< マタイの福音書 4 >

1 ここにイエス御靈によりて荒野に導かれ給ふ、惡魔に試みられんとするなり。
Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.
2 四十 日 四十 夜 斷食して、後に飢ゑたまふ。
Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.
3 試むる者きたりて言ふ『汝もし神の子ならば、命じて此 等の石をパンと爲らしめよ』
Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.
4 答へて言ひ給ふ『「人の生くるはパンのみに由るにあらず、神の口より出づる凡ての言に由る」と録されたり』
Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
5 ここに惡魔イエスを聖なる都につれゆき、宮の頂上に立たせて言ふ、
Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,
6 『汝もし神の子ならば己が身を下に投げよ。それは「なんぢの爲に御使たちに命じ給はん。彼ら手にて汝を支へ、その足を石にうち當つること無からしめん」と録されたるなり』
ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
7 イエス言ひたまふ『「主なる汝の神を試むべからず」と、また録されたり』
Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.
8 惡魔またイエスを最 高き山につれゆき、世のもろもろの國と、その榮華とを示して言ふ、
Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.
9 『汝もし平伏して我を拜せば、此 等を皆なんぢに與へん』
Akati kwaari: Zvese zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
10 ここにイエス言ひ給ふ『サタンよ、退け「主なる汝の神を拜し、ただ之にのみ事へ奉るべし」と録されたるなり』
Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga.
11 ここに惡魔は離れ去り、視よ、御使たち來り事へぬ。
Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.
12 イエス、ヨハネの囚はれし事をききて、ガリラヤに退き、
Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.
13 後ナザレを去りて、ゼブルンとナフタリとの境なる、海邊のカペナウムに到りて住み給ふ。
Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi;
14 これは預言者イザヤによりて云はれたる言の成就せん爲なり。曰く
kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
15 『ゼブルンの地、ナフタリの地、海の邊、ヨルダンの彼方、異邦人のガリラヤ、
Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;
16 暗きに坐する民は、大なる光を見、死の地と死の蔭とに坐する者に、光のぼれり』
vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.
17 この時よりイエス教を宣べはじめて言ひ給ふ『なんぢら悔改めよ、天國は近づきたり』
Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera.
18 かくて、ガリラヤの海邊をあゆみて、二人の兄弟ペテロといふシモンとその兄弟アンデレとが、海に網うちをるを見 給ふ、かれらは漁人なり。
Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.
19 これに言ひたまふ『我に從ひきたれ、さらば汝らを人を漁る者となさん』
Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.
20 かれら直ちに網をすてて從ふ。
Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
21 更に進みゆきて、また二人の兄弟、ゼベダイの子ヤコブとその兄弟ヨハネとが、父ゼベダイとともに舟にありて網を繕ひをるを見て呼び給へば、
Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
22 直ちに舟と父とを置きて從ふ。
Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
23 イエスあまねくガリラヤを巡り、會堂にて教をなし、御國の福音を宣べつたへ、民の中のもろもろの病、もろもろの疾患をいやし給ふ。
Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu.
24 その噂あまねくシリヤに弘り、人々すべての惱めるもの、即ちさまざまの病と苦痛とに罹れるもの、惡鬼に憑かれたるもの、癲癇および中風の者などを連れ來りたれば、イエス之を醫したまふ。
Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.
25 ガリラヤ、デカポリス、エルサレム、ユダヤ及びヨルダンの彼方より、大なる群衆きたり從へり。
Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.

< マタイの福音書 4 >