< マタイの福音書 11 >
1 イエス十二 弟子に命じ終へてのち、町々にて教へ、かつ、宣傳へんとて、此處を去り給へり。
Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
2 ヨハネ牢舍にてキリストの御業をきき、弟子たちを遣して、
Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake
3 イエスに言はしむ『來るべき者は汝なるか、或は、他に待つべきか』
kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?”
4 答へて言ひたまふ『ゆきて、汝らが見 聞する所をヨハネに告げよ。
Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:
5 盲人は見、跛者はあゆみ、癩病人は潔められ、聾者はきき、死人は甦へらせられ、貧しき者は福音を聞かせらる。
Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
7 彼らの歸りたるをり、ヨハネの事を群衆に言ひ出でたまふ『なんぢら何を眺めんとて野に出でし、風にそよぐ葦なるか。
Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
8 さらば何を見んとて出でし、柔かき衣を著たる人なるか。視よ、やはらかき衣を著たる者は、王の家に在り。
Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
9 さらば何のために出でし、預言者を見んとてか。然り、汝らに告ぐ、預言者よりも勝る者なり。
Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita.
10 「視よ、わが使をなんぢの顏の前につかはす。彼はなんぢの前に、なんぢの道をそなへん」と録されたるは此の人なり。
Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.”
11 誠に汝らに告ぐ、女の産みたる者のうち、バプテスマのヨハネより大なる者は起らざりき。されど天國にて小き者も、彼よりは大なり。
Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.
12 バプテスマのヨハネの時より今に至るまで、天國は烈しく攻めらる、烈しく攻むる者はこれを奪ふ。
Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
13 凡ての預言者と律法との預言したるは、ヨハネの時までなり。
Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14 もし汝 等わが言をうけんことを願はば、來るべきエリヤは此の人なり、
Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16 われ今の代を何に比へん、童子、市場に坐し、友を呼びて、
“Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17 「われら汝 等のために笛 吹きたれど、汝ら踊らず、歎きたれど、汝ら胸うたざりき」と言ふに似たり。
“‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
18 それは、ヨハネ來りて飮食せざれば「惡鬼に憑かれたる者なり」といひ、
Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
19 人の子 來りて飮食すれば、「視よ、食を貪り酒を好む人、また取税人・罪人の友なり」と言ふなり。されど智慧は己が業によりて正しとせらる』
Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
20 爰にイエス多くの能力ある業を行ひ給へる町々の悔改めぬによりて、之を責めはじめ給ふ、
Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
21 『禍害なる哉コラジンよ、禍害なる哉ベツサイダよ、汝らの中にて行ひたる能力ある業を、ツロとシドンとにて行ひしならば、彼らは早く荒布を著、灰の中にて悔改めしならん。
“Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
22 されば汝らに告ぐ、審判の日にはツロとシドンとのかた汝 等よりも耐へ易からん。
Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
23 カペナウムよ、なんぢは天にまで擧げらるべきか、黄泉にまで下らん。汝のうちにて行ひたる能力ある業を、ソドムにて行ひしならば、今日までもかの町は遺りしならん。 (Hadēs )
Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi. (Hadēs )
24 されば汝らに告ぐ、審判の日にはソドムの地のかた汝よりも耐へ易からん』
Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
25 その時イエス答へて言ひたまふ『天 地の主なる父よ、われ感謝す、此 等のことを智き者 慧き者にかくして、嬰兒に顯し給へり。
Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
27 すべての物は我わが父より委ねられたり。子を知る者は父の外になく、父をしる者は子または子の欲するままに顯すところの者の外になし。
“Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
28 凡て勞する者・重荷を負ふ者、われに來れ、われ汝らを休ません。
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
29 我は柔和にして心 卑ければ、我が軛を負ひて我に學べ、さらば靈魂に休息を得ん。
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”