< 民数記 36 >
1 ヨセフの子等の族の中マナセの子マキルの子なるギレアデの子等の族の族長等進みよりてモーセの前とイスラエルの子孫の族長たる牧伯等の前に語り
Vakuru vemhuri yeimba yaGireadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vaibva kudzimba dzezvizvarwa zvaJosefa, vakauya vakataura pamberi paMozisi navatungamiri, ivo vakuru vemhuri dzavaIsraeri.
2 言けるはイスラエルの子孫にその產業の地を鬮によりて與ふることをヱホバわが主に命じたまへり吾主またわれらの兄弟ゼロペハデの產業をその女子等に與ふべしとヱホバに命ぜられたまふ
Vakati, “Jehovha paakarayira ishe wangu kuti ape nyika kuvaIsraeri nomujenya ive nhaka yavo, akakurayirai kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake.
3 彼らもしイスラエルの子孫の中他の支派の人々に嫁ぎなば彼らの產業はわれらの父祖の產業の中より除去れてその適る支派の產業に加はるべし斯是は我らの產業の分の中より除去れん
Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva kuna mamwe marudzi aIsraeri, ipapo nhaka yavo ichabviswa panhaka yamadzitateguru edu ikawedzerwa kurudzi urwo rwavawanikwa narwo. Nokudaro chikamu chenhaka yakagoverwa kwatiri nemijenya chichabviswa.
4 而して彼らの產業はイスラエルの子孫のヨベルに至りてその適る支派の產業に加はるべし斯かれらの產業は我らの父祖の支派の產業の中より除去れん
Gore reJubhiri ravaIsraeri parinosvika, nhaka yavo ichawedzerwa kunhaka yorudzi urwo rwavakawanikwa kwarwuri, uye pfuma yavo ichatorwa kubva kunhaka yorudzi rwamadzibaba edu.”
5 モーセ、ヱホバの言にしたがひてイスラエルの子孫に命じて言ふヨセフの子等の支派の言ところは善し
Ipapo Mozisi akarayira murayiro uyu kuvaIsraeri sezvaakarayirwa naJehovha achiti, “Zvinotaurwa norudzi rwezvizvarwa zvaJosefa ndizvozvo.
6 ゼロペハデの女子等の事につきてヱホバの命じたまふところは是のごとし云く彼らはその心に適ふ者に嫁ぐべけれど惟その父祖の支派の家にのみ嫁ぐべし
Uku ndiko kurayira kwaJehovha kuvanasikana vaZerofehadhi: Vangawanikwa havo naani zvake anovafadza kana chete ari worudzi rweimba yamadzibaba avo.
7 然せばイスラエルの子孫の產業この支派よりかの支派に移ることあらじイスラエルの子孫はみな各箇その父祖の支派の產業に止まるべきなり
Hakuna nhaka muvaIsraeri inofanira kubva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti muIsraeri wose anofanira kuchengeta nyika yorudzi rwake iri nhaka inobva kumadzibaba avo.
8 イスラエルの子孫の支派の中凡そ產業を有る女は皆おのれの父の支派の家に嫁ぐべし然せばイスラエルの子孫おのおのその父祖の產業を保つことを得ん
Mwanasikana mumwe nomumwe anogara nhaka yenyika murudzi rupi zvarwo rwavaIsraeri anofanira kuwanikwa nomunhu anobva muimba yorudzi rwababa vake, kuitira kuti muIsraeri wose awane nhaka yamadzibaba ake.
9 產業をしてこの支派よりかの支派に移らしむべからずイスラエルの子孫の支派の者は皆おのおの自己の產業にとどまるべし
Hakuna nhaka inobva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti rudzi rwose rwavaIsraeri runofanira kuchengeta nyika yavakapiwa senhaka.”
10 是においてゼロペハデの女子等はヱホバのモーセに命じたまへる如くせり
Saka vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
11 即ちゼロペハデの女子等マアラ、テルザ、ホグラ、ミルカおよびノアはその父の兄弟の子等に嫁げり
Vanasikana vaZerofehadhi, Mara, Tiza, Hogira, Mirika naNoa vakawanikwa navanakomana vababamunini vavo.
12 彼らはヨセフの子マナセの子等の家に嫁ぎたればその產業はその父の族の支派に止まれり
Vakawanikwa mukati medzimba dzezvizvarwa zvaManase mwanakomana waJosefa, uye nhaka yavo yakaramba iri mumba yorudzi rwababa vavo.
13 是等はヱリコに對するヨルダンの邊なるモアテの平野においてヱホバがモーセによりてイスラエルの子孫に命じたまひし命令と律法なり
Iyi ndiyo mirayiro nemitemo yakapiwa kuvaIsraeri naJehovha kubudikidza naMozisi pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.