< ヨハネの福音書 6 >

1 この後イエス、ガリラヤの海、即ちテベリヤの海の彼方にゆき給へば、
Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi),
2 大なる群衆これに從ふ、これは病みたる者に行ひたまへる徴を見し故なり。
uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.
3 イエス山に登りて、弟子たちと共にそこに坐し給ふ。
Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake.
4 時はユダヤ人の祭なる過越に近し。
Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.
5 イエス眼をあげて大なる群衆のきたるを見て、ピリポに言ひ給ふ『われら何處よりパンを買ひて、此の人々に食はすべきか』
Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”
6 かく言ひ給ふはピリポを試むるためにて、自ら爲さんとする事を知り給ふなり。
Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
7 ピリポ答へて言ふ『二 百デナリのパンありとも、人々すこしづつ受くるになほ足らじ』
Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”
8 弟子の一人にてシモン・ペテロの兄弟なるアンデレ言ふ
Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati,
9 『ここに一人の童子あり、大麥のパン五つと小き肴 二つとをもてり、されど此の多くの人には何にかならん』
“Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”
10 イエス言ひたまふ『人々を坐せしめよ』その處に多くの草ありて人々 坐せしが、その數おほよそ五 千 人なりき。
Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu.
11 ここにイエス、パンを取りて謝し、坐したる人々に分ちあたへ、また肴をも然なして、その欲するほど與へ給ふ。
Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
12 人々の飽きたるのち弟子たちに言ひたまふ『廢るもののなきように擘きたる餘をあつめよ』
Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”
13 乃ち集めたるに、五つの大麥のパンの擘きたるを食ひしものの餘、十二の筐に滿ちたり。
Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
14 人々その爲し給ひし徴を見ていふ『實にこれは世に來るべき預言者なり』
Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”
15 イエス彼らが來りて己をとらへ、王となさんとするを知り、復ひとりにて山に遁れたまふ。
Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.
16 夕になりて弟子たち海にくだり、
Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa,
17 船にのり海を渡りて、カペナウムに往かんとす。既に暗くなりたるに、イエス未だ來りたまはず。
uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka vakaenda mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari.
18 大風ふきて海ややに荒出づ。
Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.
19 かくて四 五 十 丁こぎ出でしに、イエスの海の上をあゆみ、船に近づき給ふを見て懼れたれば、
Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru.
20 イエス言ひたまふ『我なり、懼るな』
Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”
21 乃ちイエスを船に歓び迎へしに、船は直ちに往かんとする地に著けり。
Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
22 明くる日、海のかなたに立てる群衆は、一艘のほかに船なく、又イエスは弟子たちと共に乘りたまはず、弟子たちのみ出でゆきしを見たり。
Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.
23 (時にテベリヤより數艘の船、主の謝して人々にパンを食はせ給ひし處の近くに來る)
Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.
24 ここに群衆はイエスも居給はず、弟子たちも居らぬを見て、その船に乘り、イエスを尋ねてカペナウムに往けり。
Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
25 遂に海の彼方にてイエスに遇ひて言ふ『ラビ、何時ここに來り給ひしか』
Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”
26 イエス答へて言ひ給ふ『まことに誠に汝らに告ぐ、汝らが我を尋ぬるは、徴を見し故ならで、パンを食ひて飽きたる故なり。
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.
27 朽ちる糧のためならで、永遠の生命にまで至る糧のために働け。これは人の子の汝らに與へんとするものなり、父なる神は印して彼を證し給ひたるに因る』 (aiōnios g166)
Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.” (aiōnios g166)
28 ここに彼ら言ふ『われら神の業を行はんには何をなすべきか』
Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”
29 イエス答へて言ひたまふ『神の業はその遣し給へる者を信ずる是なり』
Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30 彼ら言ふ『さらば我らが見て汝を信ぜしために、何の徴をなすか、何を行ふか。
Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiratidza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko?
31 我らの先祖は荒野にてマナを食へり、録して「天よりパンを彼らに與へて食はしめたり」と云へるが如し』
Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”
32 イエス言ひ給ふ『まことに誠に汝らに告ぐ、モーセは天よりのパンを汝らに與へしにあらず、されど我が父は天よりの眞のパンを與へたまふ。
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.
33 神のパンは天より降りて生命を世に與ふるものなり』
Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”
34 彼 等いふ『主よ、そのパンを常に與へよ』
Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”
35 イエス言ひ給ふ『われは生命のパンなり、我にきたる者は飢ゑず、我を信ずる者はいつまでも渇くことなからん。
Ipapo Jesu akataura achiti, “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36 されど汝らは我を見てなほ信ぜず、我さきに之を告げたり。
Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino.
37 父の我に賜ふものは皆われに來らん、我にきたる者は我これを退けず。
Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.
38 夫わが天より降りしは、我が意をなさん爲にあらず、我を遣し給ひし者の御意をなさん爲なり。
Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma.
39 我を遣し給ひし者の御意は、すべて我に賜ひし者を、我その一つをも失はずして、終の日に甦へらする是なり。
Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.
40 わが父の御意は、すべて子を見て信ずる者の永遠の生命を得る是なり。われ終の日にこれを甦へらすべし』 (aiōnios g166)
Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana agotenda kwaari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (aiōnios g166)
41 ここにユダヤ人ら、イエスの『われは天より降りしパンなり』と言ひ給ひしにより、
Ipapo, vaJudha vakatanga kugununʼuna pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”
42 呟きて言ふ『これはヨセフの子イエスならずや、我等はその父 母を知る、何ぞ今「われは天より降れり」と言ふか』
Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”
43 イエス答へて言ひ給ふ『なんぢら呟き合ふな、
Jesu akapindura akati, “Regai kugununʼuna pakati penyu.
44 我を遣しし父ひき給はずば、誰も我に來ること能はず、我これを終の日に甦へらすべし。
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
45 預言者たちの書に「彼らみな神に教へられん」と録されたり。すべて父より聽きて學びし者は我にきたる。
Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
46 これは父を見し者ありとにあらず、ただ神よりの者のみ父を見たり。
Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.
47 まことに誠になんぢらに告ぐ、信ずる者は永遠の生命をもつ。 (aiōnios g166)
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
48 我は生命のパンなり。
Ndini chingwa choupenyu.
49 汝らの先祖は、荒野にてマナを食ひしが死にたり。
Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.
50 天より降るパンは、食ふ者をして死ぬる事なからしむるなり。
Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.
51 我は天より降りし活けるパンなり、人このパンを食はば永遠に活くべし。我が與ふるパンは我が肉なり、世の生命のために之を與へん』 (aiōn g165)
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.” (aiōn g165)
52 ここにユダヤ人たがひに爭ひて言ふ『この人はいかで己が肉を我らに與へて食はしむることを得ん』
Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”
53 イエス言ひ給ふ『まことに誠になんぢらに告ぐ、人の子の肉を食はず、その血を飮まずば、汝らに生命なし。
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
54 わが肉をくらひ、我が血をのむ者は、永遠の生命をもつ、われ終の日にこれを甦へらすべし。 (aiōnios g166)
Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. (aiōnios g166)
55 夫わが肉は眞の食物、わが血は眞の飮物なり。
Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.
56 わが肉をくらひ我が血をのむ者は、我に居り、我もまた彼に居る。
Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.
57 活ける父の我をつかはし、我の父によりて活くるごとく、我をくらふ者も我によりて活くべし。
Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.
58 天より降りしパンは、先祖たちが食ひてなほ死にし如きものにあらず、此のパンを食ふものは永遠に活きん』 (aiōn g165)
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” (aiōn g165)
59 此 等のことはイエス、カペナウムにて教ふるとき、會堂にて言ひ給ひしなり。
Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
60 弟子たちの中おほくの者これを聞きて言ふ『こは甚だしき言なるかな、誰か能く聽き得べき』
Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”
61 イエス弟子たちの之に就きて呟くを自ら知りて言ひ給ふ『このことは汝らを躓かするか。
Achiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigununʼuna pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?
62 さらば人の子のもと居りし處に昇るを見ば如何に。
Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!
63 活すものは靈なり、肉は益する所なし、わが汝らに語りし言は、靈なり、生命なり。
Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.
64 されど汝らの中に信ぜぬ者どもあり』イエス初より、信ぜぬ者どもは誰、おのれを賣る者は誰なるかを知り給へるなり。
Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.
65 かくて言ひたまふ『この故に我さきに汝らに告げて、父より賜はりたる者ならずば我に來るを得ずと言ひしなり』
Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
66 ここにおいて、弟子たちのうち多くの者かへり去りて、復イエスと共に歩まざりき。
Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
67 イエス十二 弟子に言ひ給ふ『なんじらも去らんとするか』
Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”
68 シモン・ペテロ答ふ『主よ、われら誰にゆかん、永遠の生命の言は汝にあり。 (aiōnios g166)
Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
69 又われらは信じかつ知る、なんぢは神の聖者なり』
Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70 イエス答へ給ふ『われ汝ら十二 人を選びしにあらずや、然るに汝らの中の一人は惡魔なり』
Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”
71 イスカリオテのシモンの子ユダを指して言ひ給へるなり、彼は十二 弟子の一人なれど、イエスを賣らんとする者なり。
Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.

< ヨハネの福音書 6 >