< 士師記 5 >

1 その日デボラとアビノアムの子バラク謳ひていはく
Nomusi uyo Dhibhora naBharaki mwanakomana waAbhinoami vakaimba rwiyo urwu runoti:
2 イスラエルの首長みちびきをなし民また好んで出でたればヱホバを頌美よ
“Kana machinda aIsraeri achitungamirira, kana vanhu vachizvipira pachavo Jehovha ngaarumbidzwe!”
3 もろもろの王よ聽けもろもろの伯よ耳をかたぶけよ我はそのヱホバに謳はん我はイスラエルの神ヱホバを讚へん
“Inzwai izvi, imi madzimambo! Teererai imi vatongi! Ndichaimbira Jehovha, ini ndichaimba; ndichaimbira Jehovha, Mwari waIsraeri.
4 ああヱホバよ汝セイルより出でエドムの野より進みたまひしとき地震ひ天また滴りて雲水を滴らせたり
“Haiwa Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri, pamakafamba muchibva munyika yeEdhomu, Nyika yakadengenyeka, matenga akadurura, makore akadurura mvura pasi.
5 もろもろの山はヱホバのまへに撼動ぎ彼のシナイもイスラエルの神ヱホバのまへに撼動げり
Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai, pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri.
6 アナテの子シヤムガルのときまたヤエルの時には大路は通行る者なく途行く人は徑を歩み
“Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati, mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa; vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera.
7 イスラエルの村莊には住者なく住む者あらずなりけるがつひに我デボラ起れり我起りてイスラエルに母となる
Upenyu hwomumisha hwakapera, hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka, ndasimuka ini mai muIsraeri.
8 人々新しき神を選みければ戰鬪門におよべりイスラエルの四萬人のうちに盾或は鎗の見しことあらんや
Pavakasarudza vamwari vatsva, hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta, uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwa pakati pezviuru makumi mana muIsraeri.
9 吾が心は民のうちに好んでいでたるイスラエルの有司等に傾けり汝らヱホバを頌美よ
Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri, navaya vanozvipira pakati pavanhu. Rumbidzai Jehovha!
10 しろき驢馬に乗るもの毛氈に坐するものおよび路歩む人よ汝ら謳ふべし
“Imi munotasva mbongoro chena, mugere pamachira ezvigaro zvenyu, nemi munofamba munzira, cherechedzai
11 矢叫の聲に遠かり水汲むところにおいてヱホバの義しき所爲をとなへそのイスラエルを治理めたまふ義しき所爲を唱へよその時ヱホバの民は門に下れり
inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura. Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri. “Ipapo vanhu vaJehovha vakaburuka vakaenda kusuo reguta.
12 興よ起よデボラ興よ起よ歌を謳ふべし起てよバラク汝の俘虜を擄きたれアビノアムの子よ
‘Muka, muka, Dhibhora! Muka, muka, uimbe rwiyo! Simuka, Bharaki! Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’
13 其時民の首長等の殘餘者くだり來るヱホバ勇士の中にいまして我にくだりたまふ
“Ipapo varume vakanga vasara vakaburuka vakaenda kumakurukota; vanhu vaJehovha vakauya kwandiri navane simba.
14 エフライムより出る者ありその根アマレクにありベニヤミン汝のあとにつきて汝の民の中にありマキルよりは牧伯下りゼブルンよりは采配を執るものいたる
Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki; Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe. Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka, kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo.
15 イッサカルの伯たちはデボラとともに居るイッサカルはバラクとおなじく足の進みて平地に至るルベンの河邊にて大に心にはかる事あり
Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora; hongu Isakari akanga ana Bharaki, vachimhanyira kumupata vachimutevera. Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
16 何故に汝は圈のうちに止まりて羊の群に笛吹くを聽くやルベンの河邊にて大に心に考ふることあり
Seiko wakagara pakati pezvoto kuti unzwe muridzo unoridzirwa matanga emakwai? Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.
17 ギレアデはヨルダンの彼方に臥し居る何故にダンは舟のかたはらに止まりしやアセルは濱邊に坐してその港に臥し居る
Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani. Uye Dhani akasarireiko pazvikepe? Asha akasara zvake pamahombekombe Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa.
18 ゼブルンは生命を捐て死を冒せる民なり野の高きところに居るナフタリまた是の如し
Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi; neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda.
19 もろもろの王來りて戰へる時にカナンのもろもろの王メギドンの水の邊においてタアナクに戰へり彼ら一片の貨幣をも獲ざりき
“Madzimambo akauya, akarwa; madzimambo eKenani akarwa paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho, asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa.
20 天よりこれを攻るものありもろもろの星其の道を離れてシセラを攻む
Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.
21 キシオンの河之を押し流しぬ是彼の古への河キシオンの河なりわが靈魂よ汝ますます勇みて進め
Rwizi Kishoni rwakavakukura, irwo rwizi rwakare, rwizi Kishoni. Pfuurira mberi, mweya wangu, simba!
22 その時馬の蹄は強きももの馳に馳るに由りて地を踏鳴せり
Ipapo mahwanda amabhiza akatinhira, kumhanya, kumhanya kwoune simba.
23 ヱホバの使いひけるはメロズを詛ふべし汝ら重ね重ねその民を詛ふべきなり彼等來りてヱホバを助けずヱホバを助けて猛者を攻めざればなり
Mutumwa waJehovha akati, ‘Tuka Merozi. Tuka vanhu varo zvikuru kwazvo, nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, kubatsira Jehovha kurwisa vane simba.’
24 ケニ人ヘベルの妻ヤエルは婦女のうちの最も頌むべき者なり彼は天幕に居る婦女のうち最も頌むべきものなり
“Jaeri ngaave mukadzi akaropafadzwa zvikuru, iye mukadzi waHebheri muKeni, akaropafadzwa kwazvo kupfuura vakadzi vagere mutende.
25 シセラ水を乞ふにヤエル乳を與ふ即ち貴き盤に乳の油を盛てささぐ
Akakumbira mvura, iye akamupa mukaka; akamuvigira mukaka wakakora mundiro yakafanira makurukota.
26 ヤエル釘子に手をかけ右の手に重き椎をとりてシセラを打ちその頭を碎きその鬢のあたりをうちて貫ぬく
Ruoko rwake rwakatambanudzirwa pambambo yetende, ruoko rwake rworudyi kunyundo yomuvezi. Akabaya Sisera, akapwanya musoro wake, akapwanya uye akabvoora zvavovo zvake.
27 シセラ、ヤエルの足の間に屈みて仆れ偃しその足のあはひに屈みて仆れその屈みたる所にて仆れ亡ぬ
Patsoka dzake, akanyura, akawa; hoyo akatandavarapo. Patsoka dzake akanyura, akawa; paakanyura, ndipo paakawira, akafa.
28 シセラの母窓より望み格子のうちより叫びて言ふ彼が車のきたること何て遲きや彼が馬の歩何てはかどらざるやと
“Napawindo mai vaSisera vakadongorera; vari seri kworutanda, vakadanidzira vachiti, ‘Seiko ngoro yake yanonoka kusvika? Seiko kurira kwengoro dzake kwanonoka?’
29 その賢き侍女こたへをなす(母また獨語して斯いへり)
Vakadzi vokwake vakachenjera kukunda vose vanomupindura; zvirokwazvo, anoramba achiti,
30 かれら獲ものしてこれを分たざらんや人ごとに一人二人の女子を獲んシセラの獲るものは彩る衣ならんその獲る者は彩る衣にして文繍を施せる者ならん即ち彩りて兩面に文繍をほどこせる衣をえてその頸にまとはんと
‘Ko, havasi kuwana nokugoverana zvakapambwa here vachiti, musikana mumwe chete kana vaviri pamurume mumwe chete, nguo dzina mavara dzezvakapambwa zvaSisera, nguo dzina mavara dzakarukwa, nguo dzakanyatsorukwa dzomutsipa wangu, zvose izvi zviri zvakapambwa?’
31 ヱホバよ汝の敵みな是のごとくに亡びよかしまたヱホバを愛するものは日の眞盛に昇るが如くなれよかし とかくて後國は四十年のあひだ太平なりき
“Saka vavengi venyu vose ngavaparare, imi Jehovha! Asi vanokudai ngavave sezuva parinobuda nesimba raro.” Ipapo nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.

< 士師記 5 >