< ネヘミヤ 記 6 >
1 サンバラテ、トビヤおよびアラビヤ人ガシムならびにその餘の我らの敵我が石垣を築き終りて一の破壞も遺らずと聞り(然どその時は未だ門に扉を設けざりしなり)
Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo,
2 是においてサンバラテとガシム我に言つかはしけるは來れ我らオノの平野なる某の村にて相會せんとその實は我を害せんと思ひしなり
Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa.
3 我すなはち使者を彼らに遣はして言らく我は大なる工事をなし居れば下りゆくことを得ずなんぞ工事を離れ汝らの所に下りゆきてその間工事を休ますべけんやと
Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?”
4 彼ら四次まで是のごとく我に言遣はしけるが我は何時もかくのごとく之に答へたり
Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
5 是においてサンバラテまた五次目にその僕を前のごとく我に遣はせり其手には封ぜざる書を携さふ
Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa.
6 その文に云く國々にて言傳ふガシムもまた然いふ汝はユダヤ人とともに叛かんとして之がために石垣を築けり而して汝はその王とならんとすとその言ところ是のごとし
Yakanga yakanyorwa zvinoti: “Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo.
7 また汝は預言者を設けて汝の事をヱルサレムに宣しめユダに王ありと言しむといひ傳ふ恐くはその事この言のごとく王に聞えん然ば汝いま來れ我ら共に相議らんと
Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.”
8 我すなはち彼に言つかはしけるは汝が言るごとき事を爲し事なし惟なんぢ之を己の心より作りいだせるなりと
Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.”
9 彼らは皆われらを懼れしめんとせり彼ら謂らく斯なさば彼ら手弱りて工事を息べければ工事成ざるべしと今ねがはくは我手を強くしたまへ
Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.” Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.”
10 かくて後我メヘタベルの子デラヤの子シマヤの家に往しに彼閉こもり居て言らく我ら神の室に到りて神殿の内に相會し神殿の戸を閉おかん彼ら汝を殺さんとて來るべければなり必ず夜のうちに汝を殺さんとて來るべしと
Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.”
11 我言けるは我ごとき人いかで逃べけんや我ごとき身にして誰か神殿に入て生命を全うすることを爲んや我は入じと
Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!”
12 我暁れるに神かれを遣はしたまひしに非ず彼が我にむかひて此預言を説しはトビヤとサンバラテ彼に賄賂したればなり
Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati.
13 彼に賄賂せしは此事のためなり即ち我をして懼れて然なして罪を犯さしめ惡き名を我に負する種を得て我を辱しめんとてなりき
Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise.
14 わが神よトビヤ、サンバラテおよび女預言者ノアデヤならびにその他の預言者など凡て我を懼れしめんとする者等を憶えてその行爲に報をなしたまへ
Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira.
15 石垣は五十二日を歴てエルルの月の二十五日に成就せり
Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri.
16 我らの敵皆これを聞ければ我らの周圍の異邦人は凡て怖れ大に面目をうしなへり其は彼等この工事は我らの神の爲たまひし者なりと暁りたればなり
Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu.
17 其頃ユダの貴き人々しばしば書をトビヤにおくれりトビヤの書もまた彼らに來れり
Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari.
18 トビヤはアラの子シカニヤの婿なるをもてユダの中に彼と盟を結べる者多かりしが故なりトビヤの子ヨハナンも亦ベレキヤの子メシユラムの女子を妻に娶りたり
Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia.
19 彼らはトビヤの善行を我前に語りまた我言を彼に通ぜりトビヤは常に書をおくりて我を懼れしめんとせり
Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira.