< 箴言 知恵の泉 18 >
1 自己を人と異にする者はおのれの欲するところのみを求めてすべての善き考察にもとる
Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose.
2 愚なる者は明哲を喜ばず 惟おのれの心意を顯すことを喜ぶ
Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.
3 惡者きたれば藐視したがひてきたり 恥きたれば凌辱もともに來る
Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.
4 人の口の言は深水の如し 湧てながるる川 智慧の泉なり
Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.
5 惡者を偏視るは善らず 審判をなして義者を惡しとするも亦善らず
Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.
6 愚なる者の口唇はあらそひを起し その口は打るることを招く
Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.
7 愚なる者の口はおのれの敗壞となり その口唇はおのれの霊魂の罟となる
Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.
8 人の是非をいふものの言はたはぶれのごとしといへども反つて腹の奧にいる
Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.
Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.
10 ヱホバの名はかたき櫓のごとし 義者は之に走りいりて救を得
Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.
11 富者の資財はその堅き城なり これを高き石垣の如くに思ふ
Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.
12 人の心のたかぶりは滅亡に先だち 謙遜はたふとまるる事にさきだつ
Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
13 いまだ事をきかざるさきに應ふる者は愚にして辱をかうぶる
Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.
14 人の心は尚其疾を忍ぶべし されど心の傷める時は誰かこれに耐んや
Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?
15 哲者の心は知識をえ 智慧ある者の耳は知識を求む
Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.
16 人の贈物はその人のために道をひらき かつ貴きものの前にこれを導く
Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.
17 先に訴訟の理由をのぶるものは正義に似たれども その鄰人きたり詰問ひてその事を明かにす
Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.
18 籤は爭端をとどめ且つよきものの間にへだてとなる
Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.
19 怒れる兄弟はかたき城にもまさりて説き伏せがたし 兄弟のあらそひは櫓の貫木のごとし
Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.
20 人は口の徳によりて腹をあかし その口唇の徳によりて自ら飽べし
Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.
21 死生は舌の權能にあり これを愛する者はその果を食はん
Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
22 妻を得るものは美物を得るなり 且ヱホバより恩寵をあたへらる
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
23 貧者は哀なる言をもて乞ひ 富人は厲しき答をなす
Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha.
24 多の友をまうくる人は遂にその身を亡す 但し兄弟よりもたのもしき知己もまたあり
Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.