< ピリピ人への手紙 3 >

1 終に言はん、我が兄弟よ、なんぢら主に在りて喜べ。なんぢらに同じことを書きおくるは、我に煩はしきことなく、汝 等には安然なり。
Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.
2 なんぢら犬に心せよ、惡しき勞動人に心せよ、肉の割禮ある者に心せよ。
Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vanoremadza nyama nokucheka.
3 神の御靈によりて禮拜をなし、キリスト・イエスによりて誇り、肉を恃まぬ我らは眞の割禮ある者なり。
Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,
4 されど我は肉にも恃むことを得るなり。もし他の人、肉に恃むところありと思はば、我は更に恃む所あり。
kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:
5 我は八日めに割禮を受けたる者にして、イスラエルの血統、ベニヤミンの族、ヘブル人より出でたるヘブル人なり。律法に就きてはパリサイ人、
ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;
6 熱心につきては教會を迫害したるもの、律法によれる義に就きては責むべき所なかりし者なり。
kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva.
7 されど曩に我が益たりし事はキリストのために損と思ふに至れり。
Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.
8 然り、我はわが主キリスト・イエスを知ることの優れたるために、凡ての物を損なりと思ひ、彼のために既に凡ての物を損せしが、之を塵芥のごとく思ふ。
Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.
9 これキリストを獲、かつ律法による己が義ならで、唯キリストを信ずる信仰による義、すなはち信仰に基きて神より賜はる義を保ち、キリストに在るを認められ、
Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.
10 キリストとその復活の力とを知り、又その死に效ひて彼の苦難にあづかり、
Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,
11 如何にもして死人の中より甦へることを得んが爲なり。
uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.
12 われ既に取れり、既に全うせられたりと言ふにあらず、唯これを捉へんとて追ひ求む。キリストは之を得させんとて我を捉へたまへり。
Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu.
13 兄弟よ、われは既に捉へたりと思はず、唯この一事を務む、即ち後のものを忘れ、前のものに向ひて勵み、
Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi,
14 標準を指して進み、神のキリスト・イエスに由りて上に召したまふ召にかかはる褒美を得んとて之を追ひ求む。
ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
15 されば我等のうち成人したる者は、みな斯くのごとき思を懷くべし、汝 等もし何事にても異なる思を懷き居らば、神これをも示し給はん。
Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.
16 ただ我等はその至れる所に隨ひて歩むべし。
Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.
17 兄弟よ、なんぢら諸共に我に效ふものとなれ、且なんぢらの模範となる我らに循ひて歩むものを視よ。
Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai.
18 そは我しばしば汝らに告げ、今また涙を流して告ぐる如く、キリストの十字架に敵して歩む者おほければなり。
Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu.
19 彼らの終は滅亡なり。おのが腹を神となし、己が恥を光榮となし、ただ地の事のみを念ふ。
Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.
20 されど我らの國籍は天に在り、我らは主イエス・キリストの救主として其の處より來りたまふを待つ。
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,
21 彼は萬物を己に服はせ得る能力によりて、我らの卑しき状の體を化へて、己が榮光の體に象らせ給はん。
uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

< ピリピ人への手紙 3 >