< レビ記 14 >

1 ヱホバ、モーセに告て言たまはく
Jehovha akati kuna Mozisi:
2 癩病人の潔めらるる日の定例は是のごとし即ちその人を祭司の許に携へゆくべし
“Iyi ndiyo mirayiro yomunhu ane chirwere panguva yake yokucheneswa kana auyiswa kumuprista:
3 先祭司營より出ゆきて觀祭司もし癩病人の身にありし癩病の患處の痊たるを見ば
Muprista anofanira kuenda kunze kwomusasa agonomuongorora. Kana munhu aporeswa kubva kumaperembudzi,
4 祭司その潔めらるる者のために命じて生る潔き鳥二羽に香柏と紅の線と牛膝草を取きたらしめ
muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe.
5 祭司また命じてその鳥一羽を瓦の器の内にて活水の上に殺さしめ
Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu.
6 而してその生る鳥を取り香柏と紅の線と牛膝草をも取て之を夫活水の上に殺したる鳥の血の中にその生る鳥とともに濡し
Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena.
7 癩病より潔められんとする者にこれを七回灑ぎてこれを潔き者となしその生る鳥をば野に放つべし
Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango.
8 潔めらるる者はその衣服を濯ひその毛髮をことごとく剃おとし水に身を滌ぎて潔くなり然る後に營に入きたるべし但し七日が間は自己の天幕の外に居るべし
“Munhu anofanira kucheneswa anofanira kusuka nguo dzake agoveura bvudzi rake rose agoshamba nemvura, ipapo achava akacheneswa. Mushure maizvozvi anogona kuuya mumusasa asi anofanira kugara kunze kwetende rake kwamazuva manomwe.
9 而して第七日にその身の毛髮をことごとく剃べし即ちその頭の髮と鬚と眉とをことごとく剃りまたその衣服を濯ひ且その身を水に滌ぎて潔くなるべし
Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena.
10 第八日にいたりてその人二匹の全き羔羊の牡と當歳なる一匹の全き羔羊の牝を取りまた麥粉十分の三に油を和たる素祭と油一ログを取べし
“Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondobwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogi imwe chete yamafuta.
11 潔禮をなす所の祭司その潔めらるべき人と是等の物とを集會の幕屋の門にてヱホバの前に置き
Muprista achazivisa kuti akachena, anofanira kuuya nouya anofanira kucheneswa nezvipiriso zvake pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.
12 而して祭司かの羔羊の牡一匹を取り一ログの油とともに之を愆祭に献げまた之をヱホバの前に搖て搖祭となすべし
“Ipapo muprista anofanira kutora gwayana rimwe chete gono agoripa sechipiriso chemhosva pamwe chete nerogi ramafuta; achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
13 この羔羊の牡は罪祭燔祭の牲を宰る處すなはち聖所にてこれを宰るべし罪祭の物の祭司に歸するごとく愆祭の物も然るなり是は至聖物たり
Anofanira kubaya gwayana panzvimbo tsvene apo panobayirwa chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa. Sezvakaita chipiriso chezvivi, chipiriso chemhosva ndechomuprista, chitsvene-tsvene.
14 而して祭司その愆祭の牲の血を取りその潔めらるべき者の右の耳の端と右の手の大指と右の足の拇指に祭司これをつくべし
Muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva agoriisa pamucheto wenzeve yokurudyi yomunhu anocheneswa, pamunwe wake mukuru wokuruoko rwokurudyi uye napachigunwe chikuru chetsoka yake yokurudyi.
15 祭司またその一ログの油をとりて之を自身の左の手の掌に傾ぎ
Ipapo muprista achatora imwe rogi yamafuta agodira muchanza choruoko rwake rworuboshwe,
16 而して祭司その右の指を左の手の油にひたしその指をもて之を七回ヱホバの前に灑ぐべし
agonyika munwe wake wokutendeka nawo wokurudyi mumafuta ari muchanza choruoko rwake agosasa mamwe acho nomunwe kanomwe pamberi paJehovha.
17 その手の殘餘の油は祭司その潔らるべき者の右の耳の端と右の手の大指と右の足の拇指においてその愆祭の牲の血の上に之をつくべし
Muprista achaisa mamwe mafuta anosara muchanza panzeve yokurudyi youyo anofanira kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi nepachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi pamusoro peropa rechipiriso chemhosva.
18 而して尚その手に殘れる油は祭司これをその潔めらるべき者の首につけヱホバの前にて祭司その人のために贖罪をなすべし
Mamwe mafuta ose ari muchanza make muprista achaaisa pamusoro pouyo achada kucheneswa, agomuyananisira pamberi paJehovha.
19 斯してまた祭司罪祭を献げその汚穢を潔めらるべき者のために贖罪を爲て然る後に燔祭の牲を宰るべし
“Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa
20 而して祭司燔祭と素祭を壇の上に献げその人のために祭司贖罪を爲べし然せばその人は潔くならん
agochipa paaritari pamwe chete nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena.
21 その人もし貧くして之にまで手の届かざる時は搖て自己の贖罪をなさしむべき愆祭のために羔羊の牡一匹をとり又素祭のために麥粉十分の一に油を和たるを取りまた油一ログを取り
“Asi kana ari murombo asingakwanisi kuuya naizvozvi, anofanira kutora gwayana gono sechipiriso chemhosva kuti aninire agomuyananisira pamwe chete nechikamu chimwe chete kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakasangana namafuta sechipiriso chezviyo, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zverogi ramafuta,
22 且その手のとどくところに循ひて鳲鳩二羽かまたは雛き鴿二羽を取べし其一は罪祭のための者一は燔祭のための者なり
njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzaanokwanisa kuuya nadzo, imwe yechipiriso chechivi neimwe yechipiriso chinopiswa.
23 而してその潔禮の第八日に之を祭司に携へ集會の幕屋の門にきたりてヱホバの前にいたるべし
“Pazuva rorusere anofanira kuzviuyisa kumuprista pamusuo weTende Rokusangana pamberi paJehovha, kuti acheneswe.
24 かくて祭司はその愆祭の牡羊と一ログの油を取り祭司これをヱホバの前に搖て搖祭となすべし
Muprista anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva nerogi ramafuta agozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
25 而して愆祭の羔羊を宰りて祭司その愆祭の牲の血を取りこれをその潔めらるべき者の右の耳の端と右の手の大指と右の足の拇指につけ
Achabaya gwayana rechipiriso chemhosva agotora rimwe ropa raro agoriisa panzeve yokurudyi yomunhu anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwokurudyi napachigunwe chikuru chepagumbo rokurudyi.
26 また祭司その油の中を己の左の手の掌に傾ぎ
Muprista achadira mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe
27 而して祭司その右の指をもて左の手の油を七回ヱホバの前に灑ぎ
uye nomunwe wake wokurudyi wokutendeka nawo agomwaya mamwe mafuta anobva muchanza chake kanomwe pamberi paJehovha.
28 亦祭司その潔めらるべき者の右の耳と右の手の大指と右の足の拇指において愆祭の牲の血をつけし處にその手の油をつくべし
Mamwe mafuta ari muchanza chake anofanira kuaisa munzvimbo dzimwe chetedzo dzaakaisa ropa rechipiriso chemhosva panzeve yokurudyi youyo anoda kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi napachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi.
29 またその手に殘れる油をば祭司その潔めらるべき者の首に之をつけヱホバの前にてその人のために贖罪をなすべし
Mamwe mafuta ose achasara muchanza muprista achaaisa mumusoro mouyo anofanira kucheneswa, kuti ayananisirwe pamberi paJehovha.
30 その人はその手のおよぶところの鳲鳩または雛き鴿一羽を献ぐべし
Ipapo achabayira njiva kana hangaiwa diki izvo zvaanogona kuwana,
31 即ちその手のおよぶところの者一を罪祭に一を燔祭に爲べし祭司はその潔めらるべき者のためにヱホバの前に贖罪をなすべし
imwe sechipiriso chechivi neimwe sechipiriso chinopiswa pamwe chete nechipiriso chezviyo. Nenzira iyi muprista achayananisira pamberi paJehovha, panzvimbo youya anofanira kucheneswa.”
32 癩病の患處ありし人にてその潔禮に用ふべき物に手の届ざる者は之をその條例とすべし
Iyi ndiyo mirayiro pamusoro pouyo ane chirwere chamaperembudzi uye asingakwanisi kuuya nezvipiriso zvinofanira kupiwa kuti acheneswe.
33 ヱホバ、モーセとアロンに告て言たまはく
Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,
34 我が汝らの產業に與ふるカナンの地に汝等の至らん時に我汝らの產業の地の或家に癩病の患處を生ぜしむること有ば
“Kana mapinda munyika yeKenani iyo yandiri kukupai senhaka, ndikaita chirwere chinopararira chamaperembudzi muimba iri munyika iyoyo,
35 その家の主來り祭司に告て患處のごとき者家に現はると言べし
muridzi weimba anofanira kuenda kundoudza muprista kuti, ‘Ndaona chimwe chinhu chinenge maperembudzi mumba mangu.’
36 然る時は祭司命じて祭司のその患處を視に行く前にその家を空しむべし是は家にある物の凡て汚れざらんためなり而して後に祭司いりてその家を觀べし
Ipapo muprista anofanira kurayira kuti vabudise zvose zviri mumba muprista asati apinda kundotarira hosha, kuti kurege kuva nechinhu chiri mumba chichanzi hachina kuchena. Mushure maizvozvo muprista anofanira kupinda agoongorora imba.
37 その患處を觀にもしその家の壁に靑くまたは赤き窪の患處ありて壁よりも卑く見えなば
Anofanira kuongorora chakwindi chiri mumadziro eimba uye kana pane makomba makomba ane ruvara rwezerere kana akatsvukuruka,
38 祭司その家を出て家の門にいたり七日の間家を閉おき
muprista anofanira kubuda napamusuo wemba agoipfiga kwamazuva manomwe.
39 祭司第七日にまた來りて視るべしその患處もし家の壁に蔓延をらば
Pazuva rechinomwe muprista achadzoka kuzoongorora imba. Kana maperembudzi apararira pamadziro,
40 祭司命じてその患處ある石を取のぞきて邑の外の汚穢所にこれを棄しめ
anofanira kurayira kuti matombo ane utachiona abviswe agorasirwa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta.
41 またその家の内の四周を刮らしむべしその刮りし灰沙は之を邑の外の汚穢所に傾け
Ipapo ngaarayire kuti madziro ose omukati memba aparwe uye zvaparwa zvigoraswa kunzvimbo isina kuchena kunze kweguta.
42 他の石を取てその石の所に入かふべし而して彼他の灰沙をとりて家を塗べきなり
Ipapo vanofanira kutora mamwe matombo vagotsiva aya vagotora ivhu idzva vakodzura imba.
43 斯石を取のぞき家を刮りてこれを塗かへし後にその患處もし再びおこりて家に發しなば
“Kana chakwindi chikaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa uye yadzurwa,
44 祭司また來りて視べし患處もし家に蔓延たらば是家にある惡き癩病なれば其は汚るるなり
muprista anofanira kuenda kunozvinanʼanidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.
45 彼その家を毀ちその石その木およびその家の灰沙をことごとく邑の外の汚穢所に搬びいだすべし
Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.
46 その家を閉おける日の間にこれに入る者は晩まで汚るべし
“Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru.
47 その家に臥す者はその衣服を洗ふべしその家に食する者もその衣服を洗ふべし
Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake.
48 然ど祭司いりて視にその患處家を塗かへし後に家に蔓延ずば是患處の痊たる者なれば祭司その家を潔き者となすべし
“Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda.
49 彼すなはちその家を潔むるために鳥二羽に香柏と紅の線と牛膝草を取り
Kuti anatse imba, anofanira kutora shiri mbiri nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi.
50 その鳥一羽を瓦の器の内にて活る水の上に殺し
Achaurayira imwe shiri pamusoro pemvura yakachena iri muhari yevhu.
51 香柏と牛膝草と紅の線と生鳥を取てこれをその殺せし鳥の血なる活る水に浸し七回家に灑ぐべし
Ipapo anofanira kutora puranga romusidhari, hisopi, mucheka mutsvuku, shinda neshiri mhenyu ozvinyika muropa reshiri yafa nemvura yakachena, uye agosasa mumba kanomwe.
52 斯祭司鳥の血と活る水と生る鳥と香柏と牛膝草と紅の線をもて家を潔め
Achanatsa imba neropa reshiri, mvura yakachena, shiri mhenyu, danda romusidhari, hisopi uye nomucheka mutsvuku.
53 その生る鳥を邑の外の野に縦ちその家のために贖罪をなすべし然せば其は潔くならん
Ipapo anofanira kuregedza shiri mhenyu kuti iende hayo kunze kweguta kusango. Nenzira iyi achayananisira imba uye ichava yakachena.”
54 是すなはち癩病の諸患處瘡
Iyi ndiyo mirayiro yechirwere chamaperembudzi, kuvava,
55 および衣服と家屋の癩病
maperembudzi pamucheka kana mumba,
56 ならびに腫と癬と光る處とに關る條例にして
uye kuzvimba, kufunuka, kana gwapa rakacheneruka,
57 何の日潔きか何の日汚たるかを敎ふる者なり癩病の條例は是のごとし
kuti mugoziva kuti chinhu chakachena kana kuti hachina kuchena. Iyi ndiyo mirayiro yezvirwere zvinotapuriranwa zvamaperembudzi.

< レビ記 14 >