< 詩篇 42 >

1 ああ神よしかの渓水をしたひ喘ぐがごとく わが霊魂もなんぢをしたひあへぐなり
Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaVanakomana vaKora. Senondo inodokwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.
2 わがたましひは渇けるごとくに神をしたふ 活神をぞしたふ 何れのときにか我ゆきて神のみまへにいでん
Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?
3 かれらが終日われにむかひて なんぢの神はいづくにありやとののしる間はただわが涙のみ晝夜そそぎてわが糧なりき
Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”
4 われむかし群をなして祭日をまもる衆人とともにゆき歓喜と讃美のこゑをあげてかれらを神の家にともなへり 今これらのことを追想してわが衷よりたましひを注ぎいだすなり
Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo.
5 ああわが霊魂よ なんぢ何ぞうなたるるや なんぞわが衷におもひみだるるや なんぢ神をまちのぞめ われに聖顔のたすけありて我なほわが神をほめたたふべければなり
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.
6 わが神よわがたましひはわが衷にうなたる 然ばわれヨルダンの地よりヘルモンよりミザルの山より汝をおもひいづ
Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.
7 なんぢの大瀑のひびきによりて淵々よびこたへ なんぢの波なんぢの猛浪ことごとくわが上をこえゆけり
Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namafashamu akapfuura napamusoro pangu.
8 然はあれど晝はヱホバその憐憫をほどこしたまふ 夜はその歌われとともにあり 此うたはわがいのちの神にささぐる祈なり
Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
9 われわが磐なる神にいはん なんぞわれを忘れたまひしや なんぞわれは仇のしへたげによりて悲しみありくや
Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”
10 わが骨もくだくるばかりにわがてきはひねもす我にむかひて なんぢの神はいづくにありやといひののしりつつ我をそしれり
Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”
11 ああわがたましひよ 汝なんぞうなたるるや 何ぞわがうちに思ひみだるるや なんぢ神をまちのぞめ われ尚わがかほの助なるわが神をほめたたふべければなり
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.

< 詩篇 42 >