< イザヤ書 18 >
1 唉エテオピアの河の彼方なるさやさやと羽音のきこゆる地
Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,
2 この地蒹のふねを水にうかべ海路より使者をつかはさんとてその使者にいへらく 疾走る使よなんぢら河々の流のわかるる國にゆけ丈たかく肌なめらかなる 始めより今にいたるまで懼るべく繩もてはかり人を踐にじる民にゆけ
inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi.
3 すべて世にをるもの地にすむものよ 山のうへに旗のたつとき汝等これを見ラッパの鳴響くときなんぢら之をきけ
Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa.
4 そはヱホバわれに如此いひ給へりいはく 空はれわたり日てり收穫の熱むしてつゆけき雲のたるる間 われわが居所にしづかに居てながめん
Zvanzi naJehovha kwandiri: “Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu, samanyirinyiri omushana unopisa, segore redova mukupisa kwokukohwa.”
5 收穫のまへにその芽またく生その花ぶだうとなりて熟せんとするとき かれ鎌をもて蔓をかり枝をきり去ん
Nokuti, kukohwa kusati kwasvika, kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva, achagura mabukira namapanga okurangura, achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.
6 斯てみな山のたけきとりと地の獸とになげあたへらるべし 猛鳥そのうへにて夏をすごし地のけものその上にて冬をわたらん
Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose.
7 そのとき河々の流のわかるる國の丈たかく肌なめらかなる 始めより今にいたるまで懼るべく繩もてはかり人をふみにじる民より 萬軍のヱホバにささぐる禮物をたづさへて 萬軍のヱホバの聖名のところシオンの山にきたるべし
Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.