< 詩篇 76 >

1 神はユダにしられたまへり その名はイスラエルに大なり
Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo. Mwari anozivikanwa muJudha; zita rake iguru muIsraeri.
2 またサレムの中にその幕屋あり その居所はシオンにあり
Tende rake riri muSaremu, ugaro hwake paZioni.
3 彼所にてかれは弓の火矢ををり盾と劍と戰陣とをやぶりたまひき (セラ)
Ndipo paakavhuna miseve inovaima, nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera
4 なんぢ榮光あり掠めうばふ山よりもたふとし
Imi makashongedzwa nechiedza, kupfuura makomo akapfuma nemhuka.
5 心のつよきものは掠めらる かれらは睡にしづみ勇ましきものは皆その手を見うしなへり
Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa, vakavata hope dzavo dzokupedzisira; hakuna mumwe wavarwi angasimudza maoko ake.
6 ヤコブの神よなんぢの叱咤によりて戰車と馬とともに深睡につけり
Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho, zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.
7 神よなんぢこそ懼るべきものなれ 一たび怒りたまふときは誰かみまへに立えんや
Imi moga ndimi munofanira kutyiwa. Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?
8 なんぢ天より宣告をのりたまへり 地のへりくだる者をみなすくはんとて神のさばきに立たまへるとき地はおそれて默したり (セラ)
Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu, uye nyika yakatya ikanyarara,
9 なんぢ天より宣告をのりたまへり 地のへりくだる者をみなすくはんとて神のさばきに立たまへるとき地はおそれて默したり (セラ)
haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge, kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera
10 實に人のいかりは汝をほむべし 怒のあまりは汝おのれの帶としたまはん
Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa, uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.
11 なんぢの神ヱホバにちかひをたてて償へ そのまはりなるすべての者はおそるべきヱホバに禮物をささぐべし
Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa; nyika dzose dzakakupoteredzai ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.
12 ヱホバはもろもろの諸侯のたましひを絶たまはん ヱホバは地の王たちのおそるべき者なり
Anoputsa mweya yavatongi; anotyiwa namadzimambo enyika.

< 詩篇 76 >