< 詩篇 91 >

1 至上者のもとなる隠れたるところにすまふその人は全能者の蔭にやどらん
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
2 われヱホバのことを宣て ヱホバはわが避所わが城わがよりたのむ神なりといはん
Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”
3 そは神なんぢを狩人のわなと毒をながす疫癘よりたすけいだしたまふべければなり
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.
4 かれその翮をもてなんぢを庇ひたまはん なんぢその翼の下にかくれん その眞實は盾なり干なり
Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
5 夜はおどろくべきことあり晝はとびきたる矢あり
Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,
6 幽暗にはあゆむ疫癘あり日午にはそこなふ勵しき疾あり されどなんぢ畏るることあらじ
kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.
7 千人はなんぢの左にたふれ萬人はなんぢの右にたふる されどその災害はなんぢに近づくことなからん
Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi pako, asi hazvingaswederi kwauri.
8 なんぢの眼はただこの事をみるのみ なんぢ惡者のむくいを見ん
Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.
9 なんぢ曩にいへりヱホバはわが避所なりと なんぢ至上者をその住居となしたれば
Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,
10 災害なんぢにいたらず苦難なんぢの幕屋に近づかじ
ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.
11 そは至上者なんぢのためにその使者輩におほせて 汝があゆむもろもろの道になんぢを守らせ給へばなり
Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;
12 彼ら手にてなんぢの足の石にふれざらんために汝をささへん
vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.
13 なんぢは獅と蝮とをふみ壯獅と蛇とを足の下にふみにじらん
Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.
14 彼その愛をわれにそそげるがゆゑに我これを助けん かれわが名をしるがゆゑに我これを高處におかん
“Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.
15 かれ我をよはば我こたへん 我その苦難のときに偕にをりて之をたすけ之をあがめん
Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
16 われ長寿をもてかれを足はしめ且わが救をしめさん
Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

< 詩篇 91 >