< 民数記 30 >

1 モーセ、イスラエルの子孫の支派の長等に告て云ふヱホバの命じたまふ事は是のごとし
Mozisi akati kuvakuru vamarudzi avaIsraeri, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha:
2 人もしヱホバに誓願をかけ又はその身に斷物をなさんと誓ひなばその言詞を破るべからずその口より出ししごとく凡て爲べし
Kana munhu akaita mhiko kuna Jehovha kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kuputsa shoko rake asi anofanira kuita zvose zvaakareva.
3 また女もし若くしてその父の家に居る時ヱホバに誓願をかけ又はその身斷物を爲ことあらんに
“Kana musikana achiri kugara mumba mababa vake akaita mhiko kuna Jehovha kana kuti akazvisunga nokupika,
4 その父これが誓願またはその身に斷し斷物を聞て之にむかひて言ふこと無ば其かけたる誓願を行ひまたその身に斷し斷物を守るべし
uye baba vake vakanzwa pamusoro pezvaapika, vakasataura chinhu kwaari, ipapo zvose zvaapika uye nezvose zvaazvisunga kupika zvichasimbiswa.
5 然どその父これを聞る日に之を允さざるあらばその誓願およびその身に斷し斷物を凡て止ることを得べしその父の允さざるなればヱホバこれを赦したまふなり
Asi kana baba vake vakamudzivisa pavanonzwa nezvazvo, zvaapika zvose nezvaazvisunga nazvo achipika hazvingavi nesimba; Jehovha achamusunungura nokuti baba vake vamudzivisa.
6 もしまた夫に適く身にして自ら誓願をかけまたはその身に斷物せんと軽々しく口より言いだすことあらんに
“Kana akawanikwa mushure mokunge aita mhiko, kana mushure mokunge muromo wake wakurumidza kutaura achivimbisa nokuzvisunga,
7 その夫これを聞もそのこれを聞る日にこれに向ひて言ふこと無ばその誓願を行ひその身に斷し斷物を守るべし
uye murume wake akazvinzwa asi akasataura chinhu kwaari, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga nazvo zvichasimbiswa.
8 されど夫もし之を聞る日にこれを允さざるならば之がかけし誓願または之がその身に斷物せんと軽々しく口に出ししところの事を空うするを得べしヱホバはその女を赦したまふなり
Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.
9 また寡婦あるひは去れたる婦人の誓願など凡てその身になしし斷物はこれを守るべし
“Mhiko ipi zvayo kana chisungo chaitwa nechirikadzi kana mukadzi akarambwa chichava nesimba kwaari.
10 婦女もしその夫の家において誓願をかけ又はその身に斷物せんと誓ふことあらんに
“Kana mukadzi agere nomurume wake akaita mhiko kana kuti akazvisunga nemhiko
11 夫これを聞てこれに對ひて言ふことなく之を允さざること無ばその誓願は凡てこれを行ふべくその身に斷し斷物は凡てこれを守るべし
uye murume wake akanzwa nezvazvo asi akasataura chinhu kwaari uye asingamudzivisi, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga pakupika zvichava nesimba.
12 然どその夫もしこれを聞る日に全くこれを空うせばその誓願またはその斷物につき口より出しし事は凡て守るに及ばずその夫これを空くなしたるなればヱホバその婦女を赦したまふなり
Asi kana murume wake akazvikonesa paanenge anzwa nezvazvo, ipapo hapana chaakapika kana zvaakazvisunga nazvo nemhiko nezvaakataura nomuromo wake zvichava nesimba. Murume wake azvikonesa, uye Jehovha achamusunungura.
13 凡の誓願および凡てその身をなやますところの誓約は夫これを堅うすることを得夫これを空うすることを得べし
Murume wake anogona kutsigira kana kukonesa mhiko ipi zvayo yaanopika kuti azvininipise nayo.
14 その夫もし之にむかひて言ふことなくして日をおくらば之が誓願またはこれが斷物を凡て堅うするなり彼これを聞る日に妻にむかひて言ふことを爲ざるに因て之を堅うせるなり
Asi kana murume wake akashaya chaanotaura kwaari zuva nezuva, ipapo ari kusimbisa mhiko dzake uye zvaakapika zvinomusunga. Anozvisimbisa nokusataura kwake chinhu kwaari paanenge anzwa nezvazvo.
15 然どその夫もしこれを聞たる後にいたりてこれを空うする事あらばその妻の罪を任べし
Kana zvakadaro, akazozvikonesa pane dzimwe nguva, mushure mokunge azvinzwa, ipapo iye achatakura mhosva yomukadzi wake.”
16 是すなはちヱホバがモーセに命じたまへる法令にして夫と妻および父とその女子の少くして父の家にある者とにかかはる者なり
Iyi ndiyo mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha pamusoro poukama pakati pomurume nomukadzi wake, uye pakati pababa nomwanasikana wavo muduku agere mumba mavo.

< 民数記 30 >