< 箴言 知恵の泉 7 >
1 我子よわが言をまもり我が誡命を汝の心にたくはへよ
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri.
2 我が誡命をまもりで生命をえよ 我法を守ること汝の眸子を守るが如くせよ
Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako.
Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako.
4 なんぢ智慧にむかひて汝はわが姉妹なりといひ 明理にむかひて汝はわが友なりといへ
Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu,” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako;
5 さらば汝をまもりて淫婦にまよはざらしめ 言をもて媚る娼妓にとほざからしめん
zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake.
Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi.
7 拙き者のうち幼弱者のうちに一人の智慧なき者あるを觀たり
Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.
Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,
panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.
Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.
11 この婦は譁しくしてつつしみなく 其足は家に止らず
Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;
12 あるときは衢にあり 或時はひろばにあり すみずみにたちて人をうかがふ
imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.
13 この婦かれをひきて接吻し恥しらぬ面をもていひけるは
Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:
“Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.
15 これによりて我なんぢを迎へんとていで 汝の面をたづねて汝に逢へり
Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!
16 わが榻には美しき褥およびエジプトの文枲をしき
Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.
Ndasasa zvinonhuhwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.
18 來れわれら詰朝まで情をつくし愛をかよはして相なぐさめん
Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!
Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.
Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”
Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.
22 わかき人ただちにこれに隨へり あだかも牛の宰地にゆくが如く 愚なる者の桎梏をかけらるる爲にゆくが如し
Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo,
23 遂には矢その肝を刺さん 鳥の速かに羅にいりてその生命を喪ふに至るを知ざるがごとし
kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.
24 小子等よいま我にきけ 我が口の言に耳を傾けよ
Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.
25 なんぢの心を淫婦の道にかたむくること勿れ またこれが徑に迷ふこと勿れ
Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.
26 そは彼は多の人を傷つけて仆せり 彼に殺されたる者ぞ多かる
Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.
27 その家は陰府の途にして死の室に下りゆく (Sheol )
Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu. (Sheol )