< 箴言 知恵の泉 27 >
1 なんぢ明日のことを誇るなかれ そは一日の生ずるところの如何なるを知ざればなり
Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.
2 汝おのれの口をもて自ら讃むることなく人をして己を讃めしめよ 自己の口唇をもてせず 他人をして己をほめしめよ
Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.
3 石は重く沙は軽からず 然ど愚なる者の怒はこの二よりも重し
Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.
4 忿怒は猛く憤恨は烈し されど嫉妬の前には誰か立ことをを得ん
Hasha dzine utsinye uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?
Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.
6 愛する者の傷つくるは眞實よりし 敵の接吻するは偽詐よりするなり
Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
7 飽るものは蜂の蜜をも踐つく されど饑たる者には苦き物さへもすべて甘し
Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.
8 その家を離れてさまよふ人は その巣を離れてさまよふ鳥のごとし
Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
9 膏と香とは人の心をよろこばすなり 心よりして勸言を與ふる友の美しきもまた斯のごとし
Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.
10 なんぢの友と汝の父の友とを棄るなかれ なんぢ患難にあふ日に兄弟の家にいることなかれ 親しき隣は疏き兄弟に愈れり
Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.
11 わが子よ智慧を得てわが心を悦ばせよ 然ば我をそしる者に我こたふることを得ん
Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.
12 賢者は禍害を見てみづから避け 拙者はすすみて罰をうく
Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.
13 人の保證をなす者よりは先その衣をとれ 他人の保證をなす者をば固くとらへよ
Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.
14 晨はやく起て大聲にその鄰を祝すれば却て呪詛と見なされん
Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.
Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;
16 これを制ふるものは風をおさふるがごとく 右の手に膏をつかむがごとし
kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.
Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.
18 無花果の樹をまもる者はその果をくらふ 主を貴ぶものは譽を得
Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.
19 水に照せば面と面と相肖るがごとく 人の心は人の心に似たり
Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.
20 陰府と沈淪とは飽ことなく 人の目もまた飽ことなし (Sheol )
Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti. (Sheol )
21 坩堝によりて銀をためし鑢によりて金をためし その讃らるる所によりて人をためす
Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.
22 なんぢ愚なる者を臼にいれ杵をもて麥と偕にこれを搗ともその愚は去らざるなり
Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.
23 なんぢの羊の情况をよく知り なんぢの群に心を留めよ
Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;
24 富は永く保つものにあらず いかで位は世々にたもたん
nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,
26 羔羊はなんぢの衣服を出し 牝羊は田圃を買ふ價となり
makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.
27 牝羊の乳はおほくして汝となんぢの家人の糧となり汝の女をやしなふにたる
Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.