< イザヤ書 14 >

1 ヱホバ、ヤコブを憐みイスラエルをふたたび撰びて之をおのれの地におきたまはん 異邦人これに加りてヤコブの家にむすびつらなるべし
Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho.
2 もろもろの民はかれらをその處にたづさへいたらん而してイスラエルの家はヱホバの地にてこれを奴婢となし曩におのれを虜にしたるものを虜にし おのれを虐げたるものを治めん
Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.
3 ヱホバなんぢの憂と艱難とをのぞき 亦なんぢが勤むるからき役をのぞきて安息をたまふの日
Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,
4 なんぢこの歌をとなへバビロン王をせめていはん虐ぐる者いかにして息みしや 金をはたる者いかにして息みしやと
uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti: Haiwa, mumanikidzi apera sei! Haiwa, hasha dzake dzapera sei!
5 ヱホバあしきものの笞ともろもろの有司の杖とををりたまへり
Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo,
6 かれらは怒をもてもろもろの民をたえず撃てはうち 忿恚をもてもろもろの國ををさむれど その暴虐をとどむる者なかりき
yaakarova nayo marudzi mukutsamwa nokurova kusingaperi, uye akakunda ndudzi nehasha nokurwisa kusingaperi.
7 今は全地やすみを得おだやかを得 ことごとく聲をあげてうたふ
Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare; votanga kufara nokuimba.
8 實にまつの樹およびレバノンの香柏さへもなんぢの故により歡びていふ 汝すでに仆たれば樵夫のぼりきたりてわれらを攻ることなしと
Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni inofara pamusoro pako ichiti, “Zvino zvawaparadzwa, hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”
9 下の陰府はなんぢの故により動きて汝のきたるをむかへ世のもろもろの英雄の亡靈をおこし國々のもろもろの王をその位より起おこらしむ (Sheol h7585)
Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. (Sheol h7585)
10 かれらは皆なんぢに告ていはん 汝もわれらのごとく弱くなりしや 汝もわれらと同じくなりしやと
Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.”
11 なんぢの榮華となんぢの琴の音はすでに陰府におちたり 蛆なんぢの下にしかれ蚯蚓なんぢをおほふ (Sheol h7585)
Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza. (Sheol h7585)
12 あしたの子明星よいかにして天より隕しや もろもろの國をたふしし者よいかにして斫れて地にたふれしや
Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi!
13 汝さきに心中におもへらく われ天にのぼり我くらゐを神の星のうへにあげ北の極なる集會の山にざし
Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene.
14 たかき雲漢にのぼり至上者のごとくなるべしと
Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.”
15 然どなんぢは陰府におとされ坑の最下にいれられん (Sheol h7585)
Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba. (Sheol h7585)
16 なんぢを見るものは熟々なんぢを視なんぢに目をとめていはん この人は地をふるはせ列國をうごかし
Vose vanokuona vanokunanʼanidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,
17 世を荒野のごとくし もろもろの邑をこぼち 捕へたるものをその家にときかへさざりしものなるかと
murume akaita kuti nyika ive gwenga, akaparadza maguta ayo, akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”
18 もろもろの國の王たちはことごとく皆たふとき狀にておのおのその家にねぶる
Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa, mumwe nomumwe muguva rake.
19 然どなんぢは忌きらふべき枝のごとく おのが墓のそとにすてられその周圍には劍にて刺ころされ坑におろされ 石におほはれたる者ありて踐つけらるる屍にことならず
Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako, kufanana nedavi rakaraswa; wakafukidzwa navakaurayiwa, naavo vakabayiwa nomunondo, avo vakadzika kumatombo egomba. Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,
20 汝おのれの國をほろぼし おのれの民をころししが故に かれらとおなじく葬らるることあたはず それ惡をおこなふものの裔はとこしへに名をよばるることなかるべし
hauzobatani navo pakuvigwa kwako, nokuti wakaparadza nyika yako ukauraya vanhu vako. Vana vowakaipa havazotaurwi nezvavozve.
21 先祖のよこしまの故をもて その子孫のために戮場をそなへ 彼等をしてたちて地をとり世界のおもてに邑をみたすことなからしめよ
Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vake nokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo; havazosimuki kuti vagare nhaka yenyika vagozadza nyika namaguta avo
22 萬軍のヱホバのたまはく 我立てかれらを攻めバビロンよりその名と遺りたるものとを絶滅し その子その孫をたちほろぼさんと これヱホバの聖言なり
“Ndichavamukira ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi, vana vake navana vavana vake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
23 われバビロンを刺蝟のすみかとし沼とし且ほろびの箒をもてこれを掃除かんと これ萬軍のヱホバのみことばなり
“Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi nenyika yamachawi; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
24 萬軍のヱホバ誓をたてて言給はくわがおもひし事はかならず成 わがさだめし事はかならず立ん
Jehovha Wamasimba Ose akapika achiti: “Zvirokwazo sezvandakafunga ndizvo zvichaitika, uye sezvandakarangarira ndizvo zvichaitika.
25 われアツスリヤ人をわが地にてうちやぶり わが山々にてふみにじらん ここにおいて彼がおきし軛はイスラエル人よりはなれ 彼がおはせし重負はイスラエル人の肩よりはなるべし
Ndichapwanya muAsiria munyika yangu; ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu. Joko rake richabviswa kubva pavanhu vangu, nomutoro wake wokubva pamabvudzi avo.”
26 これは全地のことにつきて定めたる謀略なり 是はもろもろの國のうへに伸したる手なり
Iyi ndiyo pfungwa yakarongerwa nyika yose; urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa pamusoro pamarudzi ose.
27 萬軍のヱホバさだめたまへり誰かこれを破ることを得んや その手をのばしたまへり誰かこれを押返すことを得んや
Nokuti Jehovha Wamasimba Ose akazvironga zvino ndianiko angamukonesa? Ruoko rwake rwakatambanudzwa ndianiko angarudzora?
28 アハズ王の死たる年おもにの預言ありき
Shoko iri rakauya mugore rakafa Mambo Ahazi richiti:
29 曰く ペリシテの全地よなんぢをうちし杖をれたればとて喜ぶなかれ 蛇の根より蝮いでその果はとびかける巨蛇となるべければなり
Musafara imi mose vaFiristia, muchiti shamhu yakakurovai imi, yavhunika; nokuti kubva pamudzi wenyoka iyo pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka ino uturu hunobaya.
30 いと貧しきものはものくひ乏しきものは安然にふさん われ饑饉をもてなんぢの根をしなせ汝がのこれる者をころすべし
Murombo wavarombo achawana mafuro, uye vanoshayiwa vacharara pasi murugare. Asi ndichaparadza mudzi wako nenzara; ichauraya vakasara vako.
31 門よなげけ邑よさけべ ペリシテよなんぢの全地きえうせたり そはけぶり北よりいできたり その軍兵の列におくるるものなし
Ungudza iwe suo! Chema, iwe guta! Nyungudukai, imi vaFiristia mose! Gore routsi riri kuuya richibva kumusoro, uye hapana achatiza pasimba raro.
32 その國の使者たちに何とこたふべきや 答へていはん ヱホバ、シオンの基をおきたまへり その民のなかの苦しむものは避所をこの中にえん
Ko, imhinduroi ichapiwa kunhume dzorudzi urwo? “Jehovha akasimbisa Zioni, uye mariri vanhu vake vanotambudzika vachawana pokuvanda.”

< イザヤ書 14 >