< イザヤ書 60 >
1 起よひかりを發て なんぢの光きたりヱホバの榮光なんぢのうへに照出たればなり
“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
2 視よくらきは地をおほひ闇はもろもろの民をおほはん されど汝の上にはヱホバ照出たまひてその榮光なんぢのうへに顯はるべし
Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
3 もろもろの國はなんぢの光にゆき もろもろの王はてり出るなんぢが光輝にゆかん
Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.
4 なんぢの目をあげて環視せ かれらは皆つどひて汝にきたり 汝の子輩はとほきより來り なんぢの女輩はいだかれて來らん
“Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.
5 そのときなんぢ視てよろこびの光をあらはし なんぢの心おどろきあやしみ且ひろらかになるべし そは海の富はうつりて汝につき もろもろの國の貨財はなんぢに來るべければなり
Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri.
6 おほくの駱駝ミデアンおよびエバのわかき駱駝なんぢの中にあまねくみち シバのもろもろの人こがね乳香をたづさへきたりてヱホバの譽をのべつたへん
Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuhwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.
7 ケダルのひつじの群はみな汝にあつまりきたり ネバヨテの牡羊はなんぢに事へ わが祭壇のうへにのぼりて受納られん 斯てわれわが榮光の家をかがやかすべし
Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondobwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.
8 雲のごとくにとび鳩のその窠にとびかへるが如くしてきたる者はたれぞ
“Ndivanaani ava vanobhururuka samakore, senjiva dzinoenda kumatendere adzo?
9 もろもろの島はわれを俟望み タルシシのふねは首先になんぢの子輩をとほきより載きたり 並かれらの金銀をともにのせきたりてなんぢの神ヱホバの名にささげ イスラエルの聖者にささげん ヱホバなんぢを輝かせたまひたればなり
Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya.
10 異邦人はなんぢの石垣をきづき かれらの王等はなんぢに事へん そは我いかりて汝をうちしかどまた惠をもて汝を憐みたればなり
“Vatorwa vachavakazve masvingo ako, uye madzimambo avo achakushandira. Kunyange ndakakurova mukutsamwa kwangu, munyasha dzangu ndichakunzwira tsitsi.
11 なんぢの門はつねに開きて夜も日もとざすことなし こは人もろもろの國の貨財をなんぢに携へきたり その王等をひきゐ來らんがためなり
Masuo ako achagara akashama haachazombozarirwi, masikati kana usiku kuitira kuti vanhu vakuvigire upfumi hwendudzi, madzimambo adzo achafambiswa ari mumudungwe akundwa.
12 なんぢに事へざる國と民とはほろび そのくにぐには全くあれすたるべし
Nokuti rudzi kana ushe husingakushumiri huchaparadzwa; huchaparadzwa zvachose.
13 レバノンの榮はなんぢにきたり 松 杉 黄楊はみな共にきたりて我が聖所をかがやかさん われ亦わが足をおく所をたふとくすべし
“Kubwinya kweRebhanoni kuchauya kwauri, mipaini nemifiri nemisipuresi pamwe chete, kuzoshongedza nzvimbo yetemberi yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu.
14 汝を苦しめたるものの子輩はかがみて汝にきたり 汝をさげしめたる者はことごとくなんぢの足下にふし 斯て汝をヱホバの都イスラエルの聖者のシオンととなへん
Vanakomana vavamanikidzi venyu vachauya vachikotama pamberi penyu; vose vanokuzvidzai vachapfugama patsoka dzenyu uye vachakutumidzai kuti Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsraeri.
15 なんぢ前にはすてられ憎まれてその中をすぐる者もなかりしが 今はわれ汝をとこしへの華美よよの歡喜となさん
“Kunyange wanga wasiyiwa uye uchivengwa, pasina munhu anopfuura nemauri, ndichakuita kuti ukudzwe nokusingaperi uye uve mufaro wezvizvarwa zvinotevera.
16 なんぢ亦もろもろの國の乳をすひ王たちの乳房をすひ 而して我ヱホバなんぢの救主なんぢの贖主ヤコブの全能者なるを知るべし
Uchanwa mukaka wendudzi uye ucharerwa pamazamu oumambo. Ipapo uchaziva kuti ini, iyeni Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.
17 われ黄金をたづさへきたりて赤銅にかへ 白銀をたづさへきたりて鐵にかへ 赤銅を木にかへ鐵を石にかへ なんぢの施政者をおだやかにし なんぢを役するものを義うせん
Ndichakuvigira goridhe pachinzvimbo chendarira, nesirivha pachinzvimbo chesimbi. Ndichakuvigira ndarira pachinzvimbo chamatanda, nesimbi pachinzvimbo chamabwe. Ndichaita rugare mubati wako nekururama mutongi wako.
18 強暴のこと再びなんぢの地にきこえず 殘害と敗壞とはふたたびなんぢの境にきこえず 汝その石垣をすくひととなへ その門を譽ととなへん
Kuita nechisimba hakuchazonzwikwa munyika yako, kana dongo kana kuparadzwa mukati memiganhu yako, asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti Ruponeso nemasuo ako kuti Rumbidzo.
19 晝は日ふたたびなんぢの光とならず 月もまた輝きてなんぢを照さず ヱホバ永遠になんぢの光となり なんぢの神はなんぢの榮となり給はん
Zuva harichazovi chiedza chako masikati, uye kupenya kwomwedzi hakungavi pamusoro pako, nokuti Jehovha ndiye achava chiedza chako chisingaperi, uye Mwari wako achava kubwinya kwako.
20 なんぢの日はふたたび落ず なんぢの月はかくることなかるべし そはヱホバ永遠になんぢの光となり 汝のかなしみの日畢るべければなり
Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma.
21 汝の民はことごとく義者となりてとこしへに地を嗣ん かれはわが植たる樹株わが手の工わが榮光をあらはす者となるべし
Ipapo vanhu vako vose vachava vakarurama, uye vachatora nyika kuti ive yavo nokusingaperi. Ndivo mabukira andakadyara, basa ramaoko angu, kuti ndiratidze kubwinya kwangu.
22 その小きものは千となり その弱きものは強國となるべし われヱホバその時いたらば速かにこの事をなさん
Mudikisa wako achava chiuru, mudiki achava rudzi rune simba. Ndini Jehovha, munguva yacho ndichazviita nokukurumidza.”