< 詩篇 145 >

1 わがかみ王よわれ汝をあがめ 世かぎりなく聖名をほめまつらん
Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi. Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
2 われ日ごとに汝をほめ世々かぎりなく聖名をはめたたへん
Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.
3 ヱホバは大にましませば最もほむべきかな その大なることは尋ねしることかたし
Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
4 この代はかの代にむかひてなんぢの事跡をほめたたへ なんぢの大能のはたらきを宣つたへん
Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe; vachareva zvamabasa enyu esimba.
5 われ汝のほまれの榮光ある稜威となんぢの奇しきみわざとを深くおもはん
Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu, uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
6 人はなんぢのおそるべき動作のいきほひをかたり 我はなんぢの大なることを宣つたへん
Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa, uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.
7 かれらはなんぢの大なる惠の跡をいひいで なんぢの義をほめうたはん
Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu, uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.
8 ヱホバは惠ふかく憐憫みち また怒りたまふことおそく憐憫おほいなり
Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye azere norudo.
9 ヱホバはよろづの者にめぐみあり そのふかき憐憫はみわざの上にあまねし
Jehovha akanaka kuna vose; uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
10 ヱホバよ汝のすべての事跡はなんぢに感謝し なんぢの聖徒はなんぢをほめん
Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha; vatsvene venyu vachakukudzai.
11 かれらは御國のえいくわうをかたり汝のみちからを宣つたへて
Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu,
12 その大能のはたらきとそのみくにの榮光あるみいづとを人の子輩にしらすべし
kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru, nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.
13 なんぢの國はとこしへの國なり なんぢの政治はよろづ代にたゆることなし
Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi, uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose. Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
14 ヱホバはすべて倒れんとする者をささへ かがむものを直くたたしめたまふ
Jehovha anotsigira vose vanowa, uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
15 よろづのものの目はなんぢを待 なんぢは時にしたがひてかれらに糧をあたへ給ふ
Meso avose anotarira kwamuri, uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.
16 なんぢ手をひらきてもろもろの生るものの願望をあかしめたまふ
Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.
17 ヱホバはそのすべての途にただしく そのすべての作爲にめぐみふかし
Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
18 すべてヱホバをよぶもの 誠をもて之をよぶものに ヱホバは近くましますなり
Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
19 ヱホバは己をおそるるものの願望をみちたらしめ その號呼をききて之をすくひたまふ
Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya; anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.
20 ヱホバはおのれを愛しむものをすべて守りたまへど 惡者をことごとく滅したまはん
Jehovha anochengeta vose vanomuda, asi achaparadza vakaipa vose.
21 わが口はヱホバの頌美をかたり よろづの民は世々かぎりなくそのきよき名をほめまつるべし
Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha. Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.

< 詩篇 145 >