< 箴言 知恵の泉 25 >

1 此等もまたソロモンの箴言なり ユダの王ヒゼキヤに屬せる人々これを輯めたり
Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:
2 事を隱すは神の榮譽なり 事を窮むるは王の榮譽なり
Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.
3 天の高さと地の深さと 王たる者の心とは測るべからず
Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.
4 銀より渣滓を除け さらば銀工の用ふべき器いでん
Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;
5 王の前より惡者をのぞけ 然ばその位義によりて堅く立ん
bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.
6 王の前に自ら高ぶることなかれ 貴人の場に立つことなかれ
Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;
7 なんぢが目に見る王の前にて下にさげらるるよりは ここに上れといはるること愈れり
Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.
8 汝かろがろしく出でて爭ふことなかれ 恐くは終にいたりて汝の鄰に辱しめられん その時なんぢ如何になさんとするか
Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?
9 なんぢ鄰と爭ふことあらば只これと爭へ 人の密事を洩すなかれ
Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,
10 恐くは聞者なんぢを卑しめん 汝そしられて止ざらん
kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.
11 機にかなひて語る言は銀の彫刻物に金の林檎を嵌たるが如し
Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.
12 智慧をもて譴むる者の之をきく者の耳におけることは 金の耳環と精金の飾のごとし
Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.
13 忠信なる使者は之を遣す者におけること穡收の日に冷かなる雪あるがごとし 能その主の心を喜ばしむ
Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
14 おくりものすと偽りて誇る人は雨なき雲風の如し
Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.
15 怒を緩くすれば君も言を容る 柔かなる舌は骨を折く
Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.
16 なんぢ蜜を得るか 惟これを足る程に食へ 恐くは食ひ過して之を吐出さん
Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.
17 なんぢの足を鄰の家にしげくするなかれ 恐くは彼なんぢを厭ひ惡まん
Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.
18 その鄰に敵して虚偽の證をたつる人は斧刃または利き箭のごとし
Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.
19 艱難に遇ふとき忠實ならぬ者を賴むは惡しき歯または跛たる足を恃むがごとし
Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.
20 心の傷める人の前に歌をうたふは寒き日に衣をぬぐが如く 曹達のうへに酢を注ぐが如し
Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.
21 なんぢの仇もし饑ゑなば之に糧をくらはせ もし渇かば之に水を飮ませよ
Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.
22 なんぢ斯するは火をこれが首に積むなり ヱホバなんぢに報いたまふべし
Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.
23 北風は雨をおこし かげごとをいふ舌は人の顔をいからす
Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.
24 爭ふ婦と偕に室に居らんより屋蓋の隅にをるは宜し
Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
25 遠き國よりきたる好き消息は渇きたる人における冷かなる水のごとし
Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.
26 義者の惡者の前に服するは井の濁れるがごとく泉の汚れたるがごとし
Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.
27 蜜をおほく食ふは善らず 人おのれの榮譽をもとむるは榮譽にあらず
Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.
28 おのれの心を制へざる人は石垣なき壞れたる城のごとし
Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

< 箴言 知恵の泉 25 >