Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva.
8 聖霊はこのことを,すなわち,第一の幕屋がなお立っている間は,聖なる場所への道がまだ現わされてはいなかったことを示しています。
Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire.
9 この第一の幕屋は今の時代の象徴です。そこでは供え物や犠牲がささげられますが,崇拝者を良心の面で完全にすることができません。
Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata.
10 それらは,改革の時まで課せられている,(食べ物や飲み物やさまざまな洗いに関する)肉的な法令に過ぎないのです。
Zvinongova zvokudya nezvokunwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa.
11 しかし,キリストは,来たるべき善い事柄の大祭司として来られたとき,手で造ったのではない,つまり,この創造界に属さない,より偉大で,より完全な幕屋を通り,
Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno.
12 ヤギや子牛の血ではなく,ご自身の血を通して,ただ一度だけ聖なる場所に入り,永遠の請け戻しを獲得されたのです。 (aiōnios g166)
Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. (aiōnios g166)
13 汚れてしまった者たちに振りかけられる,ヤギや雄牛の血また若い雌牛の灰が,彼らを肉の清さのために聖別するのであれば,
Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita kuti vatsvene vanatswe panyama.
14 まして,永遠の霊によって,自らを汚点のないものとして神にささげたキリストの血は,あなた方を生ける神に仕えさせるために,あなた方の良心を死んだ業からどれほど清めてくれることでしょうか。 (aiōnios g166)
Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu! (aiōnios g166)
15 このようなわけで,彼は新しい契約の仲介者です。それは,最初の契約のもとでの数々の違反を請け戻すために一つの死が生じたことにより,召された者たちが,約束された永遠の相続財産を受けられるようにするためです。 (aiōnios g166)
Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. (aiōnios g166)
16 というのは,遺言状のあるところには,それを残した人の死が必要なのです。
Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita,
17 遺言は死がもたらされたときに有効になるからであって,それを残した人が生きている間は決して有効にならないからです。
nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu.
18 それゆえ,最初の契約でさえ,血が伴わずに制定されたのではありません。
Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa.
19 というのは,モーセは,すべてのおきてを律法に基づいて民全員に語ったとき,子牛とヤギの血を取り,水と赤い羊毛とヒソプと共に,書そのものと民全体とに振りかけて,
Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu.
20 「これは神があなた方に命じられた契約の血だ」と言ったからです。
Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.”
21 さらに彼は,幕屋とすべての務めの器に同じように血を振りかけました。
Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi.
22 律法によれば,ほとんどすべてのものが血をもって清められ,血を流すことがなければ許しはないのです。
Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.
23 ですから,天にあるものの写しはこれらのものによって清められ,一方,天にあるもの自体は,これらのものよりもさらに優れた犠牲で清められることが必要でした。
Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi.
24 というのは,キリストは,本物の聖なる場所の描出である,手で造った聖なる場所ではなく,天そのものに入られたのであり,今やわたしたちのために神のみ前に現れてくださったからです。
Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, kuti atimiririre pamberi paMwari.
25 それは,大祭司が年ごとに自分のものではない血を携えて聖なる場所に入るように,何度もご自身をささげるためではありませんでした。
Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake.
26 そうだとしたなら,世の基礎が据えられて以来,何度も苦しみを受けなければならなかったでしょう。しかし今や,時代の終わりにただ一度,ご自身の犠牲によって罪を取り除くために現われてくださっているのです。 (aiōn g165)
Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. (aiōn g165)
27 人間たちには,ただ一度だけ死ぬこと,そしてそののちに裁きを受けることが定まっていますが,
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa,
28 そのようにキリストも,多くの人たちの罪を担うためにただ一度だけささげられたのち,二度目には,罪とは関係なく,彼をひたすら待っている人たちに救いをもたらすために現われることになっています。
saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

< ヘブル人への手紙 9 >