< 詩篇 41 >

1 よわき人をかへりみる者はさいはひなり ヱホバ斯るものを禍ひの日にたすけたまはん
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
2 ヱホバ之をまもり之をながらへしめたまはん かれはこの地にありて福祉をえん なんぢ彼をその仇ののぞみにまかせて付したまふなかれ
Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.
3 ヱホバは彼がわづらひの床にあるをたすけ給はん なんぢかれが病るときその衾裯をしきかへたまはん
Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
4 我いへらくヱホバよわれを憐みわがたましひを醫したまへ われ汝にむかひて罪ををかしたりと
Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
5 わが仇われをそしりていへり 彼いづれのときに死いづれのときにその名ほろびんと
Vavengi vangu vachindigodora vanoti, “Achafa riniko uye zita rake rigoparara?”
6 かれ又われを見んとてきたるときは虚偽をかたり邪曲をその心にあつめ 外にいでてはこれを述ぶ
Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvenhema, mwoyo uchiunganidza makuhwa; ipapo anobuda ondozviparadzira kumwe.
7 すべてわれをにくむもの互ひにささやき我をそこなはんとて相謀る
Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti,
8 かつ云 かれに一のわざはひつきまとひたれば仆れふしてふたたび起ることなからんと
“Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.”
9 わが恃みしところ わが糧をくらひしところのわが親しき友さへも我にそむきてその踵をあげたり
Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo.
10 然はあれどヱホバよ汝ねがはくは我をあはれみ我をたすけて起したまへ されば我かれらに報ることをえん
Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.
11 わが仇われに打勝てよろこぶこと能はざるをもて汝がわれを愛いつくしみたまふを我しりぬ
Ndinoziva kuti munofadzwa neni, nokuti muvengi wangu haandikundi.
12 わが事をいはば なんぢ我をわが完全うちにてたもち我をとこしへに面のまへに置たまふ
Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.
13 イスラエルの神ヱホバはとこしへより永遠までほむべきかな アーメン アーメン
Kurumbidzwa ngakuve kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira nokusingaperi.

< 詩篇 41 >