< 民数記 34 >

1 ヱホバ、モーセに告て言たまはく
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 イスラエルの子孫に告てこれに言へ汝らがカナンの地にいる時に汝らに歸して產業となる地は是なり即ち是カナンの地その境に循へる者
“Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi:
3 汝らの南の方はエドムに接すろチンの曠野より起り南の界は鹽海の極端より東の方にいたるべし
“‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva,
4 また汝らの界は南より繞りてアクラビムの坂にいたりてチンに赴き南よりカデシバルネアに亘りハザルアダルに進みアズモンに赴くべし
uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni,
5 その界はまたアズモンより繞りてエジプトの河にいたり海におよびて盡べし
kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa.
6 西の界においては大海をもてその界とすべし是を汝らの西の界とす
Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira.
7 汝らの北の界は是のごとし即ち大海よりホル山までを畫り
Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori
8 ホル山よりハマテの入口までを畫りその界をしてゼダデまで亘らしむべし
uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi,
9 またその界はジフロンに進みハザルエノンにいたりて盡べし是を汝らの北の界とす
wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro.
10 汝らの東の界はハザルエノンよりシバムまでを畫るべし
Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefami.
11 またその界はアインの東の方においてシバムよりリブラに下りゆくべし斯その界は下りてキンネレテの海の東の傍に抵り
Muganhu uchadzika uchibva nokuShefami uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti.
12 その界ヨルダンに下りゆきて鹽海におよびて盡べし汝らの國はその周圍の界に依ば是のごとくなるべし
Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu. “‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’”
13 モーセ、イスラエルの子孫に命じて言けるは是すなはち汝らが鬮をもて獲べき地なりヱホバこれを九の支派と半支派とに與へよと命じたまふ
Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu,
14 そはルベンの子孫の支派とガドの子孫の支派はともにその宗族にしたがひてその產業を受けまたマナセの半支派もその產業を受たればなり
nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye nehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo.
15 この二の支派と半支派とはヱリコに對するヨルダンの彼旁すなはちその東日の出る方においてその產業を受たり
Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.”
16 ヱホバまたモーセに告て言たまはく
Jehovha akati kuna Mozisi,
17 汝らに地を分つ人々の名は是なり即ち祭司エレアザルとヌンの子ヨシユア
“Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni.
18 汝らまた各箇の支派より牧伯一人づつを簡びて地を分つことを爲しむべし
Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika.
19 その人々の名は是のごとしユダの支派にてはエフンネの子カルブ
“Aya ndiwo mazita avo: “Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha;
20 シメオンの子孫の支派にてはアミホデの子サムエル
Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
21 ベニヤミンの支派にてはキスロンの子エリダデ
Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi;
22 ダンの子孫の支派の牧伯はヨグリの子ブッキ
Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri;
23 ヨセフの子孫すなはちマナセの子孫の支派の牧伯はエポデの子ハニエル
Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi;
24 エフライムの子孫の支派の牧伯はシフタンの子ケムエル
Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani;
25 ゼブルンの子孫の支派の牧伯はパルナクの子エリザバン
Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki;
26 イッサカルの子孫の支派の牧伯はアザンの子パルテエル
Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani;
27 アセルの子孫の支派の牧伯はシロミの子アヒウデ
Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
28 ナフタリの子孫の支派の牧伯はアミホデの子パダヘル
Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”
29 カナンの地においてイスラエルの子孫に產業を分つことをヱホバの命じたまへる人は是のごとし
Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani.

< 民数記 34 >