< ヨブ 記 8 >

1 時にシユヒ人ビルダデ答へて曰く
Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
2 何時まで汝かかる事を言や 何時まで汝の口の言語を大風のごとくにするや
“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.
3 神あに審判を曲たまはんや 全能者あに公義を曲たまはんや
Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?
4 汝の子等かれに罪を獲たるにや之をその愆の手に付したまへり
Vana vako pavakamutadzira, akaita kuti varangirwe chivi chavo.
5 汝もし神に求め 全能者に祈り
Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,
6 清くかつ正しうしてあらば必ず今汝を顧み汝の義き家を榮えしめたまはん
kana uri wakachena uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.
7 然らば汝の始は微小くあるとも汝の終は甚だ大ならん
Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi, ramangwana rako richava rokubudirira.
8 請ふ汝過にし代の人に問へ 彼らの父祖の尋究めしところの事を學べ
“Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,
9 (我らは昨日より有しのみにて何をも知ず 我らが世にある日は影のごとし)
nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.
10 彼等なんぢを敎へ汝を諭し 言をその心より出さざらんや
Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?
11 葦あに泥なくして長んや 萩あに水なくしてそだたんや
Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?
12 是はその靑くして未だ刈ざる時にも他の一切の草よりは早く槁る
Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.
13 神を忘るる者の道は凡て是のごとく 悖る者の望は空しくなる
Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.
14 その恃む所は絶れ その倚ところは蜘蛛網のごとし
Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.
15 その家に倚かからんとすれば家立ず 之に堅くとりすがるも保たじ
Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.
16 彼日の前に靑緑を呈はし その枝を園に蔓延らせ
Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;
17 その根を石堆に盤みて石の屋を眺むれども
unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.
18 若その處より取のぞかれなばその處これを認めずして我は汝を見たる事なしと言ん
Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’
19 視よその道の喜樂是のごとし 而してまた他の者地より生いでん
Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.
20 それ神は完全人を棄たまはず また惡き者の手を執りたまはず
“Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.
21 遂に哂笑をもて汝の口に充し歡喜を汝の唇に置たまはん
Achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.
22 汝を惡む者は羞恥を着せられ 惡き者の住所は無なるべし
Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa, uye matende avakaipa haachazovapozve.”

< ヨブ 記 8 >