< ピレモンへの手紙 1 >

1 キリスト・イエスの囚人たるパウロ及び兄弟テモテ、書を我らが愛する同勞者ピレモン、
Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
2 我らの姉妹アピヤ、我らと共に戰鬪をなせるアルキポ及び汝の家にある教會に贈る。
nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
3 願はくは我らの父なる神および主イエス・キリストより賜ふ恩惠と平安と、汝らに在らんことを。
Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 われ祈るとき常に汝をおぼえて我が神に感謝す。
Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,
5 これ主イエスと凡ての聖徒とに對する汝の愛と信仰とを聞きたればなり。
ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,
6 願ふところは、汝の信仰の交際の活動により、人々われらの中なる凡ての善き業を知りて、榮光をキリストに歸するに至らんことなり。
kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
7 兄弟よ、我なんぢの愛によりて大なる勸喜と慰安とを得たり。聖徒の心は汝によりて安んぜられたればなり。
Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
8 この故に、われキリストに在りて、汝になすべき事を聊かも憚らず命じ得れど、
Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
9 むしろ愛の故によりて汝にねがふ。
asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
10 既に年 老いて今はキリスト・イエスの囚人となれる我パウロ、縲絏の中にて生みし我が子オネシモの事をなんぢに願ふ。
Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
11 かれ前には汝に益なき者なりしが、今は汝にも我にも益ある者となれり。
wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
12 我かれを汝に歸す、かれは我が心なり。
wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
13 我は彼をわが許に留めおきて、我が福音のために縲絏にある間、なんぢに代りて我に事へしめんと欲したれど、
wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
14 なんぢの承諾を經ずして斯くするを好まざりき、是なんぢの善の止むを得ざるに出でずして心より出でんことを欲したればなり。
asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
15 彼が暫時なんぢを離れしは、或は汝かれを永遠に保ち、 (aiōnios g166)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; (aiōnios g166)
16 もはや奴隷の如くせず、奴隷に勝りて愛する兄弟の如くせん爲なりしやも知るべからず。我は殊に彼を愛す、まして汝は肉によりても主によりても、之を愛せざる可けんや。
arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.
17 汝もし我を友とせば、請ふ、われを納るるごとく彼を納れよ。
Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
18 彼もし汝に不義をなし、または汝に負債あらば、之を我に負はせよ。
Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
19 我パウロ手づから之を記す、われ償はん、汝われに身を以て償ふべき負債あれど、我これを言はず。
ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.
20 兄弟よ、請ふ、なんぢ主に在りて我に益を得させよ、キリストに在りて我が心を安んぜよ。
Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
21 我なんぢの從順を確信して之を書き贈る。わが言ふところに勝りて汝の行はんことを知るなり。
Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
22 而して我がために宿を備へよ、我なんぢらの祈により、遂に我が身の汝らに與へられんことを望めばなり。
Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
23 キリスト・イエスに在りて我とともに囚人となれるエパフラス、
Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
24 及び我が同勞者マルコ、アリスタルコ、デマス、ルカ皆なんぢに安否を問ふ。
Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
25 願はくは主イエス・キリストの恩惠、なんぢらの靈と偕にあらんことを。
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.

< ピレモンへの手紙 1 >