< エレミヤ書 17 >
1 ユダの罪は鐵の筆金剛石の尖をもてしるされその心の碑と汝らの祭壇の角に鐫らるるなり
“Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo.
2 彼らはその子女をおもふが如くに靑木の下と高岡のうへなるその祭壇とアシラをおもふ
Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira.
3 われ野に在る我山と汝の資產と汝のもろもろの財產および汝の四方の境の内なる汝の罪を犯せる崇邱を擄掠物とならしめん
Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.
4 わが汝にあたへし產業より汝手をはなさん又われ汝をして汝の識ざる地に於て汝の敵につかへしめんそは汝ら我をいからせて限なく燃る火を發したればなり
Nokuda kwokutadza kwako, ucharasikirwa nenhaka yandakakupa. Ndichakuita muranda wavavengi vako munyika yausingazivi, nokuti wakabatidza kutsamwa kwangu, uye kuchapfuta nokusingaperi.”
5 ヱホバかくいひたまふおほよそ人を恃み肉をその臂とし心にヱホバを離るる人は詛るべし
Zvanzi naJehovha: “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha.
6 彼は荒野に棄られたる者のごとくならん彼は善事のきたるをみず荒野の燥きたる處鹽あるところ人の住ざる地に居らん
Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.
7 おほよそヱホバをたのみヱホバを其恃とする人は福なり
“Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari.
8 彼は水の旁に植たる樹の如くならん其根を河にのべ炎熱きたるも恐るるところなしその葉は靑く亢旱の年にも憂へずして絕ず果を結ぶべし
Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
9 心は萬物よりも僞る者にして甚だ惡し誰かこれを知るをえんや
Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva?
10 われヱホバは心腹を察り腎腸を試みおのおのに其途に順ひその行爲の果によりて報ゆべし
“Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
11 鷓鴣のおのれの生ざる卵をいだくが如く不義をもて財を獲る者あり其人は命の半にてこれに離れその終に愚なる者とならん
Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.
Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga, ndicho nzvimbo yedu tsvene.
13 イスラエルの望なるヱホバよ凡て汝を離るる者は辱められん我を棄る者は土に錄されん此はいける水の源なるヱホバを離るるによる
Imi Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu.
14 ヱホバよ我を醫し給へ然らばわれ愈んわれを救ひたまへさらば我救はれん汝はわが頌るものなり
Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
15 彼ら我にいふヱホバの言は何にあるやいま之をのぞましめよと
Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!”
16 われ牧者の職を退かずして汝にしたがひ又禍の日を願はざりき汝これを知りたまふ我唇よりいづる者は汝の面の前にあり
Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.
17 汝我を懼れしむる者となり給ふ勿れ禍の時に汝は我避場なり
Musava chinhu chinotyisa kwandiri; ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.
18 我を攻る者を辱しめ給へ我を辱しむるなかれ彼らを怖れしめよ我を怖れしめ給ふなかれ禍の日を彼らに來らしめ滅亡を倍して之を滅し給へ
Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei kuti ndisavhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.
19 ヱホバ我にかくいひ給へり汝ゆきてユダの王等の出入する民の門及びヱルサレムの諸の門に立て
Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.
20 彼らにいへ此門より入る所のユダの王等とユダのすべての民とヱルサレムに住るすべての者よ汝らヱホバの言をきけ
Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.
21 ヱホバかくいひたまふ汝ら自ら愼め安息日に荷をたづさへてヱルサレムの門にいる勿れ
Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.
22 また安息日に汝らの家より荷を出す勿れ諸の工作をなす勿れ我汝らの先祖に命ぜしごとく安息日を聖くせよ
Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.
23 されど彼らは遵はず耳を傾けずまたその項を強くして聽ず訓をうけざるなり
Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.
24 ヱホバいひ給ふ汝らもし謹愼て我にきき安息日に荷をたづさへてこの邑の門にいらず安息日を聖くなして諸の工作をなさずば
Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,
25 ダビデの位に坐する王等牧伯たちユダの民ヱルサレムに住る者車と馬に乗てこの邑の門よりいることをえんまた此邑には限なく人すまはん
ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi.
26 また人々ユダの邑とヱルサレムの四周およびベニヤミンの地と平地と山と南の方よりきたり燔祭 犠牲 素祭 馨香 謝祭を携へてヱホバの室にいらん
Vanhu vachauya kumaguta eJudha uye nokumisha yakapoteredza Jerusarema, kubva kunyika yeBhenjamini nokujinga rezvikomo zvokumavirira, nokunyika yemakomo uye nokuNegevhi, vachiuyisa zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, uye zvipiriso zvezviyo, nezvinonhuhwira nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha.
27 されど汝らもし我に聽ずして安息日を聖くせず安息日に荷をたづさへてヱルサレムの門にいらばわれ火をその門の内に燃してヱルサレムの殿舍を燬んその火は滅ざるべし
Asi kana mukarega kunditeerera kuti muchengete zuva reSabata kuti rive dzvene, musingaregi kutakura mutoro pamunopinda pamasuo eJerusarema nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto usingadzimwe mumasuo eJerusarema uchapedza nharo dzaro.’”