< ユダの手紙 1 >
1 イエス・キリストの僕にしてヤコブの兄弟なるユダ、書を召されたる者、すなはち父なる神に愛せられ、イエス・キリストの爲に守らるる者に贈る。
Judha muranda waJesu Kristu, uye munin'ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:
2 願はくは憐憫と平安と愛と、なんぢらに増さんことを。
Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.
3 愛する者よ、われ我らが共に與る救につき勵みて汝らに書き贈らんとせしが、聖徒の一たび傳へられたる信仰のために戰はんことを勸むる書を、汝らに贈るを必要と思へり。
Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
4 そは敬虔ならずして我らの神の恩惠を好色に易へ、唯一の主なる我らの主イエス・キリストを否むものども潜り入りたればなり。彼らが此の審判を受くべきことは昔より預じめ録されたり。
Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe wega Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.
5 汝らは固より凡ての事を知れど、我さらに汝 等をして思ひ出さしめんとする事あり、即ち主エジプトの地より民を救ひ出して、後に信ぜぬ者を亡し給へり。
Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakange vasingatendi.
6 又おのが位を保たずして己が居所を離れたる御使を、大なる日の審判まで、闇黒のうちに長久の繩目をもて看守し給へり。 (aïdios )
Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima. (aïdios )
7 ソドム、ゴモラ及びその周圍の町々も亦これと同じく、淫行に耽り、背倫の肉 慾に走り、永遠の火の刑罰をうけて鑑とせられたり。 (aiōnios )
SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi. (aiōnios )
8 かくの如くかの夢 見る者どもも肉を汚し、權威ある者を輕んじ、尊き者を罵る。
Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.
9 御使の長ミカエル惡魔と論じてモーセの屍體を爭ひし時に、敢へて罵りて審かず、唯『ねがはくは主なんぢを戒め給はんことを』と云へり。
Asi Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.
10 されど此の人々は知らぬことを罵り、無知の獸のごとく、自然に知る所によりて亡ぶるなり。
Asi ava vanotuka zvese zvavasingazivi; asi zvese zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.
11 禍害なるかな、彼らはカインの道にゆき、利のためにバラムの迷に走り、またコラの如き謀反によりて亡びたり。
Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.
12 彼らは汝らと共に宴席に與り、その愛餐の暗礁たり、憚らずして自己をやしなふ牧者、風に逐はるる水なき雲、枯れて又かれ、根より拔かれたる果なき秋の木、
Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;
13 おのが恥を湧き出す海のあらき波、さまよふ星なり。彼らの爲に暗き闇、とこしへに蓄へ置かれたり。 (aiōn )
mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi. (aiōn )
14 アダムより七代に當るエノク彼らに就きて預言せり。曰く『視よ、主はその聖なる千萬の衆を率ゐて來りたまへり。
NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,
15 これ凡ての人の審判をなし、すべて敬虔ならぬ者の不 敬虔を行ひたる不 敬虔の凡ての業と、敬虔ならぬ罪人の、主に逆ひて語りたる凡ての甚だしき言とを責め給はんとてなり』
kuzoita mutongo unopikisa vese, nekupa mhosva vese vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvese vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.
16 彼らは呟くもの、不滿をならす者にして、おのが慾に隨ひて歩み、口に誇をかたり、利のために人に諂ふなり。
Ava van'un'uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.
17 愛する者よ、汝らは我らの主イエス・キリストの使徒たちの預じめ言ひし言を憶えよ。
Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;
18 即ち汝らに曰らく『末の時に嘲る者おこり、己が不 敬虔なる慾に隨ひて歩まん』と。
kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.
19 彼らは分裂をなし、情 慾に屬し、御靈を有たぬ者なり。
Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.
20 されど愛する者よ、なんぢらは己がいと潔き信仰の上に徳を建て、聖 靈によりて祈り、
Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,
21 神の愛のうちに己をまもり、永遠の生命を得るまで我らの主イエス・キリストの憐憫を待て。 (aiōnios )
muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi. (aiōnios )
Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,
23 或 者を火より取出して救ひ、或 者をその肉に汚れたる下衣をも厭ひ、かつ懼れつつ憐め。
asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.
24 願はくは汝らを守りて躓かしめず、瑕なくして榮光の御前に歡喜をもて立つことを得しめ給ふ者、
Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,
25 即ち我らの救主なる唯一の神に、榮光・稜威・權力・權威、われらの主イエス・キリストに由りて、萬 世の前にも今も萬 世までも在らんことを、アァメン (aiōn )
kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni. (aiōn )