< 詩篇 109 >

1 わが讃たたふる神よもだしたまふなかれ
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara,
2 かれらは惡の口とあざむきの口とをあけて我にむかひ いつはりの舌をもて我にかたり
nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.
3 うらみの言をもて我をかこみ ゆゑなく我をせめて闘ふことあればなり
Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva.
4 われ愛するにかれら反りてわが敵となる われただ祈るなり
Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera.
5 かれらは惡をもてわが善にむくい恨をもてわが愛にむくいたり
Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.
6 ねがはくは彼のうへに惡人をたてその右方に敵をたたしめたまへ
Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.
7 かれが鞫かるるときはその罪をあらはにせられ又そのいのりは罪となり
Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.
8 その日はすくなく その職はほかの人にえられ
Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.
9 その子輩はみなしごとなり その妻はやもめとなり
Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.
10 その子輩はさすらひて乞丐 そのあれたる處よりいできたりて食をもとむべし
Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.
11 彼のもてるすべてのものは債主にうばはれ かれの勤勞は外人にかすめらるべし
Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.
12 かれに惠をあたふる人ひとりだになく かれの孤子をあはれむ者もなく
Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.
13 その裔はたえその名はつぎの世にきえうすべし
Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.
14 その父等のよこしまはヱホバのみこころに記され その母のつみはきえざるべし
Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.
15 かれらは恒にヱホバの前におかれ その名は地より斷るべし
Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.
16 かかる人はあはれみを施すことをおもはず反りて貧しきもの乏しきもの心のいためる者をころさんとして攻たりき
Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.
17 かかる人は詛ふことをこのむ この故にのろひ己にいたる惠むことをたのしまず この故にめぐみ己にとほざかれり
Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.
18 かかる人はころものごとくに詛をきる この故にのろひ水のごとくにおのれの衷にいり油のごとくにおのれの骨にいれり
Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.
19 ねがはくは詛をおのれのきたる衣のごとく帶のごとくなして恒にみづから纏はんことを
Ngazvive sejasi rakamonerwa paari, sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.
20 これらの事はわが敵とわが霊魂にさからひて惡言をいふ者とにヱホバのあたへたまふ報なり
Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu, kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.
21 されど主ヱホバよなんぢの名のゆゑをもて我をかへりみたまへ なんぢの憐憫はいとふかし ねがはくは我をたすけたまへ
Asi imi, Ishe Jehovha, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.
22 われは貧しくして乏し わが心うちにて傷をうく
Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa, uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.
23 わがゆく状はゆふ日の影のごとく また蝗のごとく吹さらるるなり
Ndinopera somumvuri wamadekwana; ndinozunzwa semhashu.
24 わが膝は斷食によりてよろめき わが肉はやせおとろふ
Mabvi angu apera simba nokutsanya; muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.
25 われは彼等にそしらるる者となれり かれら我をみるときは首をふる
Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu; pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.
26 わが神ヱホバよねがはくは我をたすけその憐憫にしたがひて我をすくひたまへ
Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu; ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.
27 ヱホバよこれらは皆なんぢの手よりいで 汝のなしたまへることなるを彼等にしらしめたまへ
Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu, kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.
28 かれらは詛へども汝はめぐみたまふ かれらの立ときは恥かしめらるれどもなんぢの僕はよろこばん
Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza; vachanyadziswa pavanorwisa, asi muranda wenyu achafara.
29 わがもろもろの敵はあなどりを衣おのが恥を外袍のごとくにまとふべし
Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi, uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.
30 われはわが口をもて大にヱホバに謝し おほくの人のなかにて讃まつらむ
Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru; paungano huru, ndichamurumbidza.
31 ヱホバはまづしきものの右にたちてその霊魂を罪せんとする者より之をすくひたまへり
Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa, kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.

< 詩篇 109 >