< 民数記 33 >
1 イスラエルの子孫がモーセとアロンに導かれ其軍旅にしたがひてエジプトの國より出きたりて經たる旅路は左のごとし
Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.
2 モーセ、ヱホバの命に依りその旅路にしたがひてこれが發程を記せりその發程によればその旅路は左のごとくなり
Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo:
3 彼らは正月の十五日にラメセスより出立り即ぢ逾越の翌日にイスラエルの子孫は一切のエジプト人の目の前にて高らかなる手によりて出たり
VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose,
4 時にエジプト人はヱホバに撃ころされし其長子を葬りて居りヱホバはまた彼らの神々にも罰をかうむらせたまへり
avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo.
5 イスラエルの子孫ラメセスより出立てスコテに營を張り
VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.
6 スコテより出立て曠野の極端なるエタムに營を張り
Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.
7 エタムより出立てバアルゼポンの前なるピハヒロテに轉りゆきてミグドルに營を張り
Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.
8 ピハヒロテの前より出立ち海の中を通りて曠野にいりエタムの曠野に三日路ほど入てメラに營を張り
Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakadzika misasa paMara.
9 メラより出立てヱリムに至れりエリムには泉十二棕櫚七十本あり乃ち此に營を張り
Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo.
Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku.
Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini.
Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika.
Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi.
14 アルシより出たちてレピデムに營を張り此には民の飮む水あらざりき
Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
15 かくてレピデムより出たちてシナイの曠野に營を張り
Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai.
16 シナイの曠野より出たちてキブロテハッタワに營を張り
Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hataavha.
17 キブロテハッタワより出たちてハゼロテに營を張り
Vakabva paKibhuroti Hataavha vakandodzika misasa paHazeroti.
Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima.
Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi.
Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina.
Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa.
Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata.
Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi.
Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha.
Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti.
Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati.
Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera.
Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika.
Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona.
Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti.
Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani.
32 ベネヤカンより出たちてホルハギデガデに營を張り
Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi.
33 ホルハギデガデより出たちてヨテバタに營を張り
Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata.
Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona.
35 アブロナより出たちてエジオングベルに營を張り
Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri.
36 エジオングベルより出たちてカデシのチンの曠野に營を張り
Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini.
37 カデシより出たちてエドムの國の界なるホル山に營を張り
Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu.
38 イスラエルの子孫がエジプトの國を出てより四十年の五月の朔日に祭司アロンはヱホバの命によりてホル山に登て其處に死り
Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti.
Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.
40 カナンの地の南に住るカナン人アラデ王といふ者イスラエルの子孫の來るを聞り
Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.
Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.
Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni.
Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhoti.
44 オボテより出たちてモアブの界なるイヱアバリムに營を張り
Vakabva paObhoti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu.
Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi.
46 デボンガドより出たちてアルモンデブラタイムに營を張り
Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi.
47 アルモンデブラタイムより出たちてネボの前なるアバリムの山々に營を張り
Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho.
48 アバリムの山々より出たちてヱリコに對するヨルダンの邊なるモアブの平野に營を張り
Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko.
49 すなはちモアブの平野においてヨルダンの邊に營を張りベテヱシモテよりアベルシッテムにいたる
Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu.
50 ヱリコに對するヨルダンの邊なるモアブの平野においてヱホバ、モーセに告て言たまはく
Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,
51 イスラエルの子孫に告てこれに言へ汝らヨルダンを濟りてカナンの地に入る時は
“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani,
52 その地に住る民をことごとく汝らの前より逐はらひその石の像をことごとく毀ちその鋳たる像を毀ちその崇邱をことごとく毀ちつくすべし
mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira.
53 汝らその地の民を逐はらひて其處に住べし其は我その地を汝らの產業として汝らに與へたればなり
Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu.
54 汝らの族にしたがひ鬮をもてその地を分ちて產業となし人多きには多くの產業を與へ人少きには少しの產業を與ふべし各人の分はその鬮にあたれる處にあるべきなり汝らその先祖の支派にしたがひて之を獲べし
Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu.
55 然ど汝らもしその地に住る民を汝らの前より逐はらはずば汝らが存しおくところの者汝らの目に莿となり汝の脇に棘となり汝らの住む國において汝らを惱さん
“‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere.
Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’”